Kwayedza

MANGA MUCHIZVIZI­VA HERE ?

-

HOZHWA (snail) inonzi inokwanisa kurara panzvimbo imwe chete kwemakore anosvika matatu isati yamuka zvakare. — Odd-Facts-Did-You-Know-Them

Aries Kurume 21 - Kubvumbi 20

Shungu dzekukunda dzapotera mamuri, shungu idzi ngadzirege kudzivaidz­a gwara rako pakuronga zveupenyu.

Gemini Chivabvu 21 - Chikumi 20

Misi yako yeperevedz­o yoita ichipera, gona kufambidza­na neshanduko yotambira mune rako berere.

Leo Chikunguru 24-Nyamavhuvh­u 22

Shungurudz­o muzviroto zvakasiyan­a yosanganid­zana nevamwe venyu. Rega kupedzera pfungwa dzako muzvirotwa.

Libra Gunyana 24-Gumiguru 22

Chidziro chiye changa chodzivisa kufambira mberi kweyako miono chave kuondomoka, ngwarira mumazuva atiri ano.

Sagittariu­s Mbudzi 21-Zvita 21

Kupa nguva inokosha kune wako mudiwa kuchakukwe­zvera ramangwana rine gwara, zvakanaka zvodanidza rako zita murudo.

Aquarius Ndira 23-Kukadzi 19

Mumitambo chijana chenyu chekukunda. Shongedza miono yako nemazano akasiyana anobva kune vari pedyo newe.

Taurus Kubvumbi 21-Chivabvu 20

Venyenyedz­i yenyu mazuva avo ekuwana vimbiso dzakasiyan­a munhaurwa yezverudo. Raki rinemi.

Cancer Chikumi 21-Chikunguru 23

Ruvako rwako rwuri mururimi rwakashong­edzwa, mazuva ako ekupepeta nekusarudz­a mazwi aunoshandi­sa.

Virgo Nyamavhuvh­u 23-Gunyana 23

Kurudziro iripo pakushava kwako, kundiso mukubata neako mawoko iripo, simba rechikurir­i ranamatira pauri.

Scorpio Gumiguru 23-Mbudzi 20

Zadziso yeshuviro dzemwaka yemazuva apfuura yaswedera, mwaka wako wekutambid­zwa korokotedz­o.

Capricorn Zvita 22-Ndira 22

Mumwaka uno ngwarira urege kuswera uchirisa dzevamwe dzako dzisina adziendesa kumafuro. Raki rinewe.

Pisces Kukadzi 20-Kurume 20

Vandudzo iripo pazvirongw­a zvako, mazuva ako ekusakurir­a mazano mat s va nepfungwa itsva pakuronga kwako.

 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe