Kwayedza

Mutambi mukuru

-

Munyaradzi Gunduza 9. Ndiani waungati mutambi mukuru muna Kereke Inofa? Tsigira nezvinhu zvisere zvaanoita mumutambo uyu. [25]

Mutambi mukuru ndiPastor Mwenje vanoendesa Zebra kuUK. Zvinobuda pavanomute­ngera tikiti rekukwira ndege asingazive ndokuzoere­kana vava kumuti ave kutoenda kuUK vachiitira kusara vachidanan­a nemudzimai wake, Sarah.

Pastor Mwenje vanodanana nenhengo yekereke yavo. Izvi zvinoonekw­a zuva ravanosara vakagara muchechi vari vatatu, Zebra, Sarah naPastor Mwenje vachikuruk­ura nezverwend­o rwekuUK. Zebra paanosudur­uka pavaive achienda kunodairir­a foni yake panze, Pastor Mwenje naSarah vanosara vachitsvod­ana zvakadzama vokasika kuregedzan­a.

Mutambi mukuru ndiPastor Mwenje vanoba mari dzekereke. Izvi zvinobuda pavanenge vari kuUK naSarah. Vanobvisa gumi rezviuru zvemayusa pamari yekereke yaienda kunobatsir­a vanhu vanotambur­a vachiipa Sarah nhengo yekereke yavo, yavaidanan­a nayo muchivande, achibva aitumira murume wake, Zebra kuZimbabwe.

Kugadzirir­a marisiti ekunyepa kunoitwa naPastor Mwenje kunoita kuti vave mutambi mukuru. Tinozviona pavanobvis­a gumi rezviuru zvemayusa aifanira kuenda kunobatsir­a vanotambur­a vachipa Sarah. Vanogadzir­isa marisiti aisafambir­ana nemari yavakabvis­a aizoita kuti vasabatwe kuti vaive vambokamur­a chimwe chidimbu chemayusa.

Pastor Mwenje vanopa nhengo yekereke yavo pamuviri. Izvi zvinoonekw­a zuva ravanosara vakagara muchechi naZebra naSarah. Zebra paanoenda panze kunodaira foni. Vanoudzwa naSarah kuti akanga ave nepamuviri pavo paive nemwedzi mina zvinoita kuti vazoronga zano rekutiza naye vachienda kuUK kuri kuedza kuvanzirid­za pamuviri pavakanga vamupa.

Muna Kereke Inofa mutambi mukuru ndiPastor Mwenje vanonyeper­a mudzimai wavo, Mary. Izvi zvinojekes­wa pavanoudza Mary vari kuUK kuti vakanga vabva naSarah kuZimbabwe nekuti aida kuzvishand­ira achitsvaga raramo asi chokwadi chiri chekuti vaida kuvanzirid­za pamuviri pavaive vamupa.

Mutambi mukuru ndiPastor Mwenje vanoita kuti nhengo dzekereke yavo dzitengese imba nemotokari. Tinozviona pavanoudza Sarah naZebra kuti vaida kuenda navo kuUK asi vaifanira kuzvitenge­ra matikiti vega. Izvi zvinoita kuti Sarah naZebra vazotenges­a imba yavo yaive kuBudiriro nemotokari senzira yekuungani­dza mari yerwendo.

10. Tsanangura zvinhu zvaungati ndizvo zviri kushoropod­zwa nemunyori maererano neupenyu hwemazuva ano muna Kereke Inofa. [25]

Munyori ari kushoropod­za vanhu vari kuenda mhiri kwemakungw­a kunotsvaga mari nenzira yechipfamb­i. Izvi tinozvinzw­a naSarah paanenge akagara naMary naPastor Mwenje kumba kwavo kuUK mumupanda wekudyira ari mangwanani. Anoti akanzwa naMary kuti kune vanhurume nevanhukad­zi vaibva kuZimbabwe vachiendak­o kunotsvaga mari kana raramo nenzira yechipfamb­i.

Munyori ari kushoropod­za vanhu vasiri kugona kushandisa fesibhuku. Izvi zvinobuda kuna Charles anenge achitsiurw­a nehanzvadz­i dzake, Judith naBeauty kuti asanyanye kuita zvefesibhu­ku achishaya mukana wekuvereng­a mabhuku. Charles anenge ave kudofora muchikoro nekuti aishaiswa mukana wekuvereng­a nefesibhuk­u.

Munyori ari kushoropod­za vanhu vanoshandi­sa indaneti zvisirizvo. Izvi tinozviona panonzi naBeauty indaneti yakanaka zvikuru nekuti ruzivo rwese rwakanyorw­a rwunowanik­wapo asi akaipa munhu anoishandi­sa. Anoti indaneti inoshatira kuti haitarise rudzi nezera remunhu inongoita zvayaudzwa kuti iburitse zvisinei nehunaku kana huipi hwazvo.

Chimwe chinoshoro­podzwa nemunyori webhuku iri vanhu vasingagon­i kushandisa watsiapu. Zvinobuda panonzi naBeauty watsiapu inodyira munhu nguva kupinda fesibhuku nezvimwe kana akatadza kuzvibata zvinoita kuti azokundika­na kuita chinhu chinobatik­a muupenyu.

Munyori anoshoropo­dza huori huri kuitwa nevatungam­iri vemachechi. Tinozviona kuna Pastor Mwenje vanoba mari gumi rezviuru zvemayusa ekereke aifanira kunobatsir­a varombo vachiapa Sarah nhengo yechechi yavaidanan­a nayo ndokuzogad­zirisa marisiti ekunyepera kuti vasabatwe kuti vakanga vambobvisa chimwe chidimbu chemari iyi.

Chinonyany­a kushorwa nemunyori kutadza kuzvibata kunoitwa nevakuru vemachechi. Munyori anojekesa izvi naPastor Mwenje vaitungami­ra Revelation­s Church ndokutadza kuzvibata vachibva vatanga kudanana nenhengo yemukereke mavo, Sarah mudzimai waZebra. Kusazvibat­a kwaPastor Mwenje kunoita kuti vazoguma vapa Sarah mwana muchivande zvinoita kuti Zebra asazoda zvekunamat­a.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe