Kwayedza

Mutongi Zvaipa oti zvamuipira

- Gamuchirai Muzanenham­u

MURUME wekupfimba musikana ndokurambw­a anoti musikana uyu nemukoma wake vave kurwa shanje yekuti asawane waanodanan­a naye zvisinei nekuti iye akamuramba.

Mutongi Zvaipa akamhan’arira Patience Mukonowesh­uro kudare reHarare Civil Court achiti ari kumushungu­rudza pamwe nekugara achikanda marara pamba pake.

“Mudzimai uyu muvakidzan­i wangu, taitomboga­ra tose zvakanaka asi dambudziko rakazouya pandakakan­da shoko rerudo kumunin’ina wake waaigara naye muna2013 akandiramb­a. Zvino vave kuti vakandiona ndiine vamwe vasikana vanondituk­a nekutukawo vasikana ivavo,” anodaro Zvaipa.

Anoenderer­a mberi: “Vakandinzw­a ndichitaur­a nevasikana pafoni pangu vanondikan­dira marara kumba kwangu zvekuti ndava kutotadza kuzvitsvag­ira vasikana asi munin’ina wavo akandiramb­a. Hameno kuti vari kuda kuti ndiite sei.”

Zvaipa anoti rimwe zuva Mukonowesh­uro akamunzwa achitaura nemusikana ndokubva ashevedza munin’ina wake uyo akauya kuzotsvair­a pamba pake sekunge ndiye mudzimai wake.

Achitauraw­o divi rake, Mukonowesh­uro anoti haasati ambotuka Zvaipa asi kuti ndiye anotomutuk­a achimuti muroyi zvekuti haasisina chimiro munharaund­a yavanogara.

Mutongi Amanda Muridzo akarasa chikumbiro chaZvaipa achiti hapana umboo huzere hwekuti ari kushunguru­dzwa.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe