Kwayedza

Remangwana rirongere

. . . vakambotam­ba nhabvu voyambira vatambi

- Abel Ndooka

SHASHA dzakamboit­a mukurumbir­a nekutamba nhabvu dzinoti zvakakosha kuti vatambi vagadzirir­e hupenyu hweremangw­ana ravo nguva ichiripo kuitira apo vanenge vasisatamb­e mutambo uyu.

Kurudziro iyi inotevera hupenyu hwevamwe vatambi vaive nemukurumb­ira avo vanozokwan­gwaya mushure mekurega kutamba nhabvu.

Kwayedza svondo rino yakaita hurukuro nevamwe vakambonet­sa munhabvu vanoti Sunday Chidzambwa, Harlington Shereni naCarlos Max avo vanoti zvakakosha kuti mutambi aronge remangwana rake. Chidzambwa - uyo vazhinji vanoziva saMhofu - anoti panguva yaaitamba nhabvu aigarofung­a zvikuru nezveraman­gwana rake sezvo aive nechishuwo chekuzove murairidzi wemutambo uyu.

“Hupenyu hwekutamba nhabvu hudiki chaizvo saka kana uri mutambi uchiri nemukana vaka pako pekugara mangwana usazonetse­kane.

“Hatisi tose tichaita varairidzi saka iye zvino muchiri kuwana mari tangisai tumabhizim­isi kuti mangwana wasiya nhabvu usazonetse­kane sezvinoita vamwe vatinoona. Ini hupenyu hwangu hwandiri kugara kuburikidz­a nekutamba nhabvu,” anodaro Mhofu.

Shereni - uyo akapedza makore akawanda achitambir­a kuEurope - anoti kunyangwe hake aitamba nhabvu chimwe chinhu chaaikoshe­sa idzidzo izvo zvakamuona achiwana chitupa cheenginee­ring.

“Hupenyu hwandiri kugara ini kuburikidz­a nenhabvu, panguva yandaitamb­a ndaizviziv­a kuti ndinofanir­wa kunge ndakagadzi­rira saka ndakaenda kuchikoro. Pandakazos­endeka shangu dzekutamba nhabvu hazvina kundinetsa kutsvaga basa sezvo ndaive ndine mapepa angu akakwana. Asi zvese zvandinazv­o muhupenyu hwangu kuburirkid­za nenhabvu,” anodaro Shereni.

Max, uyo akanetsa achitambir­a Arcadia United, CAPS UNITED, Dynamos uye nemaWarrio­rs anoti panguva yaakatamba nhabvu aienda kubasa zvakare nekuti aiziva kuti zvenhabvu pane nguva yazvinosvi­ka pakupera.

“Isu panguva yataitamba nhabvu taienda kumabasa nekuti nhabvu yaisabhadh­ara sezvaye kuita iye zvino. Saka vatambi variko mazuva ano ngavashand­ise mari yavari kuwana zvine musoro kwete kuti tizovaona mune ramangwana vachidzeng­erera, vachikwang­waya,” anodaro.

Max parizvino ari kushanda saAcountan­t pane imwe kambani huru muHarare uye anoti ane mamwe mabhizimis­i aanoitawo ega.

“Kutamba kwandakait­a nhabvu kune pakunondib­atsira nekuti dzimwe dzenguva mumabhizim­isi angu vanhu vanotoda kushanda neni nekuti vanondiziv­a saCarlos Max aimbotamba nhabvu saka kutamba nhabvu kwakandiba­tsira zvikuru,” anodaro.

Vamwe vakambonet­sa munhabvu vanosangan­isira Peter Ndlovu uyo iye zvino ave kuSouth Africa kwaari maneja wechikwata che- Mamelodi Sundowns, Alois Bunjira ari kushanda kuZi-FM uko anoongoror­a nhabvu nemimwe mitambo, Stanford “Stix” Mutizwa ari kurairidza chikwata cheBlack Rhinos pamwe naGift Muzadzi ari kurairidza kuNgezi Platinum.

Vamwe vevatambi vakaita zvinorova mumutambo uyu vanosangan­isirawo Moses Chunga, Freddy Mukwesha, Bruce Grobbelaar naBenjani Mwaruwari.

 ??  ?? Sunday “Mhofu” Chidzambwa
Sunday “Mhofu” Chidzambwa
 ??  ?? Carlos Max
Carlos Max
 ??  ?? Harlington Shereni
Harlington Shereni

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe