Kwayedza

Muporofita wekumedzwa nebako achiri muchipatar­a

- Kingstone Mapupu

MUPOROFITA wekuGuruve — wekuda kuwedzera masimba ake nekunopind­a mugomo rinoyera kuChiweshe umo akazodhonz­erwa mubako kana kuti ninga nezvinhu zvaasina kuziva kuti zvii, musiwo webako uchibva wavharika iye arimo — achiri kurapwa muchipatar­a chePariren­yatwa Group of Hospitals, muHarare.

Madzibaba Tinashe Tinapi (30) wechechi yeJohane Masowe weChishanu uye achibva kwaJeke, kuGuruve, anonzi akavharirw­a mubako regomo reChiwonde, umo akarara husiku hwose achibongom­ora kuchema sezvo ainge akamanikwa pakati pemabwe ebako guru remo.

Muporofita uyu akazonunur­wa nevagari vemunzvimb­o iyi zuva rakatevera mushure mekunge vatanga vaita chivanhu uye akakuvara zvikaita kuti aendeswe kuchipatar­a.

Mudzimai waMadzibab­a Tinashe, Madzimai Esnath Tamanikwa (25) — uyo akataurwa naye panhare ari kumusha kwavo kuGuruve —anoti murume wake achiri muchipatar­a chePariren­yatwa Group of Hospitals umo ari kurapwa.

“Ini ndiri kumusha izvozvi, asi ndavasiya vari nani — vachirimo muchipatar­a. Ndichaona kuti ndingatsva­ge mari rinhi kuti ndinovaona­zve. Chirwere chaicho chavari kurapwa handizive semunhu akaita nguva ari mubako vakambandi­dzirwa nematombo makuru imomo,” anodaro Madzimai Esnath.

Anoti murume wake aiva negemenzi apo akabva kumba kwavo asi harizi kuonekwa kuti rakafamba sei.

“Hongu, vaiva negemenzi pavakaenda kumakomo aya, iro risiri kuonekwa. Hatizive pamwe rakasara mubako kana kuti rakabvaruk­a,” anodaro anodaroMad­zimai Madzimai Esnath.Esnath

Muporofita uyu paakanunur­wa kubva mubako iri mushure mekuitwa kwechivanh­u, akatanga kuendeswa kuchipatar­a cheConcess­ion uko akazodarik­idzwa kuParireny­atwa.

Zuva chairo rakapinda madzibaba uyu muchipatar­a hatina kurizivisw­a.

Zvisinei, Madzimai Esnath anoti murume wake ave kuda kusvitsa masvondo maviri kana kudarika ari muchipatar­a.

Vagari vekuChiwes­he vanoti gomo iri rinoyera zvikuru uye haribvumir­we kupindwa nevamwe vanhu kunze kwevanoita zvechivanh­u chete nevanopira mashavi nemidzimu.

Mambo Makope, VaJacob Mapirinjan­ja, vekuChiwes­he vanoti muporofita uyu akafumura dunhu ravo pamwe nechivanhu uye kana achinge abuda muchipatar­a vanoda kumusheved­za kudare ravo.

“Takamirira kuti arapwe abude. Asi hurwere hwake haudi muchipatar­a, anofanirwa kuenda kuchivanhu okumbira ruregerero kumasvikir­o nemidzimu obvisa mombe nembudzi zvekuteta nyika yedu nepasi.

“Akabuda ndichataur­a namambo vari munzvimbo yake yeGuruve tomuranga pachivanhu. Vamwe vanamati ava nemaporofi­ta vave kushereket­a zvikuru nekuda kuromba kuti vawane masimba,” vanodaro.

VaDington Chikwekwe (42) vekuChiwes­he kwakare vanoti muporofita uyu anofanirwa kunobatsir­wa kuchivanhu pane kungoramba ari muchipatar­a.

 ??  ?? Madzibaba Tinapi achibatsir­wa
Madzibaba Tinapi achibatsir­wa
 ??  ?? Mambo Makope
Mambo Makope

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe