Kwayedza

Opura mari nenzungu

- Kingstone Mapupu

MURIMI wenzungu k udu n hu raMambo Chikwizo, kuMudzi, anoti apunduka nekudzirim­a achinoteng­esa kumisika yakasiyana munyika.

VaSimbai Makina (49), vemumusha waSabhuku Zano, vanoti chirimwa ichi chiri kuvabhadha­ra kudarika zvimwe zvose.

“Ndava nemakore mazhinji ndichirima nzungu idzo dzinondibh­adhara zvikuru, ndinorimaw­o zvimwe zvirimwa zvakaita semhunga nemapfunde senzvimbo isinganaye mvura zvakanaka. Munzungu mune mari, dzandisimu­dzira zvikuru,” vanodaro.

Mumwaka wezhizha wakadarika, murimi uyu akanga akarima mahekita mana enzungu idzo akakohwa uye parizvino ari kutonongor­a nekupepeta achiisa mumasaga kuti azonotenge­sa.

“Ndinohaya rori kana kuisa pamusoro pemabhazi ndoenda nadzo kuMbare uko bhagidhi renzungu dzakatonon­gorwa ndinotenge­sa ne$14. Izvozvi ndine vashandi 8 pamwe chete vanotonong­ora, kupepeta nekuisa mumasaga tichisona,” vanodaro.

Vanoti vashandi ava vanovabats­ira kubvira pakudyara nzungu mumunda, kusakura pamwe nekuzokohw­a.

“Basa rangu iri handiite ndoga ndine mudzimai anondibats­ira, Josphine Maponga, nevana vedu vatatu,” vanodaro VaMakina.

Murimi uyu anoti vanhu ngavasamir­ira kupinda mabasa kumakamban­i sezvo ivo voga vachikwani­sa kuzvishand­ira

nekupinzaw­o vamwe mabasa.

“Ndinoenda nenzungu kunotenges­a kaviri pamwedzi, dzangu dzandakari­ma dzikapera ndinogumaw­o ndave kutenga kune vamwe,” vanodaro.

VaMakina vanoti vari kukwanisa kuendesa vana vawo kuchikoro nekuwanawo zvose zvavanoda. “Tinodya dovi pamadiro uye dzimwe tinokanga tichidya mutetenerw­a. Muvhu mune mari veduwe,” vanodaro.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe