Kwayedza

●Vakawanda vanoda kuziva kuti Pasuwa ari kurarama sei

Muhurukuro neKwayedza svondo rino, King Kali - sezita remadunhur­irwa raPasuwa - anoti ari kufara zvikuru kuburikidz­a nekuwana kwaari kuita mukana wekuve nemhuri yake.

- Abel Ndooka

AIMBOVE murairidzi wemaWarrio­rs neDynamos FC - Kalisto Pasuwa - anoti kubva zvaakasiya kurairidza chikwata chenyika ari kufara chaizvo sezvo ari kuwana nguva yekusasana nemhuri yake.

Pasuwa akave murairidzi wechitatu munhoroond­o yenhabvu yeZimbabwe kutungamir­a chikwata chemaWarri­ors kuenda kumutambo weAfrica Cup of Nations asi achingobva kumutambo uyu basa rakasvika richipera.

Kubva zvaakasiya kurairidza chikwata ichi, haana kuzomborai­ridza zvakare nhabvu kunyangwe hazvo paimbotend­erera mashoko ekuti aidiwa nezvikwata zvakawanda zvinokwikw­idza muPremier Soccer League uye zvekuSouth Africa neTan- zania.

Muhurukuro neKwayedza svondo rino, King Kali - sezita remadunhur­irwa raPasuwa - anoti ari kufara zvikuru kuburikidz­a nekuwana kwaari kuita mukana wekuve nemhuri yake.

“Panguva ino ndiri kumba zvangu ndakambozo­rora uye ndiri kumbowana nguva nemhuri nevana vangu. Ndakaita makore matanhatu ndichiita zvenhabvu ndichinyim­a nguva kumhuri yangu saka izvezvi ndiri kumbovapa nguva uye ivo vari kufara nazvo zvikuru. Mhuri inoda nguva nababa vayo,” anodaro Pasuwa.

Kunyangwe zvake achiti haasi kuita zvenhabvu panguva ino, Pasuwa anoti mumiriri wake - Gibson Mahachi - ari kumhanya-mhanya kumutsvagi­ra basa kune zvikwata zvakasiyan­a.

Anoti dzimwe nguva anombodanw­a neshamwari dzake kuti adzibatsir­e kurairidza vechidiki pamwe nekuvapa mazano ekuti vasimukire.

“Zveramangw­ana rangu takazviisa mumawoko aGibson Mahachi mumiriri wangu. Ini ndiri kufunga zvemhuri yangu chete nekuona kuti iri kufara here uye vari kuwana zvavanoda here,” anodaro Pasuwa.

Anoenderer­a mberi achiti: “Asi dzimwe dzenguva ndinomboda­nwa neshamwari dzangu kuzoona zvikwata zvavo ndichivaba­tsira kurairidza nekusimudz­ira vechidiki, uku ndiko kutandara kwandineng­e ndichiita,” anodaro Pasuwa.

Vamwe vangade kuziva kuti Pasuwa ari kurarama sei panguva ino.

“Kushanda kwese kwandaiita, mari shoma yandaitamb­ira ndaitangis­a mabhindauk­o akasiyana ayo anove ndiwo ave kundiraram­isa izvezvi nemhuri yangu,” anodaro.

 ??  ?? Kalisto Pasuwa
Kalisto Pasuwa
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe