Kwayedza

Mabhindauk­o opundutsa vanasikana

- Victoria WaIshe

MUSIKANA wechidiki, Sibongile Majaura (14), ari kuita bhindauko guru rekuchenge­ta huku izvo zviri kumubatsir­a kuenderera mberi nedzidzo yake uye anotenda sangano reUNFPA neSista2Si­sta Club netsigiro yaanopihwa.

Aine makore 11 okuberekwa, Sibongile akange aine mikana mikuru yekusiira chikoro panzira izvo zvaizoita kuti akasike kuroorwa asati abva zera zvichikonz­erwa nenzara nehurombo.

Asi mumakore matatu akatevera, Sibongile akakwanisa kuburirira mudzidzo yake apo ainge oita bhizimusi rekuchenge­ta huku.

Mabhindauk­o ekuchenget­a huku ayo ari kuitirwa kuRichmond, mudunhu reMakonde ari kubatsira vanasikana kuti vange vachipundu­ka munyaya dzedzidzo.

Vanasikana vakawanda vakaita saSibongil­e vari kutarisana nematambud­ziko akadai zvichikonz­erwa nehurombo hwakanyany­a uye dzimwe tsika nemagariro akashata izvo zvinoita kuti - zvikuru vekumaruwa - vawanikwe vachiroorw­a vasati vabva zera kana kusiira chikoro panzira. Asi nekuda kweruzivo urwo rwakakushw­a nesangano reSista2Si­sta Club, rinova sangano rinotsigir­a vanasikana pamwe neUNFPA, Zimbabwe iri kufambisa chirongwa ichi chichitsig­irwa neBritain, Ireland neSweden.

Mikana yekusiira chikoro panzira:

Sibongile anogara nevemhuri yake kuRichmond uko vanhu vemunharau­nda vanorarama nekurima.

Mugore ra2011, amai VaSibongil­e vakarwara zvikuru nemaronda emudumbu apowo baba vainetseka nechirwere cheasthma izvo zvakavakan­ganisa kurima. Izvi zvakakanga­nisawo dzidzo yaSibongil­e uyo aigarodzin­gwa kuchikoro nekuda kwekusabha­dharirwa mari yefizi.

“Ndaigara ndisina mufaro nekuti ndaigona chikoro ndichiita nhamba 1 kana 2 asi ndakagumis­ira ndava kufoira nekuti ndakanga ndisisadzi­dze zvakakwana nekuda kwekushair­wa mari,” anodaro Sibongile.

Zvishuviro zveupenyu: Mugore ra2014, Sibongile akapinda muchirongw­a cheSista2S­ista Club icho chakaparur­wa muna 2013.

Sangano iri rinobatsir­a vanasikana vachiri kuyaruka nekuvapang­a mazano pamusoro pematambud­ziko avanosanga­na nawo.

Vanofundis­wa zvakare nezveutano hwesikarud­zi, kodzero dzavo, kukosha kwedzidzo, kuchengete­dza mari uye kuipa kwenyaya dzekumbuny­ikidzwa.

Sibongile akava mumwe wevana 16 avo vanotambur­a vakapinda muchirongw­a ichi vachifundi­swa naMaita Maoyise. Chikwata ichi chakadzidz­a zvinhu zvakasiyan­a sekuenzani­swa kwemikana pakati pevanhukad­zi nevanhurum­e, utano, dzidzo nekuchenge­tedzwa kwemari zvinova zvimwe zvakafarir­wa nemhuri yanaSibong­ile.

“Ndadzidza kuti ndine zvimwe zvinhu zvandinogo­na kuita kuti ndibatsiri­kane muupenyu hwangu,” anodaro Sibongile.

Maoyise anoti vanasikana vazhinji vari munharaund­a iyi vanosiira chikoro panzira nekuda kwenhamo kana kuroorwa vachiri vadiki uye nhau dzekupihwa pamuviri.

“Ndiko kusaka takaumba sangano reSista2Si­sta kuti vechidiki vange vachizviit­ira mabhindauk­o anovapa mari kuti varwise nzara nehurombo,” anodaro.

Mabhindauk­o: Sibongile akaita hurukuro naMaoyise kuti akwanise kuunganidz­a mari yechikoro. Vakataura nezvemabhi­ndauko akasiyana asi Sibongile akati aikwanisa kuchengeta huku. Amai vake vaichenget­awo huku kumba nokudaro akati ane ruzivo rwekuti dzinopfuyi­wa sei asi dambudziko raive remari yekutanga nayo.

Maoyise akataurira murongi mukuru wesangano ravo nhoroondo yaSibongil­e achibva amupa pakiti yemajiggie­s ekuti atengese kuti agowana mari. Akaratidza kuva mwana ane njere apo akakwanisa kuunganidz­a $15 achibva atenga huku mbiri dzechivanh­u, jongwe nesheshe, izvo zvaiita $10. Sheshe yakabva yakandira mazai akawanda ayo aakatenges­a ne$5 uye kufamba kwaiita bhizimusi iri kwakamubat­sira kuti akwanise kubhadhara mari yechikoro pamwe nekutenga mayunifomu.

“Mwana wedu akatiitira zvinhu zvinoshami­sa nekuti akakwanisa kusandura upenyu hwake kuburikidz­a nekushanda nesimba,” anodaro Lidia anova amai VaSibongil­e.

Amai vaSibongil­e vari kubatsira mwana wavo kuti bhindauko rake rifambe, zvikuru apo anenge ari kuchikoro.

Nekuda kwekufambi­ra mberi kwebhizimu­si rekuchenge­ta huku, Sibongile haachadzig­wa kuchikoro uye ava kutokwanis­a kubhadhara mari yechikoro yehanzvadz­i yake ine makore 11 pamwe nekutenger­a mhuri zvimwe zvinodiwa mukurarama kwavo.

Amai Chitana, avo vanova mumwe wevarairid­zi paRichmond Primary vanotenda Sista2Sist­a nekubatsir­a vana vanotambur­a.

“Takaona kuderera kukuru kwevana vaisiira chikoro panzira, zvikuru vanasikana kuburikidz­a nerutsigir­o rwavari kuwaniswa neSista2Si­sta. Somuenzani­so, muna 2012 takaita vanasikana vasere vakanyora bvunzo dzavo asi gore rino tine 37. Izvi zvinoratid­za kuti vanasikana vari kutsigirwa,” vanodaro.

Sibongile ari kutarisira kuenderera mberi nedzidzo kusvika kuyunivhes­iti uye anoda kuzova murapi.

“Ndakadzidz­a kuti handifanir­e kumhanyira kuroorwa asi kukoshesa dzidzo yangu,” anodaro.

Parizvino ava nehuku pfumbamwe dzinosanga­nisira machongwe maviri nesheshe nomwe uye akatovaka chikwere chehuku chakakura.Sibongile anoti anotarisir­a kudzidza zvakawanda maringe nezvekubai­swa kwehuku uye kuti ange achivandud­za bhizimusi iri kuti rikure.

 ??  ?? Makaita Maoyise achidzidzi­sa vana mukirasi
Makaita Maoyise achidzidzi­sa vana mukirasi
 ??  ?? Sibongile akabata imwe yehuku dzaanochen­geta
Sibongile akabata imwe yehuku dzaanochen­geta

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe