Tiudzei
MAMBO Seke vakarerutsira vakomana vakauraya gudo remudzimu kwaSeke ndokudya nyama yacho pamutongo wavakavapa. Kuripa mbudzi here pavhiringwa mudzimu wenzvimbo? Zvakadai, panyaya yemhuri yeTsvimbo inotora “cash” mu”bank” ndinoti yava kurumwa nechekuchera. Kuromba kwekurwadzisa vamwe vanhu nekuvabira hazvifadze chinhu. Dai vakarohwa neshamhu yaMwari vese. — Biggie Makate, Epworth.
*** Kapfupi wave kutsvaga uta mugate, mukadzi wavave kupemha naye uyo . . . achapfimbwa uripo. Handidi nemashoko angu. — 0775 255 276
***
Baba vekuchengeta zvitunha vakashaisha, kuda kupfuma here? Chokwadi, tenda zvawakapihwa naMwari kwete kuromba. — Nyadzi, Musana.
*** Makadii veKwayedza? Chirongwa chenyu cheTishamwaridzane chakanaka zvokuti. Asi zvinondishungurudza ndezvekuti vakomana vamwe vari kunyorera vana vadiki nekuti munhu ane makore 25 zvichidzika haasati apererwa, achamuwana wake. Vana vadiki ngavarege kuda zvakachipa. — Alfred Mbiva, Marondera.
*** VeKwayedza hamuite, hamuite! — 0784 365 995.
*** Veduwe pachirongwa cheTishamwaridzane tahwa namatsotsi echikadzi. Vachazoshoresa chirongwa chenyu. — 0783 652 033.
*** Nyaya yaKapfupi yakaoma, nhamo yamukanga shuwa kasi ngaazive kuti haasi ega ari kutambura. — Bullz, Epworth.
***
Dai Hurumende yapindira kuvagari vekuMbire District veduwe, zvinosiririsa. — Ba Tee, Domboshava.
*** Ndinokumbirisa chose kuti vashandi veZinwa vemuKaroi ngavaitewo “serious” nebasa. Unotoona pakavharwa mvura asi muridzi wemba anosara achivhura oga uye veZinwa vakasvikapo vanopiwa $ 2 zvobva zvavharana. Sepasitendi nhamba . . . (nhamba yacho tinayo) igaroziva. — Three Handle Bike, Karoi.
***
Kuna Svodai Murwizi ndinoti kwauri wakakanganisira murume wako zvikuru pamwe nasekuru vake uye makazotadzirawo Mwari pakusiya rusvava rwega panze kusvika pakudyiwa nembwa. Apa murume aenda kunoshavira iwe pamwe nemhuri, hapana changa chakaipa ipapo. Totakura vakadzi kuenda navo kubasa here kuti pasaitike mashura akadai? Ndatopererwawo nezviri kuitika, asi vakuru vakareva pavakati rina manyanga hariputirwe. — Baba Cleopatra Mupariwa, Epworth.
***
I yo shasha yekugara nemabhurugwa evakadzi kuti dzirimo chaizvo? Asi anombomatora sei? Ngaaite mushe! — Vagoni Vebasa, Fridge Repair, Karoi. ***
Taita dambudziko pa- Mbare Musika rekudhonzwa nemahwindi, tave kutya kukwira mabhazi nekuti mabhegi ari kubvarurwa. Mapurisa ngaatiyamurewo kubayana nemapanga kwanyanya pazvimbuzi zvepamusika. Kanzuru ngaionewo zvaingaite tisati taita zvatinogona. — 0776 822 543.
*** Makadii veKwayedza? Ini ndinonzi Precious Chiunda kana kuti Jofiri. Ndinoti bhora mberi, rambai makadaro! Ndinodzidza paChifamba High kuGuruve.
*** Nyaya yekupa varume weti zvava kuda Mwari ivo mbune vapindire. — Mai Linden, Mungate, Domboshava.
*** Kwayedza zvava zvinhu! Sando dzenyu takupai. — 0773 992 797.
***
Ndiri kutsvagawo shamwari yangu inonzi Urayayi Maiti akambogara kuGuruve. Kune vanomuzivawo ndibatei pa0715 738 917.
***
0714 200 007