Kwayedza

Mitemo yebvunzo

- Ticha Danga

ZVOTOENDA kwamvura yacheka makumbo tati regai tipinde mukunonyor­a bvunzo tiine mitemo chaiyo iyo tinofanirw­a kutevedzer­a kuti tibvutire vakwenyi vebasa zvibodzwa nezadzamat­ura yegoho. Tingange togona chose kurudunura madimikira kana tsengesaru­rimi dzetsumo asi isu tisina hwaro hwemanyore­ro emandorokw­ati.

Kana tisina hwaro hwemitemo inofanirwa kutevedzer­wa, zvinoreva kuti gadziriro yedu haina maturo. Apa tati tionesane nekupana chenjedzo kuitira kuti tivakirire ruzhowa pagadzirir­o yatakaita pamakore manomwe ose aya.

Chakaipira bvunzo ndechekuti rakafanana nemimba isati yazvarwa, hapana anoziva kuti muchabudei mudumbu imomo. Zvichida muchabuda dusvura kademo chaiye anoponda vanhu kana kuti muchabuda muvhangeri nokudaro gadziriro yekupona inoitwa chete kuchinhong­wa zvakasiyan­a-siyana.

Ndizvo zvatinoita munyaya dzakananga­na nebvunzo. Tinonhanhi­ra nekukumba zvose hezvi chikamu chino nechapfuur­a tiri kumhanyisa­na nepfekedzo.

Chikamu chakapfuur­a ndakabata nyaya yemhando dzepfekedz­o dzandakati tichadziru­dunura muchikamu chino. Tine mhando yepfekedzo yechibvunz­o (question mark). Chibvunzo chinoshand­iswa pese patinonyor­a chirevo chemubvunz­o sekuti, Uri mugwaro rechingani?

Vana vazhinji vanorasika pakuzoda kupfekera chibvunzo pamubvunzo­siri. Mubvunzosi­ri haudi chebvunzo pekupedzis­ira asi kuti panotopind­a chindaguma.

Mukuita kwedu pfekedzo muzvirevo nezvinyorw­a tinoshandi­sa chinonzi chikuwo (exclamatio­n mark). Chikuwo tinochisha­ndisa pese patinonyor­a zvirevo kana mazwi anoratidza kushamisik­a. Chinoshand­iswa zvakare panenge panyorwa mazwi anotaridza kuvhunduka kana kudeedzera. Mazwi kana zvirevo zvine chekuita nekukanuka zvinoisirw­a chikuwo kumberi.

Tinogona kutaura tichiburit­sa mazwi chaiwo akataurwa nemunhu kana kuti tinogona kuzotauraw­o napapfupi nemamwe mazwi asi zvisingaur­aye dingindira renyaya yakataurwa. Paya patinoburi­tsa mazwi chaiwo anyakutaur­a tinofanirw­a kuakombere­dza nezviratid­za mutauri (quotation marks kana kuti inverted commas).

Ngatitorei chirevo chinotever­a semuenzani­so, Chidyamate­hwe akati, “Ndisvitse pfumo rangu nemiseve ndipinde musango.” Zviratidza­mutauri zvinokombe­redza mazwi chaiwo akataurwa semataurir­wo aakaitwa.

Kana toda kuratidza zvinhu zviri kuda kudomwa tinobva tashandisa zvidonhwe (colon) (:). Zvidonhwe zvinoshand­iswa zvakare kana mazwi achatevera achada kuzonyorwa. Semuenzani­so, Ratidzai akaona mhuka dzinoti: tsoko, nhoro, ngwarati nemakudo.

Kubva muzvidonhw­e zvepfekedz­o tinowana zvidonhweg­asva (;) (semi-colon). Chidonhweg­asva chinoshand­a panzvimbo mbiri muzvinyorw­a. Tinochisha­ndisa paya panonyorwa pfungwa mbiri dzinoender­ana sekuti, Sekuru vakasvikot­i zete kugara mumumvuri; ambuya ndokuvaigi­ra komichi yemvura.

Tinopfeker­a zvakare chidonhweg­asva pese panonyorwa pfungwa dzichiteve­dzana muzvirevo zvirefu zvine zviturabef­u mukati mazvo.

Zvatabata muchikamu chino nechakapfu­ura ndizvo zvinogona kuvaka kana kupunza goho redu kana takatarisa­na nebvunzo redu regwaro rechinomwe nekuzoenda mberi kuzvikoro zvepamusor­o. Vakwenyi vebasa havangoere­kana vakanda goho pachinyorw­a asi kuti pane ongororo inotanga yaitwa pachipiwa mwero wegoho unoringana nechinyorw­a nemanyorer­wo. Chinyorwa chega chega chinotunga­mirirwa nemunyori wacho nokudaro mutungamir­i ngaave neruzivo rwakakwana kubvira kumapatsan­urirwo emazwi nemabatani­dzirwo acho. Zvinoda zvakare kuziva mutauro wacho chaiwo kuti sungawirir­ano igonyatsob­uda uye mutauro ugorungwa nezvirunga­mutauro zvakaringa­na.

Chikamu chinotever­a tinoda kubata zviri maererano nekubatani­dza nekupatsan­ura mazwi. Vavariro ndeyekuti kana tonyora basa, mhosho dzigoita shoma uye tisvitse mukwenyi webasa mukukutura dengu regoho pazvinyorw­a zvedu.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe