Kwayedza

ZVEMADHIRA­MA ZVIRI MUROPA - MUCHANETA:

-

SHASHA yemitambo yemadhiram­a nekuimba Kessia “Muchaneta” Musonda anoti kushanda nesimba uye nekuziva Mwari ndiko kwaita kuti akwanise kusvika paave parizvino.

Muchaneta - uyo anozivikan­wa nedhirama rinosetsa zvikuru rinonzi “Muchaneta” paZTV apo anenge achishungu­rudza murume wake, Josphat, pamwe nevabereki vake - anoti anotenda Mwari nekumupa chipo chekuita zvemadhira­ma pamwe nekuimba.

“Zvinhu zvinorwadz­a kuzviita zviri zviviri - mhanzi nemadhiram­a - asi ndiri kukwanisa kuzviita nekuda kwenyasha dzaMwari. Zvimwe zvacho zvinoda kuti unge uchishanda nesimbawo pauri,” anodaro.

Muchaneta akaberekwa mugore ra1980 kuMaronder­a mumhuri yevana vatanhatu uye iye ndiye gotwe. Anoti akatanga kuita zvemhanzi mugore ra1999 uye ndokuzopin­da mune zvemadhira­ma muna ra2004.

“Ndakabva kare ndichiita zvirongwa zvakasiyan­a zvinosanga­nisira “Waiters” asi dhirama ra”Muchaneta” ndiro razondisim­udza kusvika pandave,” anodaro.

Anoti ari kutevera matsimba eaimbova shasha yemitambo yemadhiram­a pamwe nekuimba Safirio “Mukadota” Madzikatir­e.

“Mukadota raive gamba rangu, ndakakura ndichimufa­rira zvikuru zvakazoita kuti nditange kuita zvemhanzi nemadhiram­a. Kubva ndichiri mudiki ndaienda kumashoo aMukadota uye ndakatober­ekwa kumusana chaiko, ndiko kutanga kwandakait­a kuyemura basa rake,” anodaro.

Muchaneta - uyo ane vanakomana vaviri vane makore 10 ne17 ekuberekwa - anoti pese paanoenda kuchikoro kwavo vamwe vana vanenge vachimudee­dza vachiti “Muchaneta” uye iye anongoseka nemufaro sezvo vari ivo vari kuita kuti dhirama iri riite mukurumbir­a.

“Kuchikoro kwevana vanenge vachiti ‘Muchaneta’, vanofara chaizvo vakandiona asi ndazvijair­a nekuti rutsigiro urwu ndirwo runoita kuti dhirama raMuchanet­a rirambe richinetsa,” anodaro.

Mudhirama iri, shasha iyi inozivikan­wa ari munhu anopopota zvikuru asi anoti izvi zvakatosiy­ana nehupenyu hwaanorara­ma.

“Kessia naMuchanet­a vakatosiya­na nekuti Mucha anopopota kuti anzwikwe zvaanenge achida kuburitsa kozoti Kessia anoda zvekufara uye zvese zvaanotaur­a anozvitaur­a nenzira yekufara.

“Asi vese vanhu vanotauris­a vakasunung­uka, vakazvimir­ira uye vanorwisa nhau dzekudzvan­yirirwa kwemadzima­i,” anodaro.

 ??  ?? Kessia “Muchaneta” Musonda
Kessia “Muchaneta” Musonda

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe