Husiku ibofu, masikati anoona
MUNYAYA inokahadzisa zvikuru, murume wekudunhu raMambo Svosve, kuMarondera, anoti anoita bofu husiku hwoga-hwoga, asi kukangoedza chete, anobva atanga kuona zvakanaka.
VaIan Nyahuye (45) vemubhuku raTinapi vanoti vashaya zvekuita nedambudziko iri.
Pavakashanyirwa neKwayedza pamusha pavo nguva ichangodarika, vaitoona uye zvaisamboratidza kuti vane dambudziko rekupofomara maziso.
“Masikati ndinoswera zvakanaka ndichiona mushe, panongokwana 5 zuva rodoka ndinobva ndatanga kusaona zvigoramba zvakadaro dakara zuva rechimangwana racho. Asi panosvika 5 mangwanani, ndinobva ndatanga kuona zvakare,” vanodaro VaNyahuye.
Vanoti dambudziko iri rakatanga apo vaiva mudiki uye vabereki vavo vachiri vapenyu.
“Dambudziko iri ndave kutochembera naro, rakatanga ndiri mwana mudiki ndisati ndave kuenda kuchikoro ndichiti ndikaenda panze husiku ndaigumisira ndave kutadza kuona musiwo wandambobuda nawo. Ipapo amai nababa vaifamba kwakasiyana vachitaurirwa kuti pane nyoka yehuroyi yaindinanzva,” vanodaro.
Vanoti vabereki vavo vakagumisira vashaya dambudziko iri risina kupera.
“Zvino zvandava nherera kudai ndichazvikwanisa here kunyangwe ndiine vakoma nevanin’ina varipo? Ivo vanotovawo nematambudziko avo kare,” vanodaro.
Murume uyu anoti akabvakacha anotokurumidza kudzokera kumba kwake kunze kwakachena nekuti dzikangokwana 5 zuva rodoka, haachakwanisa kufamba oga sezvo anenge ava kuda kutungamirirwa nevamwe vanhu akabatwa ruwoko.
“Ndikabvakacha, ndikangoona nguva dzave kuma 4 zuva rodoka, ndinenge ndava kutotsvaga kwekurara nekuti ndinoziva kuti ndinozogumisira ndanowira munzizi kana mumatsime ndisisaone kwekuenda.”
VaNyahuye vanoti vanogara