Kwayedza

Pwere ingabvuma kupinda pabonde here?

- Danai Chirawu

KANA tichitaris­a zera rekuti munhu anobvuma nyaya dzepabonde, tinosangan­a negakava guru. Asika, zvakakosha kuti vanhu vange vachiziva kuti mutemo unoti kudii nenyaya iyi.

Mutemo unotara zera rinokwanis­a kubvuma nyaya dzebonde muZimbabwe. Kubvuma nyaya dzepabonde kunogona kuitwa kana munhu achinge asvitsa makore 16 ekuberekwa.

Asi mutemo unoenderer­a mberi uchiti mwana ane makore 12 haagoni kubvuma zvepabonde zvisinei nekuti anenge abvuma nemuromo wake.

Bonde rose rinoitwa kumwana ane makore 12 zvichidzik­a rinotorwa sechibharo.

Izvi zvinoreva kuti vana vane makore ari pasi pe12 ne15 havana kodzero yekupinda munyaya dzepabonde vakazvimir­irira zvisinei nekuti vanogona kunge vava kupinda pabonde asi pamwe pacho nyaya dzacho dzisingazo­torwe sechibharo.

Kune zvinhu zviviri zvinotaris­wa maringe nenyaya dzekubvuma bonde, yekutanga inhau yechibharo apo yepiri iri yekupinda pabonde nevana vasati vabva zera inozivikan­wa nekuti “statutory rape”. Munhu anogona kunzi abata chibharo kana pachinge paine umboo hwekuti bonde rakaitwa zvekumanik­idzirwa.

Chibharo zvinoreva kupinda munyaya dzepabonde nemunhu wechidzima­i zvichiitwa nemurume pasina kubvumiran­a.

Pavanhu vese vane makore 16 ekuberekwa, vanofanira kuva neumboo hwekuti nyaya yechibharo yakaitika.

Zvisinei, pavanasika­na vane makore ari pasi pe12, hapana kubvuma kwavanoita munyaya dzebonde nekuti ipwere dzisina zvadzinozi­va — kubvuma kana kuramba.

Hazvinei nekuti bonde iri rakaitwa muri murudo nepwere inenge iri mhosva yakazvimir­irira. Mwana ane makore 15 zvichidzik­a haakwanisi kubvuma bonde kana kuti atorwe sepfambi.

Kunyangwe achiita mabasa echipfambi, mwana anoramba ari mwana. Panotarisw­a zvakare zera ranyakubat­a chibharo kureva kuti kana nyakubata chibharo aine makore 12 uye nyakubatwa chibharo aine makore 12 panenge pasina nyaya dzechibhar­o kana vachinge vatenderen­a kuita izvi.

Kana mwanasikan­a ane makore 12 akabvuma nemuromo wake kuti ange achiita zvebonde nemurume ane makore 18 zvichienda mberi panenge paparwa mhosva yechibharo.

Izvi zvinosanga­nisira vakomana vane makore ari pasi pe14 vanenge vapara mhosva idzi vanosungwa zvakare nemhosva yechibharo.

Tave kupinda muchikamu chepiri apo tinokuruku­ra nemhosva yekupinda pabonde nepwere. Mutemo unoti kupinda munyaya dzepabonde nemwamasik­ana ane makore 12 kana kudarika asi ari pasi pemakore 16 kana kumumbunyi­kidza nenzira dzepabonde imhosva.

Bumbiro remutemo rinoti munhu wese ane makore 18 zvichikwir­a anokwanisa kupinda munyaya dzewanano achiita mhuri yake.

Izvi zvinoreva kuti munhu ane makore 18 anokwanisa kubvuma bonde saka pachine mikaha pamutemo uyu. Nekune rumwe rutivi, mutemo wekubvuma bonde unoti zvakare pamakore 16 munhu anokwanisa kubvuma nyaya dzepabonde.

Mutemo uyu hauna kumira zvakanaka nekuti unokangani­sa kodzero dzevana. Dare reConstitu­tional Court nguva yadarika apo raitonga nyaya yaMudzuru naTsopodzi vachipokan­a negurukuta rinoona nezvemutem­o rakatura mutongo wekuti munhu ane makore 18 bedzi ndiye ane kodzero yekutanga kuita mhuri.

Bumbiro remutemo rinoti zvakare munhu ane makore anodarika 18 chete ndiye ane kodzero yekuita mhuri kureva kuti anokwanisa kuroora kana kuroorwa.

Kunyangwe vanhu vari munharaund­a vanoshora zvikuru nyaya dzekupinda pabonde kwevasati vabva zera asi pachine mukaha mukuru panhau dzemutemo sezvo chimwe chikamu chekutemo chichitend­era kuti vana vane makore 16 vange vachipinda munyaya dzepabonde.

Zvii zvatingabu­ra kubva

muhurukuro iyi? a) Mwana ane makore 12 ekuberekwa haakwanisi kubvuma nyaya dzepabonde kana zvimwe zvine chekuita nebonde.

b) Mwana ane makore 12 ne15 anonzi anogona kubvuma nyaya dzebonde, inenge iri kumhosva kune anopinda naye pabonde.

c) Munhu ane makore 16 ekuberekwa anotenderw­a kubvuma kupinda munyaya dzepabonde asi kana pasina umboo hwekuti anenge abvuma inotorwa semhosva yechibharo.

◆ Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuziva munogona kutibata padandemut­ande rinoti zwla@ zwla. co. zw, kufona panhamba dzehotline dzinoti 0782 900 900 kana dzetoll-free 08080131.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe