Mhoro mbavha, kuruku, mwana waSatani
NDAKANZWA mumwe munhu achituka mapurisa aive paRoadblock ndikatya. Pane mashoko ekuti nyangwe akatukiswa imbwa yako chaiyo unogumbuka. Munhu akatuka mapurisa uyu aitaura nezwi rakaomarara kunge dombo rekukweshesa man’a, izwi rinobvinina ruvengo nehuturu hunenge hwenyoka.
Pamwe mapurisa acho ajaira zvawo kusangana nevanhu vanodira mweya unokunda wechidembo kudaro. Asika, nyangwe zvazvo mamwe mapurisa achitora nekugumha vanhu mari, uye mamwe achiramba kunzwira vabereki tsitsi, musakanganwe kuti pakupera kwezuva mupurisa munhuwo seni nemi. Anoendawo kumba kwake, osvikoitawo homework nemwana wake nekutonetswawo nemunhu akamukwereta mari.
Dai Jesu aisangana nemumwe wemapurisa edu nhasi uno, aiti kudii? Aitaura zvemaSpike navo here?
Sekutaura kwemunhu wandati aituka mapurisa, zvingaite sekuti mapurisa edu tuSatani, asi tinokanganwa kuti vanhu vanodiwawo naMwari. Ichokwadi pane vanhu vanoti mamwe mapurisa ane hutsinye zvekuti kana vakakubata vachifungidzira kuti wakapara mhosva vanogona kukurova ukasara wasangana pfungwa sejecha nesimende zvekuvakisa.
Mamwe mapurisa anondifungisa Zakeo wekuJeriko. Zakeo aive mukuru wevateresi, aitora mari muvanhu, kuvabira pamwe chete nekubiridzira. Saka Zakeo aive mupfumi, type iye inofura dzihwa nemari, ichisuka ndiro nesipo yeGeisha. Nekuda kwehupfumi hwekubira vanhu achivanyengedza, Zakeo aivengwa nevanhu zvekuti vamwe vaiti vakamuona achidarika vaisvipa mate ekusvotwa nekumusema. Zvino Jesu akapinda muguta raZakeo, vanhu vazhinji vakabuda mudzimba dzavo vakazadza migwagwa vachida kuona Jesu. Pavanhu vazhinji vemuJeriko ava, Zakeo aivepo achidawo kuona Jesu.
Kuda kuona Jesu kwaZakeo kunenge kwaisanganisira kuda kuona kuti iye Jesu uyu chii chaimbomupa mbiri kudaro asi iye asina mari. Saka Zakeo akaedza kupfekenyedza nemukati mesango revanhu vainge vakasosera kunge heji, asi akaona kuti vanhu vaive vakawandisa zvekuti vanhu vapfupi saiye vaitoda kuwana panhu pekukwira kuti vakwanise kuona. Zakeo akakwenya kamhanza kake kaitsvedzerera kunge LCD achibva asekerera. Akanga afunga zano raizomuita kuti anyatsoona Jesu.
Zakeo akakunya hembe dzake dzemari zhinji, achibva amhanya nenzira yaive kumberi kwaizodarika naJesu. Asvika kwakanga kusina vanhu, akakwira mumuti wemuonde, achibva anyatsotsvaga pabazi rakanaka, ndokugara zvake. Zvechokwadi Jesu nevanhu vakanga vachimutevera vakasvika nepamuti wakanga uina Zakeo. Asi Zakeo akanga asingambofungidzira kuti nyangwe zvazvo Jesu akanga akakombwa nevanhu, aizoona munhu ari mumuti akatomushevedza nezita rake.
Ndizvo zvakabva zvaitika. Jesu akatarisa mudenga, akati, “Zakeo kurumidza kuburuka, nhasi ndiri kunoita muenzi kumba kwako.”
Zakeo akaburuka achiita zvekutsvedza nekufara. Achiti pasi ji, vamwe vanhu vakabva vatanga kupopota, kumutuka, kushora, kusvipa mate nekuratidza Jesu kuti akanga arasika pakuda kuenda kunoita muenzi waZakeo nekuti vaiti Zakeo akanga ari mutadzi ane zvimbi. Asi Jesu haana kuvapindura.
Vakasvika kumba kwaZakeo, Zakeo achibva ati, “Ishe, ndichapa hafu yepfuma yangu yese kuvarombo, uye kana paine wandakanyengera pachinhu chipi zvacho, ndichamudzosera zvava zvina.”
Zakeo akanga angotaura ega nekuda kwekuti Jesu akanga apinda muhupenyu hwake.
Ndinofunga kuti zuva rekutendeuka kwaZakeo iri, rimwe remazuva akafara vanhu muJeriko vakaita sevadhakwa. Chikonzero? Kana Zakeo akanga ati ave kupa hafu yepfuma yake kuvarombo vana Razaro vakanorarawo muhotera chete.
Zvese izvi zvakabva pakuti Jesu haana kuona Zakeo akamuti, “Mhoro Zakeo muteresi, mbavha, kuruku, munyengeri, mwana waSatani.” Kwete! Jesu akada Zakeo aivengwa nevanhu.