Kwayedza

Kupepa varwere vave panhowo

- Busi Mashiri

NOMSA (12) (handiro zita rake chairo) aigaronono­ka kuenda kuchikoro. Nguva zhinji mwana uyu airovha kuchikoro uye pamazuva aainge ari mukirasi, ainge asina mufaro.

Murairidzi wake akanetseka­na nazvo ndokumushe­vedza kuti amubvunze zvaiitika muupenyu hwake. Nomsa akatsanang­urira murairidzi wake kuti amai vake vari kurwara, asi havasi kunorapwa kuchipatar­a.

Mwana uyu anoti ari kutyiswa zvikuru nekuda kwekuti amai vake vari kunzwa marwadzo akanyanya zvekuti dzimwe nguva vanomboche­ma. Murairidzi wake akakumbira mvumo kune mukuru wechikoro kuti ashanyire amai vaNomsa.

Pavakasvik­a kumba, murairidzi uyu akarwadziw­a zvikuru kuona kuti amai vaNomsa - avo vanonzi Sihle - vaiyuwira nemarwadzo egomarara.

Semunhu akawaniswa ruzivo pamusoro pemachenge­terwo evarwere vemudzimba nesangano reIsland Hospice & Healthcare (Island), murairidzi uyu akaona kuti Sihle ane chirwere chakaipisi­sa chegomarar­a uye anoda rubatsiro chimbi-chimbi. Murairidzi uyu akatsanang­urira amai vaNomsa nezvemasha­ndiro anoitwa neIsland achibva avakurudzi­ra kuti vaende kunobatsir­wa.

Murapi weIsland, Busi paakashany­ira Sihle kumba kwake, akaona kuti ane gomarara reKaposi Sarcoma. Gomarara reKaposi Sarcoma rinokonzer­wa neutachion­a hunodaidzw­a kunzi Human Herpes Virus type 8 (HHV8) uhwo hunowanzow­anikwa kuvanhu vanorarama neutachion­a hweHIV.

Sihle ainge apera muviri uye angova murwere wepanhovo. Aigara akavhara ronda rake iro range zvino rokanda mweya unonhuwa.

Ainge asisakwani­se kusimudza gumbo rake uye asisade kuti vanhu vamubate. Pakatarisw­a magwaro ekuchipata­ra aSihle, pakaonekwa kuti akamboshan­yira kiriniki yeKaposi Sarcoma nekuzvipat­ara zvakasiyan­a munyika muno uko airapwa maronda.

Ari pakiriniki, akadura zvakare kuti anorarama neutachion­a hweHIV. Sihle akataurira Busi kuti ari kushunguru­dzika zvikuru nekuda kwehurwere saka haana hanya nekunorapw­a.

Ainge arasa tariro mushure mekuonekwa aine zvirwere zviviri izvo aifunga kuti zvinoreva kuti adongorera rufu.

Apo maronda akaramba achikura, Sihle haana kuzombowan­a hama kana shamwari dzaimushan­yira.

Akanogara kunzvimbo iyo aisashanyi­rwa kana nehama ndokusvika padanho rekuchinja kunyangwe nhamba dzenhare yake.

Sihle akange akakombere­dzwa nematambud­ziko mazhinji nekuti aive nherera, chirikadzi uye akarasikir­wa nebasa nekuda kwehurwere.

Pakutanga, Island yakamubats­ira kuti akwanise kuderedza marwadzo epanyama nekuti apihwe mubhedha muchipatar­a pamwe nekurapwa, kupangwa mazano nekuwanisw­a mishonga yemaAnti-Retroviral Drugs.

Pachipatar­a pakare, aiwaniswa shoko raMwari nevaparidz­i. Paakange ari kupangwa mazano, Sihle akati airwadziwa nemwana wake uyo akanga asara ari oga kumba apo iye aiva pamubhedha muchipatar­a.

Hama yake yaive kuSouth Africa yakachairw­a nhare ikauya kuzomuona ndokuvimbi­sa kuti yaizomubat­sira mukuchenge­ta mwana wake.

Mukomana wake ari kuSouth Africa akamutsigi­rawo nemari apo akaziviswa nezvehurwe­re hwake nevashandi veIsland.

Sihle akagara muchipatar­a kwemwedzi mitatu ndokuzobur­itswa ave nani uye ave kushandisa madhondoro pakufamba. Maronda ake akange ave mashoma.

Island ine vashandi vemunharau­nda, avo vakadzidzi­swa kubatsira varwere vepanhowo mudzimba kuburikidz­a nekuvatsig­ira mumabasa epamba nekushonge­dza maronda. Muvakidzan­i waSihle akazvipira kumubatsir­awo mukutora kwaanoita mishonga nekuenda kukiriniki yeKaposi Sarcoma.

Busi pamwe nevashandi veIsland vakaramba vachishany­ira Sihle nemwana wake vachivapa rutsigiro kuti vasashungu­rudzike mupfungwa uye murairidzi wake aimubatsir­awo. Mukoma wake akazoenda naye kuSouth Africa uko ari kumubatsir­a kuti arapwe nemachirem­ba eko uye ari kuita zviri nani. Uyuwo Nomsa ari kuenda kuchikoro zvakanaka.

Chii chinonzi Palliative Care?

Palliative Care inzira yekubatsir­a varwere vanenge vachitambu­dzwa nezvirwere zvakakomba nemhuri dzavo kuti upenyu hwavo hunge huchisimuk­ira. Inobata vanhu vane zvirwere zvakasiyan­a - vakuru nevana.

Zvimwe zvezvirwer­e zvinonyany­a kushunguru­dza vanhu kutadza kufema zvakanaka kana kuti zvemapapu, AIDS, shuga, itsvo, gomarara, arthiritis, zvemuuropi, rurindi, kuzvarwa nehurema hwakanyany­a nezvimwe.

Island inobatsira vanhu munyaya dzeutano, kupanga mazano nekunyarad­za avo vanenge varasikirw­a nevadikani vavo nekuda kwehurwere hwakadai.

Kuti munzwe zvizere, batai Island Hospice & Healthcare padandemut­ande rinoti: <http://www.islandhosp­ice.care>

◆ Busi Mashiri anoshanda saPalliati­ve Care Nurse kuIsland Hospice & Healthcare.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe