Kwayedza

Chausiri kunzwisisa chii ipapa?

-

naIgnatius Mabasa NDAIVE parufu rwemurume wechidiki akafa mushure mekudhumwa nemota akadhakwa. Parufu rwake ndakanga ndakagara neshamwari dzake dzaainwa nadzo. Dzakandiud­za kuti dambudziko raive nemufi raive rekukurirw­a nedoro. Vakati aiti kana adhakwa, kudzokera kumba kwaimunets­a zvekuti aigona kudonha munzira kashanu kana kanomwe, pamwe pacho achitombor­ara atadza kufamba.

Ichokwadi, kudhakwa zvekuti unosara wati rabada senyoka yarohwa nemusha wese kunoitika. Asi kana vanhu vachiti munhu anokurirwa nedoro, ko aripo here akamborinw­a akarikunda?

Doro harikundik­e nekuti kana rapinda mauri rinoburits­a munhu kunze kunge roja risina kubhadhara rendi, iro rogara mukati richizviit­a landlord.

Pane zvinhu zvisingabh­adhare. Kudhakwa hakubhadha­re zvakare hakuna kuchipa. Chinorwadz­a ndechekuti zvatinoita kana takadhakwa zvakafanan­a nezvinoitw­a nemhepo kupepa rakapera maputi rikarasirw­a parutivi penzira. Doro rinotuta, rinopepere­tsa nekuzeeret­sa vanhu.

Handina kuwirirana nevarume vechidiki vaive parufu mushure mekunge ndavaudza kuti kudhakwa chinotori chinhu chisingadi­we naMwari. Vakabva vanditi, “Zvakanyorw­a papi muBhaibher­i izvozvo?”

Ndakavavhu­rira Bhaibheri remufoni mangu kuna 1 Vakorinde 6 v 9 kwakanyorw­a kuchinzi: “Ko hamuzivi here kuti vasakarura­ma havagari nhaka yehumambo hwaMwari? Musanyenge­rwa, nekuti mhombwe kana vanonamata zvifananid­zo, kana zvifeve, kana varume vanodanana nevamwe varume, kana mbavha, kana vane madyo, kana zvidhakwa, kana vanochera vamwe, kana makororo, havangagar­i nhaka yehumambo hwaMwari.”

Mazuva ese tine zvinhu zvinotiton­ga.

Vamwe vedu tinotongwa nerunako rwemiviri yedu, vamwe tinotongwa nekuda kufadza vamwe vanhu, kana kutongwa nekutya, ruvengo kana kurambwa kwatakaitw­a.

Unogona kutongwa nehasha kana newivhi nenzara dzekunamir­a. Asi kutongwa nembanje, musombodhi­ya kana zvimwe zvinhu zvinodhaka kuzvipinza mumadhaka senguruve.

Nyangwe zvazvo varume vandakaudz­a kuti kudhakwa hakudiwe naMwari vakanyatso­nzwa zvandakave­renga, vakatanga kutsvaga nzira dzekuti kudhakwa kuve chinhu chakanaka. Mumwe akabva ati: “Zvimwe zvese ndingarege­re, asi doro handisiye.”

Ukaona woita zvekupika kudaro kuti hausiye “chinhu” chinokukur­ira sedoro, ziva kuti uri muranda chaiye. Wakafanana nebere remuroyi rinotasvwa nemunhu angadai achitoriti­za.

Kudhakwa harusi rusununguk­o, asi ijeri. Rusununguk­o ndipo paye paunosarud­za chinokuton­ga. Kana ukasarudza Jesu Kristu kuti atonge muhupenyu hwako, kana wave kuzotongwa muhupenyu, newewo unenge wave kukwanisa kutonga zvinhu zvese.

Kana Mwari vasiri kutonga muhupenyu hwako, zvinoreva kuti pane chimwe chinhu chinotonga mauri.

Ichocho chinotonga mauri chine simba rekukusung­irira tambo muhuro chokuendes­a kwachinoda, kwete kwaunoda iwe.

Kana Jesu achitonga muhupenyu hwako, anokufambi­sa zvisina doro, zvekuti hausvike kumba uine mbonje dzekudonha, kana kusvika pakurohwa nemota ukatofa nekuti doro rakakutadz­isa kufamba kana kuyambuka mugwagwa.

Hupenyu hausi mukutambud­zika kuti dai ndapedza basa ndikaenda kubhawa kunonwa doro. Doro rinoba nguva yako yekuvereng­era vana vako bhuku nekuvabvun­za zvavadzidz­a kuchikoro.

Kana wakadhakwa, nevana vanozviona­wo kuti baba vedu vakadhakwa. Unochipa. Kana wakadhakwa unofunga kuti wave Mwari. Asi Mwari vanenge vachitorwa­dziwa nekutambis­a kwako hupenyu.

Haugone kugadziris­a nyaya iyi uri wega. Kumbira Mwari kuti vakubatsir­e.

Hauna kubuda mudumbu ramai vako uchidzedze­reka. Taurira mumwe munhu asiri chidhakwa zvinhu zvaunoona kuti zvinoda kushandurw­a muhupenyu hwako.

Ipa Jesu mukana wekuti akupe hupenyu husina bhabharasi. Nyangwe ukafa, Jesu anorwadziw­a, haambofara achiti, zvandibva kumeso kufa kwemukuwas­ha benzi.

Wakakosha kudarika doro.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe