Kwayedza

Bhuku rinobatsir­a vana nevadzidzi­si

-

VENTURES Primary Family, Religion and Moral Education Learner’s Book Grade 3 ibhuku rekuvereng­a revadzidzi rakagadzir­wa kutsigira zviri mugwaro idzva redzidzo, reNew Curriculum.

Rine zvokuita zvinobatsi­ra vadzidzi kuti vanzwisise chidzidzo cheFamily, Religion and Moral Education pagwaro rechitatu.

Bhuku iri rinopa vadzidzi basa rekuti vaite mumapoka uye mumwe nemumwe.

Ibhuku rinogona kushandisw­a kunzvimbo dzose. Izvi zvinoreva kuti vana zvose nemudzidzi­si – kunyangwe vakange vari kumusha kana mudhorobha – chidzidzo chinoender­era mberi zvisina dambudziko.

Bhuku remudzidzi rekuvereng­a rinopa zvakare vadzidzi rodza njere pakupera kwemusoro woga-woga.

Izvi zvinobatsi­ra kuti mudzidzisi aone kuti vadzidzi vanzwisisa here kana kuti kwete. Mudzidzisi anogonawo kuziva kuti oenderera mberi here kana kuti panodiwa dzokororo kuburikidz­a nerodza njere.

Rinopa zvakare bvunzo yekupera kwekotoro. Mibvunzo yacho inenge ichibata misoro yose yakaitwa kubva kukotoro ichitanga kusvika yapera. Izvi zvinobatsi­ra mudzidzisi kuita ongororo yekuti kubva kotoro ichitanga, ndezvipi zvabatwa nemudzidzi.

Bhuku iri rakanyorwa nemutauro wechiRungu chakareruk­a zvekuti vadzidzi vari mugwaro rechitatu vanonzwisi­sa zvisina dambudziko.

Ventures Primary Family, Religion and Moral Education Learner’s Book Grade 3 rinouya nebhuku remudzidzi­si rinoratidz­a kuti chikamu chimwe nechimwe chinodzidz­iswa sei zvichiende­rana nemisoro inenge iri mubhuku revana.

Rinopa zvakare mhinduro dzezviitwa zviri mubhuku remudzidzi.

Ongororo yebhuku iri yakaitwa naNellia Mayoyo uyo anova mudzidzisi paZimphos Primary School.

 ??  ?? Bhuku idzva reVentures Primary Family, Religion and Moral Education
Bhuku idzva reVentures Primary Family, Religion and Moral Education

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe