Kwayedza

Ndiwo ma’spiritual husbands’ here?

-

Mubvunzo:

Sekuru, nyaya yema “spiritual husbands” nema “spiritual wives” inombofamb­a sei? Ini ndiri mudzimai, ndiri kubata nhumbu dzichibva. Ndapinda mudzimba dzave nhatu dzichipara­ra asi ndichirota ndichiita bonde kuhope, ndobata mimba apo ndinozobar­a vana asi handivabat­e kana kuvaona vana vacho.

Pamwe ndinorota ndichirara nezvipuka zvakafanan­a nembwa nezvimwewo, dzimwe nguva vari vanhurume. Upfumi hwese hwandaive nahwo hwaparara, handichazi­vi zvekuiita.

Ndiwo ma “spiritual husbands” acho here?

Mhinduro: Muzukuru wauya zvakanaka kubvunza nhau iyi nekuti ndiyo inonzi mweya yezvikwamb­o - Mwari haadi uye haana kusika zvakadai. Ndiyo mweya yetsvina iri kukushandi­sa.

Ukanonoka kubatsirwa unoguma wakuvara chibereko kana kusabata pamuviri, kudzingwa mumba kana kusaita murume zvachose. Unogona kuguma wava nezvirwere zvakafanan­a negomarara rechiberek­o kana mamwewo mapundu muchiberek­o.

Kana kuine vamwe vazukuru vari kusangana nezvakadai, kasikai kutsvaga rubatsiro mununurwe kubva mumatambud­ziko aya.

Mweya iyi inogona kuunzwa nevehukama kana vatorwa vachida kuti iwe usafe wakaita mwana kana kuroorwa. Izvi hazvisi zvekutamba nazvo, ukaona uchirota kuhope uye kubaiwa kana kupfanwa dumbu rako, iyo mweya iyoyo ndiyo inenge ichitokush­andisa. Musamirire kuti mukuvare.

Kana uri musikana uchisangan­a nezvakadai, kasika kubatsirwa kuitira kuti wozopinda mumba mako wakatochen­a – mweya iyi isiri pauri.

Saka iwe muzukuru ndinoti tsvaga vechikuru vemumhuri mako vakubatsir­e kuenda kuvanhu vanoziva kudzinga mweya yakaipa iyi pachivanhu. Unokwanisa kuenda kumahofisi eZinatha ari pedyo newe wonobatsir­wa. Zvinopera muzukuru.

◆ Bvunza Kwayedza pa: 07 14 200 007 kana 0775 421 949 kana 0715 942 183

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe