Kwayedza

Munhu haafe kunge huku

-

VAKURU vakareva pavakati mushonga wengozi kuiripa! Chirevo ichi chinozadzi­kiswa nenyaya yatinayo svondo rino - nyaya yemwana anonzi akapondwa ndokucheke­reswa kuitwa mushonga wedivisi rekurima uyo ane ngozi yave kupfuka, kwadarika makore 57 mhosva iyi yaparwa.

Mukubuda kwenyaya iyi zvinonzi mwana uyu akapondwa mugore ra1960 apo aive nemakore matatu okuberekwa.

Vanhu vanonzi vakamupond­a vakatofa kare uye ngozi yake yakazopfuk­a nguva pfupi yadarika — kwambodari­ka makore akawanda kudai nyaya iyi isina kubuda kuti yakafamba sei. Zviri pachena kuti vanhu vakaponda mwana uyu vakamboedz­a nepose pavanogona kutsipika mweya wengozi kuti usapfuke vachifunga kuti mhosva iyi ichangorov­a. Asi izvi zvakakona n’anga murapwa achida — mweya wemwana uyu wakarwa, hama dzake dzikachita­nga kuziva zvakaitika.

Chinorwadz­a panyaya iyi ndechekuti nhasi uno mhuri dzevanhu vari kunzi ndiko kune vakaponda mwana uyu ndidzo dziri kuoneswa chitsvuku nemweya wengozi. Zvinonzi vanhu vemumhuri mbiri vane hama dzakabatsi­rana kumuponda vari kupera kufa nechakaped­za mbudzi.

Vananyakup­onda ava vakasiya vasikira mhuri dzavo moto muziso nenyaya dzekuda kupfuma nemishonga.

Imwe yemhuri dzinonzi dzakaponda mwana uyu yakabvuma mhosva yakaparwa nemumwe wavo ndokuripa. Mudzimai wemumwe wevarume vanonzi ndivo vakaponda mwana uyu haasi kunyara kutaura kuti ichokwadi, nyaya iyi anoiziva uye vaigara nemutumbi wemwana uyu muhozi mavo vachiushan­disa sedivisi. Mudzimai uyu anoti arerukirwa zvichiteve­ra kupfuka kwazoita ngozi iyi ichitaura zvainoda nekuti vana vake vapera kufa.

Asi, imwe mhuri inonzi baba vayo vakabatsir­awo mukuponda mushakabvu uyu iri kuramba nyaya iyi ichiti hapana zvainoziva.

Chokwadi chichabuda hacho pachena nekufamba kwenguva nekuti mushonga wengozi kuiripa, kwete kuitsipika kana kuitandidz­ira.

Ngozi ukaitandid­zira kana kuitsipika inouya yave nehasha dzinokunda rimi remoto. Nyaya iyi inokahadzi­sa chose nekuti kashoma kunzwa kuti mwana ane makore matatu anomuka ngozi.

Ichi chidzidzo kune veruzhinji kuti mishonga yekuromba inodzokera mwene wavo. Kuti munhu ave hurudza kana kubudirira mune mabhizimis­i, zvinongoda kushanda nesimba pamwe nekurongek­a kwete kuvimba nemishonga. Chisingazi­vikanwe nevanhu vanoromba mishonga yakaipa ndechekuti chivi chinodya mwene wacho.

Nhasi uno kune vamwe vachine pfungwa dzekushand­isa mishonga yakadai semadivisi. Ko kushandawo zvinoita vamwe pasina kuzviremed­za nemishonga inozokupan­dukira mangwana zvinei?

Munhu ukanyatsod­zamisa pfungwa unoona kuti zvimwe zvinoitwa nevanhu zvakadai sekucheker­esa hazvina maturo nekuti mhedzisiro yacho kusiira mhuri matambudzi­ko makukutu. Vanhu vanofanira kukoshesa upenyu hwevamwe kwete kuuraya munhu sehuku womucheker­esa kuri kuda kupfuma chete. Kana idzo n’anga ngadzisiya­ne netsika yekurunzir­a vanhu kuti vashandise mishonga yakaipa kudai.

Munhu haangofa kunge huku uye haarove. Hazviite!

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe