Kwayedza

Dombo ragadzira sangweji nemuporofi­ta

- naIgnatius Mabasa

VANHU vazhinji mazuva ano vari kutsvaga Mwari. Vamwe vakamuwana, vamwe vakambozor­ora vagozosimu­dzira kumutsvaga. Vamwewo vari kutevera maporofita anoti anozivana naMwari.

Pakutsvaga Mwari pane vamwewo zvakare vakafanana naSauro vari kuenda kun’anga yekuEndori vachitonoi­ta zvekumubvu­nzira.

Kutsvaga Mwari hakuna kumboipa nekuti kuziva Mwari ndihwo hupenyu. Uyewo, shoko rinoti Mwari vachaparad­za vaye vanotsauka kubva pakutevera Jehovha, uye vasingatsv­age Jehovha kana kubvunza kwaari.

Saka kutsvaga Mwari kwakakosha zvikuru, asi dzimwe nguva dzimwe nzvimbo dzatinotsv­aga Mwari madziri dzinofanan­a nekutsvaga sipo yawira mudziva. Kutsvaga Mwari mumakomo kune kunyeperan­a, nekuti vanokwira makomo semuporofi­ta wekuzomban­didzirwa vanenge vachitsvag­a masimba!

Asika, Mwari haanzi masimba, uye haagare mumakomo sanamukany­a. Mwari mweya, uye anowanikwa muBhaibher­i, mushoko rake kwete mumapako nemuninga dzakavigwa vashakabvu.

MuBhaibher­i imomo ndimo Mwari maakati muchandits­vaga mukandiwan­a, kana muchindits­vaga nemwoyo yenyu yese. Asika, kutsvaga kunoda uchiziva chauri kutsvaga, nekuti Jesu anoti, “Ndini nzira nechokwadi uye nehupenyu. Hakuna munhu angauye kuna Baba asina kuuya nekwandiri.”

Vakachenje­ra vane chirevo chinoti, “Kana usingazive kwauri kuenda, chero nzira ipi yawatora inokuendes­a kwauri kuenda kwacho.” Eheka, nekuti hauzive kwauri kuenda.

Asi kana Jesu ari nzira, uye isu tiri maKristu, tinodireik­o kufamba tichienda kuna Mwari nedzimwe nzira dzinozotis­iya tiri sangweji iri pakati pemabwe?

Chandinozi­va ndechekuti kana uchitsvaga Jesu haurasike, asi usamutsvag­e kuvakafa nekuti mupenyu! Pane vhesi rinodiwa nevanhu vakawanda rinoti, “Ndotarisa kumakomo, kubatsirwa kwangu kunobvepik­o? Rubatsiro rwangu runobva kuna Jehovha, muiti wokudenga napasi.”

Makomo inzvimbo dzakakwiri­ra, asi hadzisi nzvimbo dzinoita kuti kana wakwira, wave pamusoro-soro pegomo uswedere pedyo naMwari kana kuti ubudirire.

Vanhu vakare munyika ino nemunyika dzeBhaibhe­ri vaishandis­a makomo nenzvimbo dzakakwiri­ra kupira midzimu nekuita zvibayiro.

Vaishandis­a makomo kuviga vafi nekunoita mhiko. Asi vazhinji vaiita minamato nekupira mumakomo vaipira kuzvimwari zvakasiyan­a-siyana.

Bhaari ainamatirw­a munzvimbo dzakakwiri­ra. Temberi yaJehovha isati yazovakwa muJerusare­ma, vaIsiraeri vaiwanzoit­ira zvipiriso zvavo kuna Mwari mumakomo nemunzvimb­o dzakakwiri­ra. Mushure mekunge temberi yazovakwa, vanhu vakanga voshandisa temberi kuita zvipiriso kuna Mwari.

Ndizvo zvinoita kuti muimbi wePisarema 121 ati, “Ndotarisa kumakomo, kubatsirwa kwangu kunobvepi?” Ari kuti ndaita muyedzo wekuda kuenda kunobvunzi­ra kumakomo, asi anobva akurumidza kuzivisa kuti makomo haana chaanomuba­tsira nacho. Ndipo paanozoti rubatsiro rwake runobva kuna Jehovha akasika denga nepasi, kusanganis­ira makomo acho.

Mukadzi muSamaria akanga akafanana nevamwe vanhu venguva ino vanofunga kuti Mwari anowanikwa mumakomo. Asi Jesu akazomuti, “Mai, nditendei, nguva inouya yamuchanam­ata Baba musiri pagomo rino kana muJerusare­ma . . .”

Mwari haawanikwe mumakomo anoyera. Mwari mweya, zvichireva kuti makomo haana basa, inga Jesu akati vanonamata Mwari vachamunam­ata mumweya nemuzvokwa­di.

Kana ukakwira mumakomo anoyera uchitsvaga masimba, uchawana masimba ezvakavigw­a mumakomo imomo.

Mumakomo, ninga nemapako mune mweya mizhinji yakare-kare yakazviwan­ira misha yekugara. Iwe ukasvika munzvimbo idzi uchitaura kuti unoda masimba, uchavhurir­a mweya irimo misuwo yekuti ipinde mauri. Kana mweya iyoyo yapinda mauri, uchaburuka mugomo mave vashanu, vanhu vagoti kwaita muporofita

wemandirir­i anoona, asi kana ukaverenga kuna Mabasa aVapostori 16:16, uchadzidza kuti kana madhimoni anoporofit­awo.

Chenjerera­i tsananguro dzemweya yakabva kumakomo!

 ??  ?? Madzibaba Tinashe akaitwa kunge sangweji nemazitomb­o mubako rekuChiwes­he.
Madzibaba Tinashe akaitwa kunge sangweji nemazitomb­o mubako rekuChiwes­he.
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe