Mutongi Zvaipa oti zvamuipira
MURUME wekupfimba musikana ndokurambwa anoti musikana uyu nemukoma wake vave kurwa shanje yekuti asawane waanodanana naye zvisinei nekuti iye akamuramba.
Mutongi Zvaipa akamhan’arira Patience Mukonoweshuro kudare reHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza pamwe nekugara achikanda marara pamba pake.
“Mudzimai uyu muvakidzani wangu, taitombogara tose zvakanaka asi dambudziko rakazouya pandakakanda shoko rerudo kumunin’ina wake waaigara naye muna2013 akandiramba. Zvino vave kuti vakandiona ndiine vamwe vasikana vanondituka nekutukawo vasikana ivavo,” anodaro Zvaipa.
Anoenderera mberi: “Vakandinzwa ndichitaura nevasikana pafoni pangu vanondikandira marara kumba kwangu zvekuti ndava kutotadza kuzvitsvagira vasikana asi munin’ina wavo akandiramba. Hameno kuti vari kuda kuti ndiite sei.”
Zvaipa anoti rimwe zuva Mukonoweshuro akamunzwa achitaura nemusikana ndokubva ashevedza munin’ina wake uyo akauya kuzotsvaira pamba pake sekunge ndiye mudzimai wake.
Achitaurawo divi rake, Mukonoweshuro anoti haasati ambotuka Zvaipa asi kuti ndiye anotomutuka achimuti muroyi zvekuti haasisina chimiro munharaunda yavanogara.
Mutongi Amanda Muridzo akarasa chikumbiro chaZvaipa achiti hapana umboo huzere hwekuti ari kushungurudzwa.