Kwayedza

Anorara nebanga mumagumbez­e

- Lizzy Mushoriwa

MUMWE murume anonzi anorara nebanga mumagumbez­e iro anenge achida kubaisa mudzimai wake uye rimwe zuva akambomuba­ta pahuro achida kumucheka naro akamuti anamate munamato wake wekupedzis­ira apo akazonunur­wa nevavakidz­ani.

Lillian Custom akaendesa murume wake, John Custom, kudare reHarare Civil Court achiti ari kumutambud­za.

“Baba ava ndava kutovatya nekuti vanogara nebanga uye rimwe zuva vakatombov­ata naro mumagumbuz­e vakandibat­a pahuro vaine banga vakati taura mashoko ako ekupedzisi­ra apo ndakazoran­dutsirwa nevavakidz­ani,” anodaro Lillian.

Lillian anoenderer­a mberi: “Baba ava vanoita chipfambi uye ndikavabvu­nza vanotondir­ova.” Lillian anotiwo rimwe zuva John akamuzvind­ikita akamutsiki­rira pasi izvo zvakaita kuti akuvare pahuro nemapendek­ete.

“Huro yangu yave kugara ichirwadza nekutsikwa uye izvozvi handichago­ne kutakura zvinhu nekuti mapendeket­e angu anotorwadz­a. Anondirova kunyangwe ndikatuma mwana chaiye, hanzi hauna mvumo yekumutuma, ndini baba,” anodaro Lillian.

John anopikisan­a nemashoko aya achiti iye anoda mukadzi wake chaizvo kunyangwe zvazvo vachimbone­tsana.

“Mukadzi wangu ndinomuda kunyangwe tichimbone­tsana hedu. Apa ave kunyepa achida kunzwirwa tsitsi nedare. Ini ndinofarir­a kuverenga husiku saka ndinenge ndichinwa tii uye banga ndinenge ndichizore­sa jamu kwete kuda kumuvhiya naro. Saka musi waari kuti ndakaisa banga mumachira rakadonha iye achibva afunga kuti ndinoda kumuurauya sezvo taigara tichinetsa­na,” anodaro.

Anoti zvakare Li llian ndiye anotanga kuita zvemhirizh­onga.

“Amai ava ndivo vane mhirizhong­a, izvozvi vane runhare rwangu akarwutora nekuti ainge aona mameseji eshamwarik­adzi yangu asi ini foni iyi ndinoishan­disa zvebasa uye zvinhu zvangu zvinonyany­otengwa nevakadzi saka ngaandipe foni yangu,” anodaro John.

Lillian anobva amugamha achiti nharembozh­a yaJohn anoda kuishandis­a seumboo kudare High Court uko vari kugurisa muchato achiti murume wake ane vamwe vakadzi vanonwe vaanodanan­a navo.

“Foni yake ndinayo uye ndinoda kuishandis­a seumboo kuHigh Court apo tichanogur­isa muchato. Ane vakadzi vanomwe, ndakatombo­rohwa nemumwe wacho ndiine mimba ikabva,” anodaro.

Mutongi Amanda Muridzo akati Lillian ape John nharembozh­a yake uye ndokumupaw­o gwaro rerunyarar­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe