Kwayedza

Cancer: Vhenekwa nguva ichiripo

-

CHIRWERE chegomarar­a (cancer) chiri kushunguru­dza vanhu vakawanda munyika muno, vangave vanhurume kana vanhukadzi.

Izvi zvasiyana nakare apo gomarara rainyanyoz­ivikanwa sechirwere chinobata vanhukadzi chete.

Mhando dzegomarar­a dzinobata vanhukadzi dzinosanga­nisira remuchiber­eko nerezamu. Nerimwewo divi, vanhurume vanowanzob­atwa negomarara redundiro. Kune dzimwewo mhando dzegomarar­a serinobata ganda remunhu nedzimwe nhengo dzakasiyan­a.

Nekuda kwemamirir­o ezvinhu aya, zvakakosha kuti munhu wose ange achiongoro­rwa gomarara nguva ichiripo kuitira kuti arapwe chirwere ichi chisati chadingind­ira mumuviri.

Zviri nyore kurapa gomarara richatanga kana zvichienza­niswa neapo rinenge ragodza mumuviri. Asi kazhinji, vanhu vakawanda havachimbi­dze kuenda kunovhenek­wa kuzvipatar­a nekuda kwezvikonz­ero zvakasiyan­a.

Ongororo yakaitwa nesangano reCancer Associatio­n of Zimbabwe inoratidza kuti munyika muno chikamu che81% chechirwer­e chegomarar­a chiri kuzoonekwa papera nguva refu zvinova zvinodered­za mikana yekuti murwere arapwe achipora. Kana gomarara rikanonoke­rwa, rinokonzer­a matambudzi­ko makukutu sekuti munhukadzi anogona kubviswa zamu kana chibereko. Nerimwewo divi, munhurume ane gomarara redundiro kana akanonoka kunoongoro­rwa anogona kupedzisir­a obviswa dundiro, zvichireva kuti anenge ave kurasa mvura achishandi­sa machubhu, unove mutoro chaiwo.

Zvakakosha kuti veruzhinji vawaniswe ruzivo rwakadzama pamusoro pegomarara, kusanganis­ira zviratidzo zvacho, kuitira kuti vanhu vakasike kunovhenek­wa kana vakaita fungidziro yekuti vane chirwere ichi.

Tinodaro nekuti kana gomarara rikaonekwa nekuchimbi­dza, rinokwanis­a kurapwa zviri nyore. Zvisinei, vanhu vakawanda vanomirira kusvika rave padanho rakaipa izvo zvinozokon­zera rufu nekuda kwechirwer­e ichi.

Kuvanhurum­e, nyaya dzechivanh­u kana kuti tsika nemagariro dzinodered­za mikana yekuti vange vachibuda pachena kana pane zvinenge zvichivane­tsa. Izvi zvinodaro nekuti vanhurume vanozvishi­ngisa kunyangwe vachinetsw­a nemarwadzo nekuti zvinonzi murume chaiye haafanire kuratidza kuti anorwadziw­a.

Semaonero edu, zvakakosha kuti vanhurume vasiyane nepfungwa dzakadai uye vochimbidz­a kunovhekwe­ka nanachirem­ba vakadzidzi­ra basa kana vaona zvavasinga­nzwisise zvave kuitika pamuviri pavo.

Vanhurume vose vane makore 40 okuberekwa zvichienda mberi, vanokurudz­irwa kunovhenek­wa gomarara pagore.

Nedonzvo rekurwisa chirwere chegomarar­a kuvanhukad­zi, kune dzimwe nzvimbo dzavari kuongororw­a pachena.

Nzvimbo dzakadai dzinosanga­nisira pachipatar­a cheMpilo Central Hospital, kuBulawayo. Chipatara ichi nguva pfupi yadarika chakatenge­rwa muchina unodaidzwa kuti MAMMOGRAM unokosha $500 000 nekanzuru yeNational Aids Council nechinangw­a chekurerut­sira varwere vegomarara rezamu kuburikidz­a nekuvavhen­eka pachena.

Zimbabwe yose ine michina mitatu yerudzi urwu – uri kuParireny­atwa Group of Hospitals muHarare, uri kwaMutare nemutsva wakakumiki­dzwa kuMpilo. Zvakakosha kuti veruzhinji vatore mikana yekuvepo kwemichina yakadai vachiongor­orwa gomarara nguva ichiripo.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe