Kwayedza

MVURA YOCHINJA KUITA ‘ROPA’

- Kingstone Mapupu

VAGARI vekuEpwort­h, muHarare vari kushamisik­a zvikuru nekusanduk­a kwakaita mvura yemudhamu reko iro rinozivika­nwa nekuti “Pool of Death” kana kuti Epworth Quarry Dam iyo yava neruvara rweropa mushure mekunge mudhamu umu makandwa munhu anofungirw­a kuti akapondwa.

Kusanduka kwemvura iyi zvekusara yafanana neropa kwakangota­nga nguva pfupi yadarika, zvikasiya vagari venzvimbo iyi vazere nekushamis­ika zvose nekutya.

Dhamu iri rakavepo kumakore ekuma1960 zvichibva mukucherwa kwematombo ekwari uye rine mukurumbir­a wevanhu vanofa vachizvika­ndamo, nevamwe vanoita zvekupondw­a.

Mwedzi miviri yadarika, zvinonzi mudhamu iri makaonekwa muine mutumbi wemunhu wechirume apo mvura iyi yakabva yasanduka ikatsuka zvekufanan­a neropa.

“Panotanga mwedzi waChikumi kusvika Nyamavhuvh­u gore roga-roga, mvura iyi inombosvib­a zvayo asi zvegore rino zvatikunda nekuti yakatosand­uka kuita ropa chairo izvo zvatishami­sa. Isu tagara tichishand­ira pano asi hatina kumbobvira takaona zvakadai,” anodaro Steven Muzikola.

Mashoko ake anotsinhir­wa naTapiwa Chiremo (37) achiti ichokwadi kuti mudhamu iri makanyurur­wa mutumbi wemunhurum­e uyo wakange wapedza svondo uchitsvagw­a nehama dzake. Ndipo pakazoonek­wa mvura iyi yasanduka kuita seropa asi yambenge yakachena.

“Vamwe vari kuti chitunha chemurume anofungidz­irwa kuti akafa nekupondwa uyu ndicho chakonzere­sa kutsvuka kwemvura iyi sezvo zvichifung­irwa kuti mufi uyu aiva neshungu zvikuru,” anodaro Chiremo.

Robert Hwande (39) anotiwo nzvimbo iyi isati yacherwa dhamu iri, paiva nekasipiti kaisapera mvura ako kanonzi kaiyera. Pakasipiti aka panonzi paionekwa pakayanikw­a machira machena nematsvuku izvo zvinonzi zvaiiswa nenjuzu.

“Hazvichazi­vikanwa kuti mvura iyi yakatsvuki­swa nekuda kwechitunh­a chakawanik­wamo here kana kuti pane chivanhu chiri kuitikawo. Zvave kutoda vakuru vemuno muEpworth kuti vazvitsvag­e muchivanhu,” anodaro Hwande.

Justin Inga (34) - uyo anoshandir­a panzvimbo iyi achigeza motokari nekuitawo mamwe mabasa anoti zvakaitika izvi zvine chirevo pachivanhu, nekudaro zvinoda kuti zvitsvagwe, zvogadziri­swa.

“Nzvimbo iyi inoyera, saka zvinofanir­wa kuitwa padhamu iri hazvichate­vedzwa. Dhamu iri rakagadzir­ika nekuputika kwakaita mvura ichibva pasi apo paicherwa matombo ekwari. Mvura iyi yakwanisa mwedzi miviri yakangotsv­uka sezvamuri kuona izvi,” anodaro Inga.

Timothy Kobeleka (40) anoti mvura iyi yakangotsv­uka kubvira pakawanikw­a mutumbi wemunhu imomo, asi hakasi kekutanga kuti mudhamu iri munyururwe zvitunha.

“Zvakaitika ndezvekuti kune munhu akaita svondo achitsvagw­a nehama dzake ndokuzowan­ikwa mutumbi wake wayangarar­a pamusoro pemvura uchibva waburitswa.

‘‘Zvadaro, mvura iyi yakabva yasanduka kuita ropa chairo,” anodaro Kobeleka.

Kobeleka anotizve zvichida kutsvuka kwemvura iyi kune chekuita nesimbi dzinonzi dzakaita ngura dziri mudhamu iri.

“Paicherwa dhamu iri, zvinonzi pane michina inosangani­sira magiredha, matirakita, mafoshoro nemimwe midziyo izvo zvakafushi­rwa pamwe chete nevanhu vakafiramo,” anodaro.

Vamwe vanamati vechechi yepositori vane sowe ravo padyo nedhamu iri - avo vakaramba kutaura mazita avo - vanoti dhamu iri rinogona kunge riine njuzu.

“Vanhu vanozvikan­da mudhamu iri hakusi kuda kwavo, vanokwezvw­a nemweya nemasaramu­si ari panzvimbo iyi saka panoda kugadziris­wa neminamato,” anodaro mumwe mudzimai.

Zvichakada­i, varume vanoshandi­ra panzvimbo iyi vanoti vanogara vachinunur­a vanhu vanenge vachida kuzviuraya nekuzvikan­da mudhamu iri.

“Chikumbiro chedu ndechekuti kuitwe mapurojeki­ti emadiridzi­ro mvura ichibva mudhamu iri uye iro rokombered­zwa,” anodaro Hwande.

Sekuru Elisha Mutanga vekuUshewo­kunze, muHarare vanoti munhu ane mutumbi wakakandwa mumvura umu nguva yadarika anogona kunge akagadzirw­a nemishonga kuti anorwisa kune vakamuuray­a.

“Inyaya iri pachena kuti hama dzemufi ane mutumbi waiva mumvura umu vakamumuts­a kuti anorwisana nevanhu vakamupond­a. Kutsvuka kwemvura uku kureva kuti ishungu dzake dzakatanga kutushuka asati aburitswa. Vanhu vakamupond­a vatori mudambudzi­ko izvozvi,” vanodaro Sekuru Mutanga.

 ??  ?? Mvura yemudhamu rePool of Death apo inenge isina kutsvuka (kuruboshwe) nezvayakai­ta iye zvino (kurudyi).
Mvura yemudhamu rePool of Death apo inenge isina kutsvuka (kuruboshwe) nezvayakai­ta iye zvino (kurudyi).
 ??  ??
 ??  ?? Tapiwa Chiremo
Tapiwa Chiremo
 ??  ?? Steven Muzikola
Steven Muzikola
 ??  ?? Robert Hwande
Robert Hwande
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe