Kwayedza

Mhoro mbavha, kuruku, mwana waSatani

-

NDAKANZWA mumwe munhu achituka mapurisa aive paRoadbloc­k ndikatya. Pane mashoko ekuti nyangwe akatukiswa imbwa yako chaiyo unogumbuka. Munhu akatuka mapurisa uyu aitaura nezwi rakaomarar­a kunge dombo rekukweshe­sa man’a, izwi rinobvinin­a ruvengo nehuturu hunenge hwenyoka.

Pamwe mapurisa acho ajaira zvawo kusangana nevanhu vanodira mweya unokunda wechidembo kudaro. Asika, nyangwe zvazvo mamwe mapurisa achitora nekugumha vanhu mari, uye mamwe achiramba kunzwira vabereki tsitsi, musakangan­we kuti pakupera kwezuva mupurisa munhuwo seni nemi. Anoendawo kumba kwake, osvikoitaw­o homework nemwana wake nekutonets­wawo nemunhu akamukwere­ta mari.

Dai Jesu aisangana nemumwe wemapurisa edu nhasi uno, aiti kudii? Aitaura zvemaSpike navo here?

Sekutaura kwemunhu wandati aituka mapurisa, zvingaite sekuti mapurisa edu tuSatani, asi tinokangan­wa kuti vanhu vanodiwawo naMwari. Ichokwadi pane vanhu vanoti mamwe mapurisa ane hutsinye zvekuti kana vakakubata vachifungi­dzira kuti wakapara mhosva vanogona kukurova ukasara wasangana pfungwa sejecha nesimende zvekuvakis­a.

Mamwe mapurisa anondifung­isa Zakeo wekuJeriko. Zakeo aive mukuru wevateresi, aitora mari muvanhu, kuvabira pamwe chete nekubiridz­ira. Saka Zakeo aive mupfumi, type iye inofura dzihwa nemari, ichisuka ndiro nesipo yeGeisha. Nekuda kwehupfumi hwekubira vanhu achivanyen­gedza, Zakeo aivengwa nevanhu zvekuti vamwe vaiti vakamuona achidarika vaisvipa mate ekusvotwa nekumusema. Zvino Jesu akapinda muguta raZakeo, vanhu vazhinji vakabuda mudzimba dzavo vakazadza migwagwa vachida kuona Jesu. Pavanhu vazhinji vemuJeriko ava, Zakeo aivepo achidawo kuona Jesu.

Kuda kuona Jesu kwaZakeo kunenge kwaisangan­isira kuda kuona kuti iye Jesu uyu chii chaimbomup­a mbiri kudaro asi iye asina mari. Saka Zakeo akaedza kupfekenye­dza nemukati mesango revanhu vainge vakasosera kunge heji, asi akaona kuti vanhu vaive vakawandis­a zvekuti vanhu vapfupi saiye vaitoda kuwana panhu pekukwira kuti vakwanise kuona. Zakeo akakwenya kamhanza kake kaitsvedze­rera kunge LCD achibva asekerera. Akanga afunga zano raizomuita kuti anyatsoona Jesu.

Zakeo akakunya hembe dzake dzemari zhinji, achibva amhanya nenzira yaive kumberi kwaizodari­ka naJesu. Asvika kwakanga kusina vanhu, akakwira mumuti wemuonde, achibva anyatsotsv­aga pabazi rakanaka, ndokugara zvake. Zvechokwad­i Jesu nevanhu vakanga vachimutev­era vakasvika nepamuti wakanga uina Zakeo. Asi Zakeo akanga asingambof­ungidzira kuti nyangwe zvazvo Jesu akanga akakombwa nevanhu, aizoona munhu ari mumuti akatomushe­vedza nezita rake.

Ndizvo zvakabva zvaitika. Jesu akatarisa mudenga, akati, “Zakeo kurumidza kuburuka, nhasi ndiri kunoita muenzi kumba kwako.”

Zakeo akaburuka achiita zvekutsved­za nekufara. Achiti pasi ji, vamwe vanhu vakabva vatanga kupopota, kumutuka, kushora, kusvipa mate nekuratidz­a Jesu kuti akanga arasika pakuda kuenda kunoita muenzi waZakeo nekuti vaiti Zakeo akanga ari mutadzi ane zvimbi. Asi Jesu haana kuvapindur­a.

Vakasvika kumba kwaZakeo, Zakeo achibva ati, “Ishe, ndichapa hafu yepfuma yangu yese kuvarombo, uye kana paine wandakanye­ngera pachinhu chipi zvacho, ndichamudz­osera zvava zvina.”

Zakeo akanga angotaura ega nekuda kwekuti Jesu akanga apinda muhupenyu hwake.

Ndinofunga kuti zuva rekutendeu­ka kwaZakeo iri, rimwe remazuva akafara vanhu muJeriko vakaita sevadhakwa. Chikonzero? Kana Zakeo akanga ati ave kupa hafu yepfuma yake kuvarombo vana Razaro vakanorara­wo muhotera chete.

Zvese izvi zvakabva pakuti Jesu haana kuona Zakeo akamuti, “Mhoro Zakeo muteresi, mbavha, kuruku, munyengeri, mwana waSatani.” Kwete! Jesu akada Zakeo aivengwa nevanhu.

 ??  ?? naIgnatius Mabasa
naIgnatius Mabasa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe