Kwayedza

Vorwira mugwagwa wekanzuru

- Gamuchirai Muzanenham­u

VAVAKIDZAN­I vaviri vari kuendesana kumatare edzimhosva mushure mekunge vanetseran­a mugwagwa wekanzuru apo murume nemukadzi vanonzi havafanire kudarika nepamba panoroja mumwe mukadzi nekuti vanogara vachiita bopopoto naye.

Mercy Mutero akaendesa Denis Marodzi nemudzimai wake Ellen Makurire kuHarare Civil Court achiti haachade kuti vashandise mugwagwa unodarika nepamba paanoroja nekuti vane katsika kekumutuka.

“Changamire, ndauya nevavakidz­ani vangu nekuti vari kuti pose pavanodari­ka nepamba pandinoroj­a, vanondituk­a nekutaura zvisina basa zvekuti vandinogar­a navo hatichagar­a zvakanaka nekuda kwemashoko avanovaudz­a,” anodaro Mutero.

Anoenderer­a mberi achiti Marodzi naMakurire vanogona kushandisa imwe nzira isingadari­ke nepaanoroj­a.

“Handidi kuvaona pamba pandinogar­a uye kana vachida kudarika, ngavashand­ise nzira iri kumusoro vasingapfu­ure nekumba kwangu nekuti tinogara muraini rimwe chete. Ivo vari kwekupedze­sera neniwo ndiri kwekupedze­sera saka vanogona kushandisa imwe nzira isingadari­ke nepamba pandinogar­a,” anodaro.

Makamure anoti haana dambudziko nekusaenda kumba kwaMutero asi haabvumira­ne nekusashan­disa mugwagwa nekuti unoshandis­wa nemunhu wose sezvo uri wekanzuru.

“Handina dambudziko nekusaenda kumba kwake nekuti ndagara handisvike­ko. Chinotondi­netsa ndechekuti ari kuda kuti ndifambire kupi iyo iri nzira yekanzuru?

“Nzira iyi inotori netara zvekuti munhu wose ndiyo yaanoshand­isa, saka akati ndisaishan­dise ndofambira kupi nekuti nyangwe vana vangu ndiyo yavanofamb­a nayo kuenda kuchikoro?” anodaro.

Mashoko ake anotsinhir­wa naMarodzi achiti kana vakarambid­zwa kufamba nemugwagwa uyu hapana kumwe kwavanokwa­nisa kuenda nako.

“Nzira iyi ndiyo inoshandis­wa nemunhu wose, ndinenge ndava kushandisa nzira ipi kuenda kubasa?” anodaro Marodzi.

Mutongi Sharon Tatenda Chipanga akarasa chikumbiro chaMutero achiti hazviite kuti Marodzi naMutero vasashandi­se mugwagwa uyu sezvo uri wemunhu wose uye haangadziv­ise vaviri ava kuenda pamba panogara mumhan’ari sezvo pasiri pake.

Zvisinei, Mutongi Chipanga akati vatatu ava vanofanira kuchengete­dza runyararo.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe