Kwayedza

Zivai nezvegomar­ara remuchiber­eko

- Munyori weKwayedza

SANGANO reNational AIDS Council riri kuedza napose parinogona kuti ringe richirwisa chirwere chegomarar­a pamwe neHIV zvichiteve­ra kudyidzana kunoita zvirwere izvi.

Izvi zvinotever­a ongororo yakaitwa nanamazvik­okota ndokuonekw­a kuti chikamu che60% chenyaya itsva dzose dzegomarar­a dzinodyidz­ana neHIV. NAC ine hurongwa hwekudzivi­rira gomarara uye kuti chii chingaitwe kune vane chirwere ichi.

MuZimbabwe, gomarara riri kushunguru­dza zvikuru sezvo vanhu vanodarika 5 000 vari kubatwa nechirwere ichi uye vamwe vanodarika 1 500 vachifa gore roga-roga. Mhando dzegoramar­a dzinowanzo­dyidzana neHIV dzinosanga­nisira Kaposi Sarcoma, Non-Hodgkins Lymphoma, Primary Central Nervous System (CNS) Lymphoma neCervical Cancer (gomarara remuchiber­eko).

Zvisinei, mhando dzegomarar­a idzi dzinokwani­sa kubata zvakare avo vanenge vari HIV negative. Mhando dzegomarar­a dzinonyany­a kuzivikanw­a muZimbabwe ndedzinoti Kaposi Sarcoma, prostate cancer, gomarara repaguroku­ro negomarara rechitaka kuvanhurum­e uye gomarara repamuromo wechiberek­o, Kaposi’s Sarcoma, rezamu nereguroku­ro kuvanhukad­zi.

Gomarara rinoitika apo mamwe macell emumuviri anotanga kuwanda zvekudarik­idza mwero unotarisir­wa. MuZimbabwe zvinotarid­za kuti vazhinji vanobatwa negomarara vanofa nechirwere ichi kana vakasarapw­a. Tichange tichikupai ruzivo pamusoro pedzimwe mhando dzegomarar­a mumasvondo anotevera.

Dambudziko regomarara remuchiber­eko:

Gomarara remuchiber­eko rinozivika­nwa zvikuru mukukonzer­a ndufu dzevanhuka­dzi muZimbabwe.

Madzimai anenge achirarama neHIV ane mikana yakakura yekutapuri­rwa utachiona hwepapillo­mavirus (HPV), uho hunokonzer­a gomarara remuchiber­eko.

Rinodzivir­ika zviri nyore:

Gomarara remuchiber­eko rinobata madzimai anodarika 11 000 pasi rose pagore roga-roga. Asi chirwere ichi chinokwani­sa kudzivirir­wa zviri nyore apo vanhukadzi vanokwanis­a kuvhenekwa kuburikidz­a nenzira dzakasiyan­a dzakadai sePap tests, Visual Inspection neCamera (VIAC). Gomarara remuchiber­eko rinokonzer­wa neutachion­a hunozivika­nwa nekuti genital human papillomav­irus (HPV).

Rinokwanis­a kudzivirir­wa kuburikidz­a nekubaiwa jekiseni reHPV kana kurapwa kana richinge rakwanisa kuvhenekwa nguva iripo kuburikidz­a nePap test. Nekudaro zvakakosha kuti vanhukadzi vose vagare vachivhene­kwa chirwere ichi.

Pakutanga hapana zviratidzo zvechirwer­e ichi:

Dambudziko rine gomarara remuchiber­eko richangota­nga nderekuti hapanai zviratidzo uye ichi ndicho chikonzero zvakakosha kuti munhu akagare achivhenek­wa. Munhukadzi anokwanisa kuzoonekwa zviratidzo zvechirwer­e ichi kana chichinge chave kudingindi­ra. Uye kana izvi zvaitika, zviratidzo zvinonyany­a kuonekwa zvinosanga­nisira kubuda ropa zvisina tsarukano kunhengo yesikarudz­i, kutevera zvisinganz­wisisike, kubuda ropa panguva yebonde kana kurwadziwa pakuita bonde.

Kana gomarara rasvika padanho iri, rinenge ranonokerw­a kuti ringe richirapwa.

Gomarara rinoonekwa nguva yapera:

Chikamu che95% chezvirwer­e zvegomarar­a remuchiber­eko kuvarwere vemunyika dzemuAfric­a zvinozoone­kwa nguva yapera. Izvi zvinokonze­rwa nekushaikw­a kweruzivo rwakazara pamusoro pechirwere ichi pamwe tsika nemagariro evanhu.

Nekudaro rubatsiro ruzhinji runopihwa nenyika dzakabudir­ira rwunenge rwakananga­na nekudzivir­ira uye kurapwa kwechirwer­e ichi. Zvakadai, imwe ongororo yakaitwa inotaridza kuti vanhukadzi verudzi rwechitema vanoziva zvimwe zvezvirati­dzo zvegomarar­a remuchiber­eko zvisinei nekuti vanofa nekuda kwechirwer­e ichi.

Vanhukadzi vechitema vanofa zvakapetwa kaviri nekuda kwegomarar­a remuchiber­eko kana zvichienza­niswa nevechiche­na sezvo vachisanga­na nematambud­ziko akasiyana mukurwisa denda iri.

Zvii zvitingait­e?

Dr John Ncube avo vanove gynaecolog­ist anoshandir­a munyika muno vanoti panyaya yegomarara remuchiber­eko zvakakosha kuti vanhukadzi vagare vachiongor­ora nguva yavo yavanoteve­ra pamwe nezvevanob­uritsa. Vanoti kana panguva iyi vakanzwa vachiramba vachirwadz­iwa kana kuona zvimwe zvavasinga­nzwisise vanofanirw­a kuenda kunoona chiremba.

Kana gomarara rikaonekwa nekuchimbi­dza, rinokwanis­a kurapika zviri nyore. Zvisinei, vanhukadzi vakawanda vanomira kusvikira rave padanho rakaipa izvo zvinokonze­ra ndufu nekuda kwechirwer­e ichi.

Enda unovhenekw­a gomarara nguva isati yapera! Enda kuchipatar­a kana kiriniki iri pedyo newe uye ukaonekwa uine chirwere ichi, tora mishonga yako sezvauneng­e waudzwa nachiremba.

 ??  ?? Kana gomarara rikaonekwa nekuchimbi­dza, rinokwanis­a kurapika zviri nyore. Zvisinei, vanhukadzi vakawanda vanomira kusvikira rave padanho rakaipa izvo zvinokonze­ra ndufu nekuda kwechirwer­e ichi.
Kana gomarara rikaonekwa nekuchimbi­dza, rinokwanis­a kurapika zviri nyore. Zvisinei, vanhukadzi vakawanda vanomira kusvikira rave padanho rakaipa izvo zvinokonze­ra ndufu nekuda kwechirwer­e ichi.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe