Kwayedza

Akaba doro re$1

- Muchaneta Chimuka

NYADZI dzinokunda rufu!

Murume wekuChitun­gwiza akashaya pekupinda mudare nekunyara apo akabatwa nemhosva yekuba bhodhoro rimwe chete redoro reSuper Chibuku rinokosha $1 muchitoro cheChoppie­s Supermarke­t chiri kuTown Centre, ikoko.

Smith Lasbaes ( 30) wepanhamba 3405 Unit D, anobvuma mhosva yake pasina kukakama.

“Hongu ndakaba,” anodaro apo akabvunzwa mudare. Mutongi wedare reChitungw­iza Magistrate­s’ Courts, Yeukai Chigodora, akamupa chirango chekubhadh­ara faindi ye$20 uye kukundikan­a kwake anogara mujeri kwemazuva gumi. Muchuchisi Norman Koropi akaudza dare kuti nomusi wa18 mwedzi uno, Lasbaes akapinda muchitoro cheChoppie­s umo akaba bhodhoro redoro zvikaita kuti asungwe apo akange ave kubuda naro asina kubhadhara.

Murindi wepachitor­o ichi, Pamela Gadzira, ndiye akamira semumhan’ari munyaya iyi.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe