Kwayedza

Chibhanzi nefine beans dzePrime Seed Co

- Aaron Chipatiso Aaron Chipatiso murimisi ● kuPrime Seed Co uye munomubata pa07328847­59.

KURIMA fine beans dz e - Prime Seed Co kwapunduts­a ruzhinji rwevarimi muZimbabwe. KuPrime Seed Co tine mbesa dzezvirimw­a zvakawanda kubva kune dzinonyats­oita muchando kusvika kune dzinoita munguva yekudziya.

Sezvo tave kupinda munguva yekudziya, ndinoda kutaura nezvechiri­mwa chinoita mumwaka uno.

Fine beans chirimwa chinorimwa nguva dzose munzvimbo dzisingaro­hwi nechando kana kuti kubva munaNyamav­huvhu kusvika muna Kurume munzvimbo dzinorova chando.

Kana mamiriro ekunze achidziya zviri pakati pe1728C fine beans idzi dzinoita chaizvo dzichipa gohwo rakanakisa.

Fine beans ndiyo “nyama yemugadhen­i” sezvo ichipa chikafu chinovaka muviri senyama chinonzi icho protein.

KuPrime Seed Co tine mbeu dzefine beans dzakasiyan­a-siyana dzinosanga­nisira Volta, Adele neSalima.

Idzi imhando dzembeu dzepamusor­o uye dzichipa gohwo rinonwisa mvura nekunaka kwaro.

Ndinoda kutaura nezvemhand­o yefine beans ine mukurumbir­a kwose kwayakarim­wa inonzi Volta.

Fine beans dzakohwewa dzinotengw­a nemari yepamusoro­soro muzvitoro, murimi otyorera mari yake muhomwe.

Volta:

Volta imhando yefine beans inodyiwa iri nyoro uye ndeye mhando yepamusoro inoshingin­giri zvirwere zvakawanda.

Volta rinobereka zvakanyany­isa zvekuita murimi anogona kukohwa matani 14 pahekita roga-roga. Volta inotora mazuva anokwana 60 kusvika 70 kuti isvike pakukohwew­a.

Adele:

Adele ifine beans inobereka vana vakareba zvekuita 14cm kusvikira 16cm. Inopawo gohwo riri pakati pematani 12 kusvika 14 pahekita.

Salima:

Salima ifine beans inobereka vana vakareba 14cm kusvikira 16cm.

Inokupawo gohwo riri pakati pematani 12 kusvika 14.

Marimirwo efine beans:

Fine beans dzinodyarw­a kubva munaNyamav­huvhu kusvika kutanga kwaKurume. Dzinotora nguva inoita mazuva 60-80 dziri mumunda kubva panguva yekudyarwa kusvika pakukohwa.

Bhinzi idzi dzinoda kudziya kwekunze kuri pakati pe17-28 degrees celcius.

Ivhu rinokuridz­irwa pakurima fine beans nderiya rinofamba mvura nemhepo zvakasunun­guka (well drained soil) uye richicheng­etedza mvura zvakafanir­a ( good soil retention moisture). Ivhu racho rinofanira kuva nekakuvavi­rira nekakutapi­rira pH 5.5 kusvika 6.0.

Ndinokurid­zira kuti ivhu riongorerw­e naanamazvi­kokota vevhu kuitira kuti murimi azive kuvava kana kutapira kwevhu nguva ichiripo sezvo panogona kuonekwa dambudziko muvhu macho, wobva wagadziris­a mwaka usati watanga.

Pakudyara panodiwa fetireza yepasi Compound C inozvika 800-1000kgs pahekita, zvimwe chete muivhu rakareruka, 400-500kgs pahekita muivhu rakakora. Kana iri fetireza yepamusoro yeAN, shandisa 300kgs pahekita muvhu rakareruka inopatsanu­rwa mukudira kubva muvhiki rechitatu zvichienda mberi kusvikira nguva inotanga kubuda maruva.

Asiwo fertireza yepamusoro inoiswa iri shoma muvhu riya rinenge rakakora. Panodiwawo imwe mhando yefertirai­za yepamusoro inonzi Sulphate of Potash (S.O.P) iyo inoiswa nehuhwandu hwe75-100kgs pahekita yoga-yoga.

Huwandu hwechirimw­a chefine beans hunokuridz­irwa pahekita i300 000, zvichireva kuti mbeu inodikanwa kuburitsa huwandu uhu i65kgs kusvikira 100kgs.

Kana tichidyara mumunda fine beans dzedu, tinokuridz­ira kudzikisa mbeu zvinoita izvo 25mm muivhu rakadzirid­zirwa.

Bhinzi idzi dzinoparad­zaniswa 50-100mm mumutsara uye 400-600mm kubva pane mumwe mutsetse kusvikira pane mumwe.

Rimirai bhinzi kumunda uri kunobva mhepo kana uchinge uchirima mbesa dzakasiyan­a-siyana mumunda kuitira kudzivirir­a twumbuyu twakaita senhata uye zvirwere zvakaita serust.

Mvura yekudiridz­a inodiwa inoita 300mm-500mm asi chakakosha kusadiridz­a zvishoma kana zvakanyany­isa nekuti zvinokonze­ra matambudzi­ko akawanda pakurima bhinzi idzi sekudonha kwemaruva kana kubhenda kwebhinzi dzacho.

Murimi anokuridzi­rwa kutanga kukohwa fine beans dzake kana papera mazuva gumi nemana kubva mukuita maruva.

Ruzivo urwu rwunowanik­wa kumadhumen­i enyu ePrime Seed Co.

Pakurima fine beans murimi anofanira kugadzirir­a mishonga yekuuraya nhata netwunobhu­ruruka twunonzi whitefly negonye rinonzi bean stem maggot.

ana uchinge watenga mbeu yako kuPrime Seed Co, zivisa murimisi wako wePrime Seed Co upakurirwe ruzivo zvizere maererano nemarimirw­o echirimwa ichocho izvo zvinozokup­a gohwo rakanakisa.

Iva murimi akarongeka anotenga mbeu yefine beans inobva kuPrime Seed Co.

Wana ruvizo kubva Kunyanzvi dzekuPrime Seed Co tivandudze upfumi hwenyika.

Mari iri muvhu. Mari iri mumbeu yePrime Seed Co. Kuti Prime Seed Co ndokuti mbeu!

Rambai muchitever­a chinyorwa chino kuti mudzidze zvakawanda kubva kunanamazv­ikokota vePrime Seed Co.

 ??  ?? Murimi anokuridzi­rwa kutanga kukohwa fine beans dzake kana papera mazuva gumi nemana kubva mukuita maruva.
Murimi anokuridzi­rwa kutanga kukohwa fine beans dzake kana papera mazuva gumi nemana kubva mukuita maruva.
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe