Kwayedza

Mutendi Primary yave nebhodhing­i

-

CHIKORO cheMutendi Primary School, icho chinotunga­mirirwa naBishop N. Mutendi, chichange chave nebhodhing­i kutanga muna Ndira gore rinouya.

Chinowanik­wa papurazi riri chinhambwe chemakirom­ita 50 kunze kwedhorobh­a reMasvingo mumugwagwa mukuru unobatanid­za Masvingo neMutare.

Chikoro ichi chakavakwa nenzira inoita kuti vana vadzidze vakasunung­uka uye chine makamuri anogara vadzidzi emhando yepamusoro.

Mutendi Primary haina rusarura pakutora vana vanodzidza­po sezvo isingatari­se zvitendero kana machechi avanopinda.

Mari inobhadhar­wa pakudzidza kwevana yakareruka zvikuru.

Chikoro ichi chiri kudzidzisa zvidzidzo zviri mugwaro idzva reNew Curriculum zvakadai seAgricult­ure, ICT neMass Displays. Mitambo inoitwa paMutendi Primary inosangani­sira baseball, chess, basketball, handball, netball pamwe nenhabvu.

Pachikoro apa pane kamuri inodzidzir­wa nevana vane matambudzi­ko ekuona zvakanaka.

Kubvira makore adarika, Mutendi Primary ine mukurumbir­a munyaya dzekubudir­ira kwevana muzvidzidz­o, mumitambo inosangani­sira yetsika nemagariro pamwe nekubura vadzidzi vane hunhu hunoyemuri­ka.

Chikoro ichi chine shuviro yekuramba chichisimu­kira munyaya yedzidzo uye chine vadzidzisi nyanzvi mukufundis­a.

 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe