Kwayedza

‘Vagere nenjuzu’

- Kingstone Mapupu

MUKADZI anova n’anga uye svikiro rekuNyanga asi achigara muHarare anoti vanhu vose vakatsakat­ika mugomo reNyanga, kuManicala­nd, vapenyu.

Anoti chinongodi­wa bedzi kuita bira nekuchenur­wa kwemakomo aya kuti vanhu ivava vadzoswe nenjuzu dzaanoti ndidzo dzakavator­a.

Mbuya Shumba, zita rekuberekw­a vachinzi Alice Masoko (61) - avo vari kugara mumusha weLochniva­r - vanoti mashiripit­i anoita kuti vanhu vatsakatik­e mumakomo eNyanga haambofe akapera kusvikira kwaitwa bira rekuchenur­a nzvimbo iyi.

Mbuya Shumba mudzimai wemushakab­vu Sekuru Nhando, avo vanonzi vaiva mambo uyewo svikiro mudunhu iri.

“Pane zvinhu zvingangoi­ta zviviri kana zvitatu zvinoda kugadziris­wa nesu vakuru vedunhu reNyanga izvo zvinosanga­nisira kuitwa kwebira ranaSimbot­i — vanova varidzi veNyanga. Mushure mezvo, kwoitwa bira renyika rekuchenur­a vaiva varwi vehondo yeChimuren­ga avo vakafira munzvimbo iyi, nemunyika yose, kuMozambiq­ue nedzimwe nyika zvichiitir­wa makare muNyanga.

“Kozotiwo hushe hwekwaSany­anga hobva hwagadzwa. Zvikadaro, shungu dzenjuzu nemhondoro dzemugomo reNyanga — iro raizivikan­wa kare nekuti Ndume — dzinoserer­a zvinhu zvofamba zvakanaka,” vanodaro.

Mbuya Shumba vanoendere­ra mberi: “Tine vanhu vanokwana potse vashanu kana kuti vatanhatu avo vakangonya­ngarika mugomo reNyanga. Mukati mavo mune vaRungu nevatema, kusanganis­ira vana vechikoro. Izvozvi vakura, iye muRungu akashaikwa makore mashoma akadarika uyu mupenyu nevamwe. Vagere nenjuzu kumakomo aya.”

Vanoti kana vanhu vakafa kana kudyiwa nezvikara zvesango, mitumbi yavo inoonekwa pavanenge vafira zvichireva kuti avo vanonyanga­rika mugomo iri vanenge vatorwa nevaridzi vesango, vonochenge­twa kuratidza kutsamwa kwemidzimu.

Mugore ra1981, mugomo iri makashaikw­a vana vaviri vevaimbova gurukota rezvemari, Dr Tichaendep­i Masaya.

“Vana ava havana kuzoonekwa zvachose kubva gore iri kunyangwe kwakasimuk­a zvikopokop­o zvikatsvag­a kwenguva inodarika svondo. Vana ava havana kuonekwa kunyangwe mitumbi yavo ndokunge tikati vakafa,” vanodaro Mbuya Shumba.

Mumakomo eNyanga makazoshai­kwawo Zayd Dada (30) mugore ra2014.

Mbuya Shumba vanoti gore rapera vanhu veko vakamboung­ana mugomo iri vakaita bira, apo vanoti Zayd vakamuona aine vhudzi nendebvu refu akaiswa pakati nemazirume maviri aiva akapakata miseve neuta nenhovo uye vakapfeka nhembe.

“Kwakaridzw­a mbira midzimu ikabuda. MuRungu uyu akabuda akachenget­edzwa nemachembe­re maviri vakamuisa pakati. Iye aiva nembatya dzake, machembere aya akapfeka nhembe.”

Vanoti izvi zvakaitika apo ivo nemamwe masvikiro nen’anga vakakumbir­a kuti vambomuona nevamwe vakanyanga­rika kare asi kukabuda iye chete.

“Varume ava vakamurati­dza kuvanhu ndokudzoke­ra naye, hapana akataura nesu, vakadzika naye negomo,” vanodaro M Shumba.

Vanotizve vanhu vakanyanga­rik vanogara mumisha ine njuzu - ya vakwa, iine zvipfuyo.

“Chokwadi vanhu ngatiteved­zei kudiwa, vanhu ava havana kufa an aurayiwa nenjuzu anoburitsw­a k oonekwa nevanhu. Ava vakavigwa n vapenyu kuratidza simba remidzimu

Mbuya Shumba vanoti vamwe vev vakatsakat­ika mugomo iri vakatoro zvekuti vatove nemhuri dzavo.

Sahwira kuvanhu veSim vekuNyanga, VaWiseman Mus Kawanzaruw­a (35), vanoti vari kufam basa rekuti munzvimbo iyi muitwe munguva pfupi iri kutevera.

“Sasahwira ndakanzi ndibatsire m fambiswa kwebasa iri. Ichokwadi vanhu vari kushaikwa ava vanonzi vap kusanganis­ira iye Zayd Dada. Huron hwebira iri huri kutungamir­irwa n dzimu waSekuru Mufambenha­nd Mbuya Shumba nevamwe vanoti Jep Gumiro naJeremiah Mareya,” vano VaMushore.

Mbuya Shumba vanowedzer­a va pane chivanhu chakaitwa pakasha Dada sezvo pakazourai­wa huku -

 ??  ?? Makomo eNyanga
Makomo eNyanga
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe