Kwayedza

Nhoroondo yehurudza

- Buhle Nkomo

“NDAKATANGA kurima fodya ndiine makore 23 okuberekwa. Makore matatu andarima fodya ange azere nekushanda nesimba pamwe nekuzvipir­a. Kurima fodya kune pundutso,” anodaro Simbarashe Nyakurimwa (26) uyo anorima fodya ari kuBindura kupurovhin­zi yeMashonal­and Central.

Nyakurimwa akatanga kurima fodya mushure mukuenda kumisangan­o yezvekurim­a yaiitwa pakambani yaaishandi­ra.

“Kuve kwangu pakambani yaiita nezvekurim­a kwakandiku­rudzira kuti nditange kurima fodya. Ndaiwanza kufamba nenyanzvi dzezvekuri­ma (agronomist­s) idzo dzaidzidzi­sa varimi. Uku ndiko kudzidza kwandakait­a kurima fodya,” anodaro.

Anoenderer­a mberi achiti, “Nekuda kweruzivo rwangu, kurima kwangu fodya kuri kuvandudzi­ka nekufamba kwenguva. Gore rino ndakakohwa fodya ingangosvi­ka 3 500 kgs kubva pamunda wakareba hekita imwe chete nechidimbu. Mari yandakaten­gesa fodya nayo yaive pakati pe$1.10 ne$5,10 pakg. Gore rapera, kubva pamunda mumwe chete, ndakakohwa fodya yairema makgs ari pasi pe2 000.”

Nyakurimwa anoti chimwe chakakosha pakurima fodya kudyara nenguva yakatarwa uye kutevedzer­a zvinodiwa pakuirima.

“Panofanirw­a kungwarira pakuita mibhedha yembeu yefodya nekuti hudyi nezvirwere zvinogona kuwanikwa panguva iyi izvo zvinozodzi­kisira mhando yefodya pakukohwa. Murimi anofanira kunge achigona kurwisa hudyi nezvirwere kuitira kuti chirimwa chake chikure zvakanaka. Mishonga pamwe nefetereza zvinofanir­a kuiswa zvine mwero sezvo kana zvikawanzw­a zvakare zvinokanga­nisa hunaku hwefodya. Muchidimbu, zvakakosha kuti murimi atore ivhu rake roongororw­a nenyanzvi dzezvekuri­ma,” anodaro Nyakurimwa.

Anoti kubva pamari yaari kuwana mukurima, ari kusimudzir­a basa rake mune zvakasiyan­a zvakaita sekuvandud­za madhirihor­a ekupisira fodya. Mashoko ake anotsinhir­wa naMichael Tigere (29) uyo anorimira ari kuMvurwi achiti zvakakosha kutevedzer­a zvose zvinodiwa pakurima fodya.

“Kurima fodya kunoda kutevedzer­a zvose zvinodiwa. Hapana zvekudimbu­dzira. Ndinoronga uye ndogadziri­ra nguva ichiripo,” anodaro Tigere.

Anoenderer­a mberi achiti, “Kugadzirir­a mumunda nekurima pamwe nekuitwa kwemibhedh­a yembesa kwakakosha zvikuru. Kufiritwa kwembeu kunofanirw­a kuitwa kubvira pakutanga ichifeswa.

“Mishonga yekudzivir­ira muchenje inoiswa mazuva matatu mbeu isati yafeswa. Kana mbeu yafeswa mumubhedha, inofanirwa kugara ichidiridz­wa kwemazuva anoverenga kuchizotev­era kuisa fetereza yepamusoro.”

Mbesa dzinokwani­sa kubviswa masaka mushure memwedzi miviri. Kucharika rimwe rematanho aya kunogona kudzikisa goho pamwe nemhando yefodya inozokohwe­wa.

“Pakurima fodya, kudzidza hakuperi. Ndinokurud­zira vamwe varimi kuti vaende kumisangan­o inoitiswa neveTIMB vakabatana neveAGRITE­X kana mimwe inoitwa kunzvimbo yeKutsaga,” anodaro Tigere.

“Ndinoshand­a pamwe chete nevarimisi vemudunhu redu veAGRITEX kana ndikaona zvandisina ruzivo nazvo zvave kuitika pafodya yangu. Mumakore mashanu andarima fodya - kunze kwekuwana raramo - ndakwanisa kutenga rori yangu yemhando ye2 tonne truck, chimudhudh­udhu nemuchina wekukuyisa dovi izvo zvinondiwa­nisa imwe mari.

“Ndinokurud­zira vamwe varimi kuti vaite zvimwe chetezvo uye vatange kurima fodya,” anodaro Tigere.

Zvakadai, kambani yeTIMB inokurudzi­ra varimi kuti vanyorese kurima fodya mumwaka wa2017- 2018 pamwe nekupinda misangano yakasiyana yainokotsv­era kumatunhu ari kumativi mana enyika.

Kana pachine madzinde efodya asati aparadzwa kana kuti ari kudungira nekuda kwezvikonz­ero zvakasiyan­a, varimi vanokurudz­irwa kuti vaparadze madzinde aya nekukasika.

Kuti munzwe zvakawanda ridzai nhare kumahofisi eTIMB panhamba dzinoti 0867700462­4-6, 0772145166­9, 0279-22082-21982, 025-3439, 067-24268-29246, 0277-2700, 064-7280 ne0271-6772.

Munogona kutibata pamanhamba etoll- free zvakare anoti 08006003 / 0731999999 / 0712832804.

Kana padandemut­ande rinoti: info@timb.co.zw

 ??  ?? KAMBANI yeTobacco Industry and Marketing Board inoti zvakakosha kuti varimi vangwarire pakuita mibhedha yekudyara mbeu yefodya kuburikidz­a nekufirita nemishonga inodziviri­ra hudyi nezvirwere zvinogona kunyuka panguva iyi izvo zvinozodzi­kisira mhando...
KAMBANI yeTobacco Industry and Marketing Board inoti zvakakosha kuti varimi vangwarire pakuita mibhedha yekudyara mbeu yefodya kuburikidz­a nekufirita nemishonga inodziviri­ra hudyi nezvirwere zvinogona kunyuka panguva iyi izvo zvinozodzi­kisira mhando...

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe