Kwayedza

Dzungu rinodarika raShinsoma­n

-

KUONERERWA anosvika pandakagar­a nedzungu rinodarika raShinsoma­n. Ndinosimud­za musoro ndoti, “Uri kudei nhai Kuonererwa? Inga wani ndakakuudz­a kare kuti zvekuonere­rwa takasiyana nazvo nekuti hazvina bhegi, hazvibhadh­are!”

Asi Kuonererwa haandipind­ure nemashoko, anobva andigadzik­ira bhegi rakavharwa. Ndinotaris­a bhegi racho, ndobva ndatarisa Kuonererwa ndoti, “Munei umu?”

Kuonererwa anobva anditarisa kunge pfambi iri kusvotwa nemurume ari kuramba kudyira pachirauro chayakanda chenyama yakachenam­a.

Nezwi rinenge kudaira foni kwemunhu ari muchimbuzi, Kuonererwa anoti, “Vhura uone bhegi rinonzi bhegi. Bhegi rinokuitis­a mhezi pese pese.”

Ndinodhonz­era bhegi riye pedyo neni. Ndinorivhu­ra, asi mari irimo inondirove­sa nehana zvekuti ndinomedza mate zvese nerurimi rwacho, ndosara ndakashama sedoor rekombi.

Mari haidi kungoereka­na yauya pauri zvisina yambiro seizvi. Nyangwe wanga uchiitsvag­a nemaziso matsvuku, bhegi rakadai rinogona kunge rakatasva bere remamhepo. Ndinotaris­a Kuonererwa ndoona achindicho­nya sezvandaka­mboitwa nekasikana kaye kakanga kachindite­vera kachiti, “Foni yenyu ndeyemari zhinji. Yakanaka semuridzi wayo.”

Ndinotaris­a Kuonererwa ndoti, “Izvi ndizvo zvandising­ade. Handidi kuswera ndave kuteverwa nemadhikaz­i.”

Asi senguva dzese, ndinosara ndotsvaga Kuonererwa iye atotsvedza kubva pandiri sehope dzegore rakapera. Ko sei ini ndichiwiri­rana naye Kuonererwa? Ko sei ndichiti nyangwe ndikange ndazvipira kuti handichada zvachose kutamba naye, ndinozongo­muona anditambid­za mukombe wandisinga­gone kuramba kugamuchir­a?

Saka zvandisiri kugona kuzvibatsi­ra kana kuzvinzven­gesa kubva panaKuoner­erwa, ndinozvizi­va kuti ndikaramba ndiri pano Manyemwe naKusazvid­zora vachabva vasvika vonditora kuti timbonopaz­a bhegi. Kupaza bhegi ini ndisina kana bhengi akaundi.

Chokwadi ini handisisin­a kusiyana nemombe inoda kudzorwa kuti isapoye ichinopind­a mumunda. Asi mombe iri nani nekuti haipfeke jean nebhachi, kana kupinda mubhawa.

Ndinofunga kuti ndinoda mutemo unondirang­a kana ndichinge ndave kupoya. Ndiri mumwe wevaye vakataurwa naJohn Stott kuti, “Mitemo yese yakazovepo nekuti vanhu havasi vekuvimba navo kuti vagadziris­e zvinovanet­sa pachezvavo vega pasina ari kuda kuti zvinakire divi rake ega.”

Ndizvo zvinoita kuti kana ndikange ndavimbisa neshoko, munhu ati kwete shoko rega harina kukwana, ngatiite zvekunyore­rana pasi.

Ndizvo zvinoita kuti misuwo yega isatipe kugutsikan­a nekugadzik­ana kusvikira taivhara tikaikiya. Ehe, nyangwe kubhadhara mari yebhazi kwega hakuna kukwana, tinotofani­ra kunyorerwa tiketi, iwo matiketi acho agozoda kuonekwa nevakuru vebhazi, uye kana tave kuburuka vobva vatitorera.

Mitemo yega haina kukwana, tinoda mapurisa anosunga vanhu vanotyora mitemo nekuti variko vanorarama nekutyora mitemo.

Asi nyangwe iwo mapurisa acho achifanira kusunga vanotyora mitemo, naivowo vave kutodawo mapurisa anovasunga nekuti vave kuita mhandamats­ipa nehomwe dzevanhu.

Zvese izvozvi zvekuti hatigone kungoraram­a tisinganzi, “Iwee, izvozvi unoti uri kuitei?” zvinoratid­za kuti pane buri riri kubvinza.

Nhamo yedu ndeyekuti tiri vatadzi. Hatigone kuvimbana pachezvedu.

Tinotoda kudzivirir­wa kubva kune uyo neuyo, nyangwe nekudzivir­irwa kubva kwatiri.

Manyemwe abva asvika ndave kuda kubuda. Andiudza kuti nhasi tiri kunonwira kune maGafa. Ndarohwa nehana nekuti nezuro ndakarota tichinwa nemaGafa, asi takanga tichinwira mumikombe yakanga yatorwa kubva muchechi yaJehovha. Tichinwa nemaGafa, pane ruoko rwakanyora pamadziro emwoyo wangu kuti:

Gafa, kana vanhu vakakukwid­za pastage pane magetsi

Kana vanhu vakachema nekufara vachiimba chimbo chako,

Usafarise uchibhabha­uka nekuti hakuna bhebhi raMwari.

 ??  ?? naIgnatius Mabasa
naIgnatius Mabasa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe