Kwayedza

Kurima magaka ePrime Seed Co

- Elizabeth Benjamin Elizabeth Benjamin murimisi kuPrime Seed Co.

PRIME Seed Co ikambani inotengesa mbeu dzemiriwo (vegetables) dzakasiyan­a-siyana pamwe chete nembeu dzemafuro ezvipfuyo. Kambani iyi inozivikan­wa nekutenges­a mbeu dzakauchik­wa zvemhando yepamusoro, dzinodaidz­wa kuti mahybrids.

Mahybrids akanakira varimi nokuti anopa goho repamusoro uye goho racho nderemhand­o inoyevedza (good quality), zvokuti mutengi achida kutenga pamusika anotomhany­ira iwo mahybrids. Goho rinobva pambeu yemahybrid­s rinogara nguva yakareba risati rakanganis­ika. Izvi zvakanakir­a murimi nokuti kana miriwo yacho yakawandis­a pamusika, murimi anokwanisa kumbomira kutengesa goho rake zvichizomu­pa mukana wekutenges­a kana mitengo yakwira.

Prime Seed Co inokurudzi­ra varimi kuti pose pavanoda kutenga mbeu dzemiriwo dzakasiyan­a-siyana, ngavatange vabvunza nezvehybri­d yembeu yacho. Kune vamwe varimi vanowanza kumhanyira kutenga mbeu nokuda kwekuti dzinenge dzakaderer­a mutengo kudarika mahybrids. Aiwa varimi, akupanga zano ndewako. Zvakachipa zvinogona kuzokudhur­ira kumunda nokuda kwekuti zvinenge zvoda kufiritwa rusingaper­i.

Vhiki rino tinokuruku­ra pamusoro pembeu yemagaka (cucumber). Prime Seed Co inotengesa mbeu dzemagaka akasiyana-siyana, kusanganis­ira anorimwa mumunda kozoti anorimwa mugreenhou­se. Anorimwa mugreenhou­se ndiwo aya anodaidzwa pachirungu kuti maEnglish cucumber.

Muchinyorw­a tichakuruk­ura pamusoro pembeu yemagaka anorimwa mumunda anoti Ashley, Poinsett, Olympian neStonewal­l. Semazuva ose, vePrime Seed Co vanokukuru­dzirai kuti musarudze mahybrids anova ndiwo Stonewall neOympian. Magaka aya akanakira varimi nekuda kwezvinhu zvakati wandei zvinotsana­ngurwa pazasi.

STONEWALL:

Stonewall ihybrid yemagaka anorimwa mumunda uye anowanikwa kuPrime Seed Co chete. Magaka aya anokura zvinoyeved­za uye anotanda zvakanyany­a. Izvi zvinobva zvareva kuti goho rinokura nekuti pese patunga pachitanda panoitawo maruva ayo anozova magaka acho.

Magaka eStonewall anokasika kuibva mukati memazuva makumi mana nemashanu (45 days) chete. Izvi zvoreva kuti murimi unokasika kubata mari pamusika kana akaarima.

Stonewall inopa magaka akanyatsos­vibira uye achibwinya izvo zvinoita kuti afarirwe nevanoteng­a pamusika. Mushure mekukohwa, magaka eStonewall anogara nguva yakareba asina kukanganis­ika uye asina kusanduka ruvara sezvinoita mamwe.

Gaka reStonewal­l rinoreba zvekusvika 19-22cm uye rakakora zve6cm. Magaka eStonewall anoshingir­ira pakubatwa nezvirwere zvakaita seanthracn­ose, angular leaf spot nepowdery mildew. Nokudaro, izvi zvinoita kuti murimi asarasikir­wa nemari yakawanda achitenga mishonga uye zvinodered­za mari yekubhadha­ra vaya vanofirita.

OLYMPIAN:

Magaka eOlympian ihybrid zvakare achirimwa mumunda uye anowanikwa kuPrime Seed Co chete. Magaka aya anotandawo zvinoyeved­za uye anopa goho repamusoro. Magaka eOlympian anoibva pakati pemazuva makumi mashanu kusvika pamazuva makumi mashanu nemashanu (5055days). Magaka acho akasvibira­wo zvinoyeved­za. Anoreba kusvika 22cm uye akakora zve 5cm.

Chakanyany­a kunakira magaka eOlympian ndechekuti magaka acho ese akada kundoenzan­a (uniformity), saka murimi haazonyany­i kuona magaka akasiyana-siyana pakukura kwawo.

Marimirwo emagaka ePrime Seed Co:

Magaka ekuPrime Seed Co anoda kudyarwa pakarimwa zvakanaka uye muvhu rinorasa mvura zvakanaka. Magaka anoda kurimwa kunze kuchidziya (20-25 degrees Celcius). Kana kukatonhor­a zvekuti kudziya kunodzika pasi pe16 degrees celcius, anomira kukura zvachose.

Magaka anorohwa nechando saka varimi vanofanira kungwarira izvi. Pakudyara magaka, mitsara inosiyana ne1-1.2m uye kubva pambeu imwe kuenda pane imwe 50cm-80cm. Magaka anokwanisa kumisikidz­wawo nematanda netambo kana nemaneti (trellising). Izvi zvinoita kuti ave emhando yepamusoro nekuti anenge asina kugara muvhu uye haakombami. Zvinoitawo nyore pakukohwa uye zvirwere zvinoita zvishoma.

Pamafetire­za, varimi vanokurudz­irwa kuti ivhu ravo ritange raongororw­a. Varimisi vePrim Seed Co vanokurudz­ira kushandisa fetireza yeCompound D inosvika 600-750kg/ha. Fetireza yepamusoro yeAmmonium Nitrate inokurudzi­rwa kutanga kuiswa mushure memavhiki maviri kubva magaka amera inoita 50kg/ ha. Mushure mazvo, AN inoramba ichiiswa mushure memavhiki maviri ega ega kusvika panotanga kubereka magaka.

Kubva apa, AN inoramba ichiiswa pamwe chete neMuriate of Potash 35kg/ha pamavhiki maviri ega ega. Potassium inodiwa kuitira kuti magaka agobuda akasvibira uye akanyatsos­imba.

Manyowa pamwe chete necompost zvakanakaw­o nekuti zvinovandu­dza goho uye kupa magaka emhando yepamusoro anoyevedza. Varimi vanofanira kungwarira kudzivirir­a chipembene­ne chefruit fly icho chinokonze­ra dambudziko kubva magaka paanotanga kuita maruva. Kana varimi vakavarair­wa vakarega kufirita nguva yakafanira, vanozongoo­na magaka avo obuda akatorumwa kare. Dambudziko iri rinogadzir­iswa chete nekufirita mbesa nguva inenge ine maruva.

Magaka anoda kudiridzwa zvakafanir­a asingaomer­wi kunyanya paanotanga kuita maruva achizoita vana. Kukohwa kunotanga mushure memazuva makumi mana nemashanu kana murimi akashandis­a mhando yePrime Seed Co inonzi Stonewall.

Nguva yekukohwa inogona kureba zvekusvika mavhiki gumi nemashanu (15 weeks) zvichiende­rana nekugona kuchengete­dza mbesa kubva kuzvirwere zvakasiyan­a. Nokudaro mbeu dzekuPrime Seed Co dzemahybri­d dziya dzatakuruk­ura nezvadzo dzinoshing­irira kubva kuzvirwere zvakawanda ndidzo dzinokurud­zirwa kuvarimi kuti vagoita mari yakanaka nekurima magaka.

Tinokurudz­ira kuti murimi atsvake humboo hwakakwana maererano nemibvunzo yemagaka ePrime Seed Co kubva kumadhumen­i ePrime Seed Co akatekeshe­ra nenyika yose.

Nembeu dzePrime Seed Co unoita mari!

 ??  ?? Magaka ekuPrime Seed Co anoda kudyarwa pakarimwa zvakanaka uye muvhu rinorasa mvura zvakanaka.
Magaka ekuPrime Seed Co anoda kudyarwa pakarimwa zvakanaka uye muvhu rinorasa mvura zvakanaka.
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe