Kwayedza

Husiku ibofu, masikati anoona

- Kingstone Mapupu

MUNYAYA inokahadzi­sa zvikuru, murume wekudunhu raMambo Svosve, kuMaronder­a, anoti anoita bofu husiku hwoga-hwoga, asi kukangoedz­a chete, anobva atanga kuona zvakanaka.

VaIan Nyahuye (45) vemubhuku raTinapi vanoti vashaya zvekuita nedambudzi­ko iri.

Pavakashan­yirwa neKwayedza pamusha pavo nguva ichangodar­ika, vaitoona uye zvaisambor­atidza kuti vane dambudziko rekupofoma­ra maziso.

“Masikati ndinoswera zvakanaka ndichiona mushe, panongokwa­na 5 zuva rodoka ndinobva ndatanga kusaona zvigoramba zvakadaro dakara zuva rechimangw­ana racho. Asi panosvika 5 mangwanani, ndinobva ndatanga kuona zvakare,” vanodaro VaNyahuye.

Vanoti dambudziko iri rakatanga apo vaiva mudiki uye vabereki vavo vachiri vapenyu.

“Dambudziko iri ndave kutochembe­ra naro, rakatanga ndiri mwana mudiki ndisati ndave kuenda kuchikoro ndichiti ndikaenda panze husiku ndaigumisi­ra ndave kutadza kuona musiwo wandambobu­da nawo. Ipapo amai nababa vaifamba kwakasiyan­a vachitauri­rwa kuti pane nyoka yehuroyi yaindinanz­va,” vanodaro.

Vanoti vabereki vavo vakagumisi­ra vashaya dambudziko iri risina kupera.

“Zvino zvandava nherera kudai ndichazvik­wanisa here kunyangwe ndiine vakoma nevanin’ina varipo? Ivo vanotovawo nematambud­ziko avo kare,” vanodaro.

Murume uyu anoti akabvakach­a anotokurum­idza kudzokera kumba kwake kunze kwakachena nekuti dzikangokw­ana 5 zuva rodoka, haachakwan­isa kufamba oga sezvo anenge ava kuda kutungamir­irwa nevamwe vanhu akabatwa ruwoko.

“Ndikabvaka­cha, ndikangoon­a nguva dzave kuma 4 zuva rodoka, ndinenge ndava kutotsvaga kwekurara nekuti ndinoziva kuti ndinozogum­isira ndanowira munzizi kana mumatsime ndisisaone kwekuenda.”

VaNyahuye vanoti vanogara

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe