‘Vagere nenjuzu’
MUKADZI anova n’anga uye svikiro rekuNyanga asi achigara muHarare anoti vanhu vose vakatsakatika mugomo reNyanga, kuManicaland, vapenyu.
Anoti chinongodiwa bedzi kuita bira nekuchenurwa kwemakomo aya kuti vanhu ivava vadzoswe nenjuzu dzaanoti ndidzo dzakavatora.
Mbuya Shumba, zita rekuberekwa vachinzi Alice Masoko (61) - avo vari kugara mumusha weLochnivar - vanoti mashiripiti anoita kuti vanhu vatsakatike mumakomo eNyanga haambofe akapera kusvikira kwaitwa bira rekuchenura nzvimbo iyi.
Mbuya Shumba mudzimai wemushakabvu Sekuru Nhando, avo vanonzi vaiva mambo uyewo svikiro mudunhu iri.
“Pane zvinhu zvingangoita zviviri kana zvitatu zvinoda kugadziriswa nesu vakuru vedunhu reNyanga izvo zvinosanganisira kuitwa kwebira ranaSimboti — vanova varidzi veNyanga. Mushure mezvo, kwoitwa bira renyika rekuchenura vaiva varwi vehondo yeChimurenga avo vakafira munzvimbo iyi, nemunyika yose, kuMozambique nedzimwe nyika zvichiitirwa makare muNyanga.
“Kozotiwo hushe hwekwaSanyanga hobva hwagadzwa. Zvikadaro, shungu dzenjuzu nemhondoro dzemugomo reNyanga — iro raizivikanwa kare nekuti Ndume — dzinoserera zvinhu zvofamba zvakanaka,” vanodaro.
Mbuya Shumba vanoenderera mberi: “Tine vanhu vanokwana potse vashanu kana kuti vatanhatu avo vakangonyangarika mugomo reNyanga. Mukati mavo mune vaRungu nevatema, kusanganisira vana vechikoro. Izvozvi vakura, iye muRungu akashaikwa makore mashoma akadarika uyu mupenyu nevamwe. Vagere nenjuzu kumakomo aya.”
Vanoti kana vanhu vakafa kana kudyiwa nezvikara zvesango, mitumbi yavo inoonekwa pavanenge vafira zvichireva kuti avo vanonyangarika mugomo iri vanenge vatorwa nevaridzi vesango, vonochengetwa kuratidza kutsamwa kwemidzimu.
Mugore ra1981, mugomo iri makashaikwa vana vaviri vevaimbova gurukota rezvemari, Dr Tichaendepi Masaya.
“Vana ava havana kuzoonekwa zvachose kubva gore iri kunyangwe kwakasimuka zvikopokopo zvikatsvaga kwenguva inodarika svondo. Vana ava havana kuonekwa kunyangwe mitumbi yavo ndokunge tikati vakafa,” vanodaro Mbuya Shumba.
Mumakomo eNyanga makazoshaikwawo Zayd Dada (30) mugore ra2014.
Mbuya Shumba vanoti gore rapera vanhu veko vakamboungana mugomo iri vakaita bira, apo vanoti Zayd vakamuona aine vhudzi nendebvu refu akaiswa pakati nemazirume maviri aiva akapakata miseve neuta nenhovo uye vakapfeka nhembe.
“Kwakaridzwa mbira midzimu ikabuda. MuRungu uyu akabuda akachengetedzwa nemachembere maviri vakamuisa pakati. Iye aiva nembatya dzake, machembere aya akapfeka nhembe.”
Vanoti izvi zvakaitika apo ivo nemamwe masvikiro nen’anga vakakumbira kuti vambomuona nevamwe vakanyangarika kare asi kukabuda iye chete.
“Varume ava vakamuratidza kuvanhu ndokudzokera naye, hapana akataura nesu, vakadzika naye negomo,” vanodaro M Shumba.
Vanotizve vanhu vakanyangarik vanogara mumisha ine njuzu - ya vakwa, iine zvipfuyo.
“Chokwadi vanhu ngatitevedzei kudiwa, vanhu ava havana kufa an aurayiwa nenjuzu anoburitswa k oonekwa nevanhu. Ava vakavigwa n vapenyu kuratidza simba remidzimu
Mbuya Shumba vanoti vamwe vev vakatsakatika mugomo iri vakatoro zvekuti vatove nemhuri dzavo.
Sahwira kuvanhu veSim vekuNyanga, VaWiseman Mus Kawanzaruwa (35), vanoti vari kufam basa rekuti munzvimbo iyi muitwe munguva pfupi iri kutevera.
“Sasahwira ndakanzi ndibatsire m fambiswa kwebasa iri. Ichokwadi vanhu vari kushaikwa ava vanonzi vap kusanganisira iye Zayd Dada. Huron hwebira iri huri kutungamirirwa n dzimu waSekuru Mufambenhand Mbuya Shumba nevamwe vanoti Jep Gumiro naJeremiah Mareya,” vano VaMushore.
Mbuya Shumba vanowedzera va pane chivanhu chakaitwa pakasha Dada sezvo pakazouraiwa huku -