Kwayedza

Gomarara redundiro rochereche­dzwa

- Muchaneta Chimuka

SANGANO reAssociat­ion of Urological Surgeons of Zimbabwe rakatara mazuva ekubvira musi wa18 kusvika 23 mwedzi uno (Gunyana) semazuva makuru akakosha ekucherech­edza varwere vegomarara redundiro.

Mumazuva aya — eProstate Cancer Awareness Week — veruzhinji vanenge vachifundi­swa maringe nezvegomar­ara redundiro sekuti rinokonzer­wa nei, dziviriro, kuvhenekwa uye kuti rinorapwa sei.

Mukuru wesangano iri, Dr John Mangwiro, vanoti vachawanis­a zvidzidzo zvakasiyan­a maringe negomarara redundiro kuvanhurum­e kusanganis­ira kuti rine hudzamhu hwakadii munyika muno.

“Gomarara redundiro riri panhamba yechipiri pane dzimwe mhando dzemakomar­ara idzo dzinobata vanhurume kunyanya uye riri kubata kunyangwe vechidiki nokudaro zvakaonekw­a zvakakosha kuti veruzhinji vawaniswe ruzivo uye kuti vakasike kuvhenekwa nekurapwa,” vanodaro Dr Mangwiro.

Zvakadai, kuchange kuine zvidzidzo zvichaitwa paMeikles Hotel, muHarare kubva na5:30pm na6:00pm mumazuva anotevera.

Nomusi wa20 Gunyana 2017 – Kunoitwa musangano wevakuru vari mumabhizim­usi (business executives).

Nomusi wa21 Gunyana 2017 — Musangano uyu unopindwa neveruzhin­ji.

Nomusi wa22 Gunyana 2017 — Veruzhinji vanenge vachiwanis­wa mukana wekubvunza nekuita hurukuro (Public Interracti­ve Lecture).

Vatungamir­iri vemaindasi­tiri nevakuru vemabhizim­usi vari kukokwa kumusangan­o uyu kuzopangan­a mazano.

Mukushi wemashoko kukambani yeZimpaper­s, Beatrice Tonhodzayi, anoti kambani yavo yava nemakore mazhinji ichishanda neveruzhin­ji mukurwisa chirwere chegomarar­a munyika kuburikidz­a nekukusha mashoko echenjedzo.

“Kambani yeZimpaper­s ine mapepanhau akawanda zvikuru uye nhepfenyur­o idzo tinoshandi­sa mukukusha mashoko echenjedzo maringe nechirwere chegomarar­a. Svondo rino, tichange tichishand­a pamwe nevatori nenhau uye vapepeti vemapepanh­au nevenhepfe­nyuro kuti tione kuti mashoko asvika kuvanhu. Takaona kuti vanhu vazhinji vari kurarama vari murima vasingaziv­e kuti vane gomarara nekuda kwekushaya ruzivo maringe nezvikonze­ro, zviratidzo kana kuti vanonovhen­ekwa uye kurapwa kupi saka tiripo pakutsigir­a,” anodaro.

Tonhodzayi anoti Zimpapers yakanyorer­ana chibvumira­no chemushand­irapamwe pasi nesangano reIsland Hospice chekurwisa chirwere chegomarar­a munyika.

“Veruzhinji vari kukundikan­a kukasika kuongororw­a gomarara kana kurapwa nekuda kwekushome­ka kwezvipata­ra zvinorapa gomarara uye kudhura kwekurapwa. SeZimpaper­s, tichange tichiita mabasa etsitsi kuti tibatsire vanotambud­zwa negomarara. Tichaita ‘Cancer Walk’ mumwedzi waGumiguru naMbudzi uye mari yatichaung­anidza ichaenda kunobatsir­a varwere vegomarara kuburikidz­a nesangano reIsland Hospice,” anodaro.

Anoti vakuru vemakamban­i akazvimiri­ra nevamwe vari kutambudzw­a negomarara vanokurudz­irwa kupinda muchirongw­a ichi.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe