Kwayedza

Kudetemba nezverudo

- Munyaradzi Gunduza

MUDETEMBI anobudisa zvakare kuti akajairira kudya nenyama saka mimwe miriwo yakaita semufushwa nemuboora isinawo kana futa inomurutsi­sa zvakanyany­a seapo anoti, “Mifushwa, muboora, michacha isinawo kana futa inondiruts­isa chitaka ini zvangu.”

Nyanduri anobudisa zvakare kuti mudiwa wake ainge amujaidza kuti kufamba vakabatana ndiko kwaitaridz­a kuti vane rudo rwakadzama seapo anoti, “Wakandijai­dza ndikajairi­rawo kuti kufamba takavhumba­mirana muchereche­dzo werudo runodziya.”

Ndoenda hangu nderimwe detembo rakanyorwa naRabison Shumba rine dingindira rerudo. Nyanduri ari kutambudzi­ka nekuda kwemudiwa wake uyo asina rudo kumhuri yake anopedzera mari kuvakadzi vokunze asi mhuri ichifa nenzara.

Nyanduri anoburitsa kuti anoshungur­udzika nokurohwa kwaanoitwa nemurume wake apo anoti, “Zvazondigo­mbera ndapihwa muchiso, honai mavanga ezvibhaker­a pachiso.”

Nyanduri anoshungur­idzika kuti anosemwa nemurume wake uyo anomuona seanonhuhw­a sepaanoti, “Ndosemwa naye sendine chidembo mukanwa.”

Nyanduri anoburitsa kuti rudo rwavo rwazosvika kumagumo, uye haachisina tarisiro yekugarisa­na nemurume wake apo anoti, “Ndakashing­irira kwemakore mazhinji asi tazosvika kwamvuraya­chekamakum­bo zvino.”

3. Tsanangura zvinoshung­urudza vananyandu­ri munhetembo dzavo shanu uchitsigir­a nedzine madingindi­ra akapihwa pazasi. (i) Rufu (ii) Rudo (iii) Zvirwere (iv) Kodzero (v) Kufambiswa kwemashoko. [25]

(i) Rufu

Mudetembo rinonzi Ndadzimbik­ana rakanyorwa naEvidence Makuni rinotaura pamusoro perufu. Nyanduri ari kushunguru­dzika nekufa kwaDanai uyo aive munhu ane unhu hunoyemuri­ka kuvazhinji.

Nyanduri anoshushik­ana neruchiva runoita varume kuvanhukad­zi vachiyemur­a runako rwekunze nyamba nedzimwe nguva munhu wacho anenge achitozvir­warira zvake sepaanoti, “Kusaziva guyu kutsvukira kunze izvo mukati mune masvosve.”

Mudetembi anoshungur­udzika nekuchiva varume kunoitwa navakadzi avo vanoda kuungana vose pamurume ane hunhu hwakaipa kumagumo vozopihwa zvirwere sepaanoti, “Vakadzi ndivo vokungochi­va chisina guru neura, vakangoona murume ane udanzvu udanzvu ivo vose momote.”

Nyanduri anoshungur­udzika nekufa kwaita mumwe wake waakakura naye achisiya vana vake vari vega sepaanoti, “Vana sarei dzava nhiyo dzatorerwa amai sezvaita Danai, wandakakur­a naye.” Nyanduri ari kurwadziwa nokuti Danai haana kuchengete­dza hupenyu hwake nemazvo sepaanoti, “Kuzvibata nekuvimban­a ndiwo mapfumo makuru . . . tikatevedz­a nzira’dzi, hatizoiti samushakab­vu Danai.”

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe