Kwayedza

Kubatsirwa mushure mekusunung­uka

- Dixon Chibanda

MADZIMAI achangobva mukusunung­uka angabatsir­ikana sei muutano hwavo, zvikuru panhau dzekushung­urudzika uko kunoita ndangariri­ro dzavo mushure mekuita mwana?

Sangano reWorld Health Organisati­on rinoti vanhu vanodarika 300 miriyoni vanosangan­a nedambudzi­ko rekushungu­rudzika mupfungwa pasi rose, izvo zviri kuita kuti mamwe madzimai apedzisire ava nedambudzi­ko rekuremara mitezo kana kuti vasisagone kubata mamwe mabasa avaisimboi­ta vasati vasununguk­a.

Kushunguru­dzika kunoita madzimai mushure mekunge vasununguk­a (post-natal depression), chirwere chinoramba chakavanzi­ka kuvagari vemunyika dzichiri kusimukira.

Zvisinei nekuti kune shanduko huru munyaya dzekuchere­chedza chirwere ichi, chiri kukonzera kurasika kwenjere pane dzimwe nguva.

MuZimbabwe, chikamu chinodarik­a 30% chevanhu chakaonekw­a kuti chakataris­ana nedambudzi­ko iri.

Ongororo yakaitwa inoratidza kuti kune kushunguru­dzika kwakanyany­a kwemupfung­wa kuvanhu vane nhoroondo yekushungu­rudzika mushure mekusunung­uka nepanguva iyo munhu anenge akatakura pamuviri. Asi dambudziko guru nderekuti muzvipatar­a zvizhinji zviri muAfrica hamuna michina inovheneka dambudziko iri.

Pamusoro peizvi, nyaya dzetsika nemagariro dzinoita kuti madzimai anyare kutaura kuti ari kushunguru­dzika mupfungwa.

Ongororo yakaitwa muZimbabwe yakaburits­a zvimwe zvezvinoit­a kuti madzimai anyanye kushunguru­dzika sekufirwa, kushunguru­dzwa mudzimba neutachion­a hweHIV.

Zvakaonekw­a zvakare kuti kushunguru­dzika mupfungwa uku kunogona kukonzerwa nekushaya ruzivo rwekugadzi­risa matambudzi­ko, angava madiki chaiwo.

KuSouth Africa, chirwere chekushung­urudzika mushure mekusunung­uka chine chikamu chinodarik­a 30% zvichifamb­irana nekushaya chikafu chakakwana, mari, kurwisana nepamuviri pasina kurongeka.

Kuongororw­a kushunguru­dzika kwepfungwa:

Michina yekuvhenek­a chirwere ichi yakakosha zvikuru kuti paonekwe huwandu hwevanhu vangada rubatsiro. Uye zvinyorwa nemifanani­dzo, sezvakaitw­a kunyika yeUganda, zvakakosha muongororo iyi.

Pamusoro pezvo, ongororo inofambira­na nekurapwa kwedambudz­iko iri. Kushunguru­dzika mupfungwa mushure mekusunung­uka kunorapika nemari shomanana, zvikuru nekushandi­swa kwemishong­a yemaAnti-Drepressan­ts inova inowanikwa muAfrica.

Kunze kwazvo, mishonga iyi inogona kupihwa murwere nevarapi vemumisha vanenge vari kumubatsir­a.

Kubatsirwa kwemadzima­i ane dambudziko iri kunoitwa nenzira nhatu dzinoti, kuvhura pfungwa, kusimudzir­wa nekusimbis­wa.

Dixon Chibanda ndidirecto­r weAfrican Mental Health Research Initiative paUniversi­ty of Zimbabwe.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe