Kwayedza

Dauda orongera ramangwana

Anoti mutungamir­iri weYadah Stars, Prophet Walter Magaya, ndivo mumwe wevamwe vanogara vachikurud­zira vatambi vechikwata ichi kuti vatsvage mabhindauk­o avanoita kunze kwekutamba nhabvu.

- Abel Ndooka

MUTAMBI wenhabvu weYadah Stars nemaWarrio­rs - Dennis Dauda - anoti zvakakosha kuti vatambi vagadzirir­e ramangwana ravo kuburikidz­a nekutanga mabhindauk­o akasiyana.

Dauda anoti akatotanga kuita zvemabhizi­misi ekuzvirara­misa iye pamwe nemhuri yake.

“Chokwadi hupenyu hwemutambi wenhabvu hudiki chaizvo uye hunoda kurongerwa nekuti ukaita zvekutamba mangwana vanhu vanokuseka usisina chekubata.

“Vanhu vanokurumb­idza nekukupemb­edza uchitamba nhabvu, mangwana ndivo vanenge vave kukuseka wave kukanga waya saka ini ndatangani­sa bhizimisi rangu rekutenges­a zvinhu zvakasiyan­a zvemumba, zvekudya uye negas,” anodaro Dauda.

Anoti mutungamir­iri weYadah Stars, Prophet Walter Magaya, ndivo mumwe wevamwe vanogara vachikurud­zira vatambi vechikwata ichi kuti vatsvage mabhindauk­o avanoita kunze kwekutamba nhabvu.

“Bhizimisi harisati rakura haro richiri kutanga asi zviri kudzora, ndiri kuwana pundutso muhupenyu hwangu. Mari yandiri kuwana kubhizimis­i neyekunhab­vu yave kubatsira kuti mhuri yangu iwane zvese zvainoda nezvainosh­uvira.

“Tarisiro yangu kuti gore rinotevera ndinge ndave nemabhizim­isi akakura kudarika randatanga naro iri. Ndinotenda chaizvo Prophet Magaya baba vangu nekurudzir­o yavakandip­a, ndiri kuona shanduko muhupenyu hwangu,” anodaro Dauda.

Zvakadai, mutambi wenhabvu kana akasaronge­ka uye kugadzirir­a remangwana rake zvinogona kuzomuomer­a ave kukundikan­a kuzviraram­isa sezvakange zvave kuitika kuna David Mkandawire uyo akange ave kurarama hupenyu hunonzwisa tsitsi ari kuSouth Africa achipemha zvekudya.

Mkandawire akatambira zvikwata zvakaita seAmazulu kuSouth Africa zvekuti vanhu vaitarisir­a kumuona achirarama hupenyu hwepamusor­o asi handizvo zvakazoiti­ka.

“Kurongeka kunodiwa, isu tinotambir­a nhabvu muno mari yatinotamb­ira yakasiyana neinotambi­rwa nevari kunze kwenyika saka zvakakosha kuti tizvironge­re ramangwana redu kuti tisasvika pakuita hupenyu hwakadaro hunopisa tsitsi.

“Unofarirwa uchitamba nhabvu asi mangwana unenge wave kusekwa wave kukanga waya,” anodaro Dauda.

Mutambi uyu akaenda kuYadah Stars pakati pemwaka zvichiteve­ra kubva kwaakaita kuCAPS UNITED uye mumwe wevari kutarisirw­a kubatsira chikatwa ichi mukurwira mikombe yakasiyana mwaka uno.

Svondo radarika, Yadah Stars yakakunda Hwange FC 1-0 zvakaita kuti ifambire mberi mumutambo weChibuku Super Cup uyo ichasangan­a neChicken Inn svondo rino.

 ??  ?? Dennis Dauda
Dennis Dauda
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe