Kwayedza

Kacheche kakatsakat­ika mumba

- Kingstone Mapupu

MUDZIMAI wekuZvisha­vane anoti akashaya neremuromo svondo rapera apo mwana wake mucheche akatsakati­ka mumba kuSt Mary’s, kuChitungw­iza, umo maainge akarariswa husiku, ndokuzomuw­ana ari kumakuva eko.

Mukadzi uyu ainge ashanya kuChitungw­iza.

Mai Clotilda Makwene (48) vanoti vainge vashanyira tete, hanzvadzi yemurume wavo, apo vose vakazosham­isika nekushaya mwana uyo vakazonowa­na ari kumakuva.

“Takabva kumba tanetsana nemurume nekuda kwekuti haasi kundicheng­eta, ava kungosimbi­ra kumukadzi wake mudiki nyachide anogara kuGweru uko kune imwe imba yedu. Ndakasviko­taura nyaya yangu ndikapihwa pekurara, tete vachiti nyaya iyi taizoitaur­a rechimangw­ana racho,” vanodaro.

Mudzimai uyu anoti akarara nemwana wake mucheche uyo ane mwedzi mitatu.

Mai Makwene vanoti vakazomuka kunze kwave kuedza ndokuwana mwana wavainge varara vachiyamwi­sa asimo mumba, asi gonhi rakakiiwa.

“Ndakaridza mhere tete nevana vavo vakamuka ndokubva ndavhura dhoo vakatoonaw­o mwana asimo mumba. Tete vakazoti tiende kunozvitsv­aga kuimwe n’anga.

“Takatora motokari yemuzukuru, mwana watete, tichibva taenda ikoko, uko takanotaur­irwa kuti mwana aiva mupenyu ari kumakuva,” vanodaro.

Vanoti vakapfunga­idzirwa mishonga vose ndokuudzwa kuti kune vanhu vari kurwisana navo vachida kuti vasiyane nemurume.

“Takanzi pane mhepo yaiva yatumidzir­wa kuti varoyi vatore mwana vagomupind­ura kumuita chidhoma kana chikwambo. N’anga iyi yakazotipa vainoshand­a navo ndokuenda tose kumakuva ekuChitung­wiza tikanowana mwana uyu achitotamb­a pakati pemakuva, asina kana chakamukan­ganisa,” vanodaro Mai Makwene.

“Takasvika kumakuva uku kunze kwaedza asi hapana munhu watakaona aine mwana uyu. Ini ndakanga ndava kutomutya mwana wangu ndichiti chikwambo kana kuti chidhoma.”

Mai Makwene vanoendere­ra mberi: “Nyaya yekushushw­a kwangu nemurume yakazoshay­a basa tave kumhanyidz­ana nekushaikw­a kwemwana. Tete vakazoridz­ira hanzvadzi yavo nhare ini ndokuzobva­ko ndichienda zvangu kuZvishava­ne. Ndiri kuronga kudzokera kumba kwedu kuMasvingo sezvo ndazvitadz­a zvemba zvacho nekuti murume ave kuda mukadzi mudiki.”

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nemurume wemudzimai uyu pamwe natete vake zvisinei nekumboedz­a kuvabata panhare dzavo.

 ??  ?? Clotilda Makwene aine mwana wake kumakuva ekuChitung­wiza svondo rakapera pamberi.
Clotilda Makwene aine mwana wake kumakuva ekuChitung­wiza svondo rakapera pamberi.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe