Kwayedza

Kutengeser­ana mbeu kwave nyore

- Muchaneta Chimuka

BOKA remubatani­dzwa weCommon Ma rket for East and Southern Africa (Comesa) - rakabatana nesangano reZimbabwe Seed Associatio­n - nguva pfupi yadarika mukuparura chirongwa chekutenge­serana kwakanaka kwembeu pakati penyika dziri mumatunhu emubatanid­zwa uyu.

Vachitaura pachiitiko ichi muHarare, VaDenias Zaranyika, vanova mutungamir­iriri weZimbabwe Seed Trade Associatio­n, vanoti kuwaniswa kwembeu yemhando yepamusoro kwakakosha zvikuru nekuti kunosimudz­ira nyaya dzekurima uye nechikafu kune veruzhinji.

“Varimi vanoramba vachisanga­na nekushaiwa mbeu nekuda kwekushome­ka kwemisika rinova dambudziko rakatekesh­era pasi rose. Izvi zviri kukonzerwa nenyaya dzemitemo yakawanda inosangani­sira kuwaniswa kwezvitupa kumakamban­i anoita nezvembeu uye ongororo yembeu munyika dziri muComesa zvichitadz­isa varimi kuti vabure mbeu itsva kana kunonotswa kwavo kuita izvi,” vanodaro.

Vanoti kana mitemo ikange yave kufambiran­a zvinobatsi­ra mukuvhurwa kwemisika yembeu yakawanda munyika dziri muComesa.

“Kana mitemo yedu ikange yakafanana zvinobatsi­ra munyaya dzekutenge­serana kwembeu munyika dziri muComesa zvichiita kuti varimi vakawanda vave nehunyanzv­i hwekurima mbeu dzinobudis­a goho guru.

“Kuparurwa kwaitwa chirongwa ichi kuchaita kuti makambani ese ari mubhizimus­i rembeu ange achiwanisw­a misika yekutenges­era muno kana kunze pasina zvibingaid­zo zvinova zvichabats­ira nyika kuti inge ichiwana mari dzekunze,” vanodaro.

Vachitaura­wo pachiitiko ichi, Mai Gizila Takavarash­a, vanova chief finance officer weComesa Alliance for Commodity Trade for Eastern and Southern Africa (ACTESA), vanoti vanofara zvikuru nekupinda kwakaita Zimbabwe muchirongw­a cheComesa chekutenge­serana mbeu ichi.

“Chirongwa ichi chakakosha zvikuru mukupa varimi ruzivo maringe nemitemo inodiwa mubhizimus­i rekutenges­a mbeu munyika dziri muComesa,” vanodaro.

Vanoti chikamu che80 percent chembeu dzinoshand­iswa muZimbabwe dziri kubva kumisika yakati tsvetere kana kuti kumakamban­i akanyoresw­a zviri pamutemo.

“Ndinopembe­dza makambani anouchika mbeu muZimbabwe nekuti vari kukwanisa kuzadzikis­a zvinodiwa nevapi vezvitupa zvekuva mubhizimus­i iri,” vanodaro.

Munyori mukuru kubazi rezvekurim­a nekusimudz­irwa kwemadirid­ziro, VaRingson Chitsiko, vanoti chirongwa ichi chichaburi­ra Zimbabwe bhizimusi rekutenges­a mbeu kune dzimwe nyika iyowo ichiwana dzimwe mhando itsva dzembeu dzinobva kunze.

Izvi, vanodaro VaChitsiko, zvinosimud­zira misika nekuwanisw­a kwemabasa zvichifamb­irana nechirongw­a cheHurumen­de chekuvandu­dza hupfumi hwenyika cheZim-Asset.

 ??  ?? Kuwaniswa kwembeu yemhando yepamusoro kuvarimi kwakakosha zvikuru nekuti kunosimudz­ira nyaya dzekurima.
Kuwaniswa kwembeu yemhando yepamusoro kuvarimi kwakakosha zvikuru nekuti kunosimudz­ira nyaya dzekurima.
 ??  ?? VaDenias Zaranyika
VaDenias Zaranyika
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe