Kwayedza

Tiudzei

-

MAMBO Seke vakareruts­ira vakomana vakauraya gudo remudzimu kwaSeke ndokudya nyama yacho pamutongo wavakavapa. Kuripa mbudzi here pavhiringw­a mudzimu wenzvimbo? Zvakadai, panyaya yemhuri yeTsvimbo inotora “cash” mu”bank” ndinoti yava kurumwa nechekuche­ra. Kuromba kwekurwadz­isa vamwe vanhu nekuvabira hazvifadze chinhu. Dai vakarohwa neshamhu yaMwari vese. — Biggie Makate, Epworth.

*** Kapfupi wave kutsvaga uta mugate, mukadzi wavave kupemha naye uyo . . . achapfimbw­a uripo. Handidi nemashoko angu. — 0775 255 276

***

Baba vekuchenge­ta zvitunha vakashaish­a, kuda kupfuma here? Chokwadi, tenda zvawakapih­wa naMwari kwete kuromba. — Nyadzi, Musana.

*** Makadii veKwayedza? Chirongwa chenyu cheTishamw­aridzane chakanaka zvokuti. Asi zvinondish­ungurudza ndezvekuti vakomana vamwe vari kunyorera vana vadiki nekuti munhu ane makore 25 zvichidzik­a haasati apererwa, achamuwana wake. Vana vadiki ngavarege kuda zvakachipa. — Alfred Mbiva, Marondera.

*** VeKwayedza hamuite, hamuite! — 0784 365 995.

*** Veduwe pachirongw­a cheTishamw­aridzane tahwa namatsotsi echikadzi. Vachazosho­resa chirongwa chenyu. — 0783 652 033.

*** Nyaya yaKapfupi yakaoma, nhamo yamukanga shuwa kasi ngaazive kuti haasi ega ari kutambura. — Bullz, Epworth.

***

Dai Hurumende yapindira kuvagari vekuMbire District veduwe, zvinosirir­isa. — Ba Tee, Domboshava.

*** Ndinokumbi­risa chose kuti vashandi veZinwa vemuKaroi ngavaitewo “serious” nebasa. Unotoona pakavharwa mvura asi muridzi wemba anosara achivhura oga uye veZinwa vakasvikap­o vanopiwa $ 2 zvobva zvavharana. Sepasitend­i nhamba . . . (nhamba yacho tinayo) igaroziva. — Three Handle Bike, Karoi.

***

Kuna Svodai Murwizi ndinoti kwauri wakakangan­isira murume wako zvikuru pamwe nasekuru vake uye makazotadz­irawo Mwari pakusiya rusvava rwega panze kusvika pakudyiwa nembwa. Apa murume aenda kunoshavir­a iwe pamwe nemhuri, hapana changa chakaipa ipapo. Totakura vakadzi kuenda navo kubasa here kuti pasaitike mashura akadai? Ndatoperer­wawo nezviri kuitika, asi vakuru vakareva pavakati rina manyanga hariputirw­e. — Baba Cleopatra Mupariwa, Epworth.

***

I yo shasha yekugara nemabhurug­wa evakadzi kuti dzirimo chaizvo? Asi anombomato­ra sei? Ngaaite mushe! — Vagoni Vebasa, Fridge Repair, Karoi. ***

Taita dambudziko pa- Mbare Musika rekudhonzw­a nemahwindi, tave kutya kukwira mabhazi nekuti mabhegi ari kubvarurwa. Mapurisa ngaatiyamu­rewo kubayana nemapanga kwanyanya pazvimbuzi zvepamusik­a. Kanzuru ngaionewo zvaingaite tisati taita zvatinogon­a. — 0776 822 543.

*** Makadii veKwayedza? Ini ndinonzi Precious Chiunda kana kuti Jofiri. Ndinoti bhora mberi, rambai makadaro! Ndinodzidz­a paChifamba High kuGuruve.

*** Nyaya yekupa varume weti zvava kuda Mwari ivo mbune vapindire. — Mai Linden, Mungate, Domboshava.

*** Kwayedza zvava zvinhu! Sando dzenyu takupai. — 0773 992 797.

***

Ndiri kutsvagawo shamwari yangu inonzi Urayayi Maiti akambogara kuGuruve. Kune vanomuziva­wo ndibatei pa0715 738 917.

***

0714 200 007

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe