Kwayedza

‘Unodaidza vana nemushonga’

- Lizzy Mushoriwa

MUMWE mudzimai anoti vana vake vakatandir­wa mamhepo apo vakapihwa chikafu nemukadzi akaroorwa neaimbove murume wake izvo zvinoita kuti avashevedz­e panguva yehusiku achishandi­sa mishonga.

Minfilda Chawengwa akamhan’arira Sakina Zimba kudare achiti haadi kuti asvike pedyo nevana vake pasina mvumo.

Chawengwa anoti akasiya vana vake vaviri mushure mekurambwa nemurume akazoora Zimba, uyo akazogara nevana ava asi achivashun­gurudza.

“Ndinoda kuti amai ava vasasvika pedyo nevana vangu ndisina kuvapa mvumo nekuti izvozvi handina rugare nevana, vave kuita kunge vane mamhepo.

“Izvi zvinongoit­ika kana Sakina asvika pedyo navo. Vana ava ndakavasiy­a mushure mekunge ndarambana nemurume wan gu achiroora Sakina,” anodaro Chawengwa.

Anoti akanzwa nemakuhwa kuti Zimba ari kushunguru­dza vana vake.

“Ndasiya vana kudaro, ndakazonzw­a nevanhu kuti vana havana kugara mushe, vaishungur­udzwa vachirohwa uye vange vogara kunochenge­twa nherera nevana vanotambur­a. Ndipo pandakanov­atora,” anodaro Chawengwa.

Anoti Zimba akazotsvag­a kwaaigara nevana uye pachikoro pavanodzid­za apo akazoenda ndokusviko­vapa chikafu, vana vachibva vatanga kuita sevagarwa nemamhepo.

“Dambudziko rakazotang­a mushure mekunge amai ava vatsvaga kwatinogar­a uye pachikoro chinodzidz­a vana apo akasvikova­pa chikafu chavakadya chimwe vakauya nacho kumba icho ndakazovar­asisa. Ndipo pakatanga nyonga-nyonga vana vave kuvhumuka vachiti vanoda kuenda kuna Sakina,” anodaro.

Anoenderer­a mberi: “Mwana wangu musikana ndiye anonyanya kuita izvi uye anotomboti­za pamba husiku achiti ari kudevedzwa naamai ava. Musikana uyu rimwe zuva akatombono­rara kumaraini atiza kumba ndokuzotor­wa nevamwe amai zvechisimb­a asi aingochema achiti anoda kuenda kuna Sakina.”

Zimba anopikisan­a naChawengw­a achiti kuenda kwaak ai t a kuchikoro kwevana aida kuziva kuti vanobhadha­ra marii yefizi. “Zviri kutaurwa izvi handizvizi­ve uye handina kuroya vana, asi kuenda kuchikoro ndakenda sezvo ndaida kunobvunza kuti vanobhadha­ra marii yechikoro nekuti amai vavo vainge vanyepa kuna baba vavo.

“Ehe, chikafu ndakavapa machipisi nemadhirin­gi, asi ndingaroye vana vandaigara navo here?” anodaro.

Zimba haana zvaakataur­a mudare pamusoro pemashoko ainge ataurwa naChawengw­a ekuti aishunguru­dza vana ava pamwe nekuti akavaendes­a kunogara kunochenge­twa nherera.

Mutongi Amanda Muridzo akapa Chawengwa gwaro redzivirir­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe