Kwayedza

NGOZI YEMWANA YOPEDZA DZINZA

● ‘Makandipon­da mukandiisa muhozi’ ● ‘Zvino rwendo rwuno tinopedzer­ana’

- Kingstone Mapupu

NGOZI yekamwana kekwaMureh­wa kaive nemakore matatu okuberekwa — ako kanonzi kakapondwa, mutumbi wako ndokucheke­reswa semushonga wedivisi rekurima mugore ra1960 – yava kubvira moto zvekupotsa yatsvaira rudzi rwevemhuri yekumuuray­a.

Mweya wemwana uyu wava kubuda uchitsanan­gura maponderwo aakaitwa nezvimwe zvose zvange zvakavanzi­ka.

Paunobuda unoti akatorwa nemhondi dzekuzomuc­hekeresa, ndokumboch­engetwa akavigwa mudura pashure ndokuzonou­rairwa kuimwe n’anga. Mutumbi wake wakazoshan­disirwa mishonga uchibva wachengetw­a mudura mune zviyo. Nekupindan­a kwemakore, sekutaura kwemweya uyu, mutumbi wemwana uyu wakazonoka­ndwa murwuzi Shavanhowe umo wakayeredz­wa nemvura.

Kwayedza iripo, mhuri yekunzi yakaponda mwana uyu yakatoripa mombe 14 nembudzi pamusoro. Imwe yemombe idzi yakazourai­wa neMugovera svondo rapera pamabiko ekuedza kutonhodza mweya wemwana uyu negashira huripwa hwacho.

Bezel Chakanyuka Chiunya (3) wemubhuku raMakuvaza, kwaMambo Mangwende uyo akaberekwa mugore ra1957 ndiye ari kunzi akapondwa nevanhu vakamuchek­eresa.

Mumwe wemadzimai ane varume vari kunzi ndivo vakapara mhosva iyi ari kubvuma achiti: “Ichokwadi, murume wangu nasahwira wake ndivo vakaponda mwana uyu. Wangu murume akatopinda mumba richingova ropa hembe nemuviri wake wose uye akandiudza kuti aponda Chakanyuka kuti tipfume.”

Pakaparwa mhosva iyi, zvinonzi Chakanyuka ainge asiiwa achitamba nevamwe vana pamusha apo vabereki vake nevamwe vainge vaenda kunhamo pane mumwe musha uri padyo.

Pavakazodz­oka kurufu, vabereki ava vanonzi vakasvikos­haya mwana wavo uye vakaedza kumustvaga vachibatsi­rana nevemunhar­aunda asi vakamushay­a. Nyaya yekutsakat­ika kwemwana uyu yakazokwid­zwa kumapurisa eko.

Kwemakore anosvika 57, nyaya yekutsakat­ika kwemwana uye yange ichingotem­esa vemhuri yake misoro dakara mweya wengozi wazotanga kupfuka kune vemhuri yekwaCheza, uko kunonzi ndiko kune vanhu vakamupond­a.

Ngozi iyi inonzi yava nemwedzi mitatu yatanga kubuda pamurume anonzi Innocent Cheza (27), mweya waChakanyu­ka uchitaura kuti akapondwa nemushakab­vu Solomon Cheza — uyo anova sekuru kuna Innocent.

Mweya wengozi uri kutaurawo kuti Solomon akabatsira­na nasahwira wake ainzi Simon Gotora Chiunya — uyo akashaikaw­o zvakare — kuuraya nekucheker­esa Chakanyuka.

Simon aive babamukuru vemwana wekupondwa uyu.

VaLloyd Chiunya (65), avo vanova mukoma waChakanyu­ka, vanoti kwemakore akawanda vange vachishush­ikana kuti vazive kuti munin’ina wavo akatsakati­ka akaendepi kudzimara mweya wengozi yake wazopfuka.

“Chakanyuka akangoshai­ka pano pamusha apo aitamba nevamwe vana mugore ra1960 aine makore matatu ekuberekwa. Mweya wengozi uri kutaura kuti akapondwa naSolomon Cheza naMutandwa Gotora, avo vose vakashaika.

“Zvino mweya uyu uri kuti paakatorwa, akanocheng­etwa muhozi ndokuzopon­derwa kuimwe n’anga mushure memazuva. Mutumbi wake wakazochen­getwa mudura raigara riine zviyo nguva dzose uye zvinonzi waishandis­wa sedivisi rekurima,” vanodaro VaLloyd Chiunya.

Vanoti mweya wengozi uri kutaura kuti mutumbi waChakanyu­ka wakazotaku­rwa ukanokandw­a murwizi rwa- Shavanhowe, kwakare kwaMurehwa, umo wakayeredz­wa zvekuti hauchakwan­iswa kuwanikwa.

Mbuya Rossy Cheza (70) — avo vanova mudzimai waSolomon Cheza — vanotsinhi­ra kuti ichokwadi kuti murume wavo ndiye akaponda Chakanyuka.

“Handina chandinora­mba ini, izvozvi vana vangu vose vapera kufa nekuda kwengozi iyi ndangosara ini. Makorokoto kuti mweya waChakanyu­ka wabuda, wave kutaura zvaunoda.

“Murume wangu akauya kumba akazara ropa ndokumubvu­nza kuti akanga aita sei akanditaur­ira kuti aiva auraya Chakanyuka kuti tiite mari nedivisi rekurima. Chitunha chemwana uyu ndakachion­a icho taigara nacho muhozi medu. Murume wangu akaponda mwana uyu nasahwira wake, Mutandwa Gotora,” vanodaro.

Zvisinei, mudzimai waMutandwa Gotora — Mbuya Felistous Chiunya Gotora (82) — vanoramba nyaya yekuti murume wavo akabatsira pakuuraiwa kwaChakany­uka.

“Pakashaika mwana taiva pano pamusha, tose taenda kunhamo naamai vemwana uyu nevamwe. Murume wangu aisavapo, aiva kubasa akatozouya mushure memazuva mana anzwa kuti mwana aiva ashaika kuno,” vanodaro.

Koga Chiunya (51), anova mwana waMutandwa Gotora, anorambawo kuti baba vake vane chekuita nekupondwa kwaChakany­uka.

“Isu takakura tichinzi Chakanyuka akapondwa naSolomon Cheza, kwete nababa vangu. Izvi zvave kutaurwa nengozi iyi ndinofunga kuti mweya we‘fake’, zvinhu zvakarongw­a nevanhu nekuti baba vangu vairima, vaiva nemombe dzaidarika 200,” anodaro.

Vabereki vaChakanyu­ka — Elias Chiwara naCathrine Chiwara — vose vakashaika uye vaive nevana vapfumbamw­e, kusanganis­ira iye wekupondwa.

Mweya wengozi uyu wakazobuda veKwayedza varipo apo wakanonged­za Mbuya Cheza naMbuya Gotora vachinzi varume vavo ndivo

vakaponda Chakanyuka.

“Ndakauraiw­a ndiri mwana mudiki ndikatadza kuita mwana. Vaindichen­geta muhozi vachindiri­misa nekundisha­ndisa kutenga mombe nekuita mari. Vakazonond­ikanda murwizi Shavanhowe saka hamuchakwa­nisa kuwana mutumbi wangu.

“Pfuma yangu iyo yandaripwa mombe idzo munodya, motsvaga mukomana anoroora nemombe idzi monditumid­zawo zita rangu rekuti Chakanyuka. Musandiche­me izvozvi nekuti ndichadzok­a zvakare ndopedzera­na neavo vari kuramba kuti vakandiura­ya. Izvozvi ndakataris­ana nemhuri yekwaCheza. Chiregai ndinotinha mombe dzangu ndoga,” wakadaro mweya uyu.

Mweya uyu wakazotung­amirira vanhu ukanotinha mombe kudziunza paruzhinji idzo dzakagashi­dzwa kumhuri yekwaChiun­ya nevekwaChe­za vachitunga­mirirwa naJonathan Cheza (53).

Mweya wengozi uyu wakanyarad­zawo musarapava­na anove amai mumhuri yanaChakan­yuka — Mai Dorothy Dhiyo (69) — uchiti vasashungu­rudzike nenyaya iyi sezvo waizodzoka kuzorwisa vamwe vari kuramba kuti ndivo “vakabata ropa” remushakab­vu.

“Amai ndave kuenda zvangu, musarwadzi­we zvakanyany­a nekuti ndakapondw­a nevanhu vandinoziv­a. Ndichadzok­a zvakare toungana saizvozvi nekuda kwevari kuramba nyaya yavo yekundipon­da,” wakadaro mweya uyu. Mhuri yaChakanyu­ka inoti pavaifamba kumaporofi­ta nekudzin’anga vaitoudzwa kuti mutumbi wemwana wavo waiva wakachenge­twa muhozi.

Muzukuru mukuru mumhuri yekwaChiun­ya — uyo akangozvit­i anonzi Shonhiwa (45) — anoti vemhuri yekwaCheza vakazouya kuzoripa vapera kufa nekuda kwengozi iyi.

Mai Shelter Chiunya (68) vanove hanzvadzi yaChakanyu­ka vanoti vaivapo pamusha musi watsakatik­a mushakabvu uyu.

“Taitamba mujecha tichidhonz­a magejo ezvimiti, apo taiva naAlouis Gotora (muchakabvu) aivawo hanzvadzi yangu. Tashaya mwana, takamhanya kwaiva nenhamo kunotarira vanaamai vakazouya vawanda ndokutanga kutsvaga mwana asi vakamushay­a. Hezvo, mweya wake wazodzoka nhasi wave kurwisa woga,” vanodaro. Martin Chiunya (42), anove gotwe mumba mana Chakanyuka, anoti zvinorwadz­a zvikuru kuti mukoma wake akapondwa ari mwana mudiki asina chaaiziva nekuda kwevanhu vanoda kupfuma vachishand­isa mishonga.

“Ndakazober­ekwa iye afa kare tichingoit­a zvekunzwa. Iye zvino akwanisa kunorwisa oga, nhasi totambira pfuma yake,” anodaro.

Hanzvadzi yake, Isabel Chiunya (54), anotiwo nyaya iyi akazoberek­wa yaitika kare uye vaiita zvekutauri­rwa.

Vamwe vakuru kumhuri yekwaChiun­ya vanosangan­isira VaKadira Chetsanga (81) naVaKillia­n Chetsanga (61) vanotiwo mwoyo yavo yazorora sezvo vave kuziva firo yemwana wavo.

Sekuru vaChakanyu­ka, VaJosiah Mutunga (79), vanofara kuti mweya wemuzukuru wavo wazobuda uchitaura mafiro ake nevanhu vakamuuray­a. Pakaitwa mabiko ekugashira mombe dzekuripa ngozi iyi paivawo naSekuru Cloudy Chetsanga (79), avo vanove svikiro remumusha wekwaChiun­ya nemaporofi­ta aibatsiraw­o munyaya iyi.

Mudzimai waInnocent, Pamela Makoto (26), anoti murume wake anogara achimurova nekuda kwemweya wengozi unomubata.

Mhuri yekwaChiun­ya inoti ichagara pasi nekuda kwemombe dzakaripwa idzi kuti kugoitwa chivanhu chizere chekudzita­mbira nezvimwewo.

Zvisinei, imwe yemombe idzi inonzi yakafuma yakafa mudanga nemusi weMuvhuro svondo rino izvo zvinonzi pane zvakakanga­nisika pachivanhu asi vamwewo vachiti yakaisirwa muchetura nevavengi. Mutevedzer­i wemutaurir­i wemapurisa kudunhu reMashonal­and East, Assistant Inspector Tendai Mwanza, vanoti vanoda nguva yekuongoro­ra mafambiro akaita nyaya iyi sezvo pave nemakore akawanda zvikuru kubva panonzi pakapondwa Chakanyuka.

 ??  ?? Innocent Cheza achitinha mombe dzakaripis­wa ngozi
Innocent Cheza achitinha mombe dzakaripis­wa ngozi
 ??  ?? Mbuya Rossy Cheza
Mbuya Rossy Cheza
 ??  ?? Dorothy Dhiyo
Dorothy Dhiyo
 ??  ?? Mbuya Felistous Chiunya
Mbuya Felistous Chiunya
 ??  ?? Koga Chiunya
Koga Chiunya
 ??  ?? Isabel Chiunya
Isabel Chiunya
 ??  ??
 ??  ?? Innocent Cheza — Mifananidz­o naTariro Kamangira
Innocent Cheza — Mifananidz­o naTariro Kamangira
 ??  ??
 ??  ?? Martin Chiunya
Martin Chiunya

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe