Kwayedza

Madora kudya namambo

-

MADORA kudya kunonaka, kuchivaka muviri uye kunogara kwenguva refu kusina kuwora nokudaro akakosha zvikuru kutakura sembuva kana uri parwendo.

Svondo rino Tendai Chandipwis­a wekuChired­zi anotitsana­ngurira nezvemabik­irwo emadora.

Zvinodiwa: Madora, munyu, mafuta kana dovi nemhiripir­i

Mabikiro: Fashaidza makomichi mana emvura.

Nyika madora mumvura inopisa kwemaminit­si angaite gumi.

Geza madora, uchaona achibuda mvura yakatsvuku­ruka.

Ramba uchiageza uchirasa mvura kusvika achena.

Chitora madora woisa mumvura shoma ine munyu nemhiripir­i. Kwatisa kudakara mvura yapera.

Wozodii?

Isa mafuta mupani woisa pamoto. Kanda madora uchiakanga kusvikira asara asisina hunyoro hwakanyany­a.

Kana uchida ane dovi, kurungira dovi mumvura wokanda madora ako. Siya achifashai­ra kusvika aita muto wakakora.

Kana zvadai, chibura hako uzvirume rurimi nemhuri. Madora anogona kudyiwa akadaro kana kuti nesadza sesarudzo yako.

◆ Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude panhamba dzinoti +263 713 411 281.

 ??  ?? Madora anogona kudyiwa nesadza ripi zvaro
Madora anogona kudyiwa nesadza ripi zvaro
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe