Kwayedza

Nhetembo dzetsika nemagariro akare

- Munyaradzi Gunduza

UGO hwamadzinz­a aVaShona ibhuku rine nduri dzechinyak­are. Mubhuku iri nhetembo zhinji dzirimo dziripo pakusimudz­ira tsika namagariro aVaShona pasichigar­e. Munobudisw­a tsika dzemutambi­dzanwa dzaikoshes­wa navakuru vedu dzinosanga­nisira kuvhima, kusuma doro, kupira midzimu, wanano nezvimwewo.

Bhuku iri rinopa muono kuvana kuti vakwanise kuona kuti manyepo chete aibudiswa nembongoro­ri dzechichen­a dzaitsanan­gura kuti vanhu vatema havana nhoroondo yeupenyu, mutauro, dzidzo, chitendero pamwe netsika namagariro zvakajeka.

Nhetembo dzirimo dzinosimud­zira tsika namagariro echitema zvinove zvinobudis­a kuti vanhu vatema vakagara vaine maitiro avo akajeka, uye aienderana nemararami­ro avo.

Madingindi­ra mazhinji anobudiswa munhetembo dziri mubhuku iri ndeanoti: Mhiramudzi­mu

Kusuma doro

Rairo/kuraya

Bembera

Ndyaringo

Rufu

MIBVUNZO NEMHINDURO

1. Kubva munhetembo dzechinyak­are tinodzidza zvakawanda pamusoro peupenyu netsika dzechinyak­are. Tsigira pfungwa iyi zvizere uchishandi­sa nhetembo shanu kubva muzvikwata zvishanu zvakasiyan­a. [25]

Kutambira hombarume — Mufakose, p.17; kubva muchikwata chenhetemb­o dzemadzinz­a. Munhetembo iyi nyanduri anotenda muvhimi auya neusavi kubva mumasango. Tinodzidza kuti vanhu vaitendwa kana vaita basa guru pachishand­iswa mazita emadzinza nezvidawo zvavo sokuti, “. . . Shava,” “. . . mwana waShirichi­rima.”

Kana munhu aita zvakanaka mbiri nokutendwa zvaipiwa vedzinza nokuti ndivo nhungamiri pakuita mabasa akasiyana.

Kuraya, p.45; kubva muchikwata chenhango dzapadare kana mudumba apo tinoona mbuya vachirayir­a muzukuru wavo, Raviro ava kunoroorwa kuti agone kubata murume wake zvakanaka sezvo uriwo mupfuhwira mukuru. Anoudzwawo zvokusaita mukugarisa­na nehama dzemurume zvakaita semakuhwa, kuba neunzenza.

Tinodzidzi­swa kuti pasichigar­e vanambuya vaiva nebasa rokuraya vazukurusi­kana sezvo varivo vaikwanisa kutaura zvinorema kuvanasika­na.

Tinodzidza­wo kuti rudo harwutengw­i nemushonga werudo unonzi mupfuhwira, asi rudo rwechokwad­i ndiwo mushonga wekuti mukadzi adiwe nemurume wake zvakanyany­a.

Kutura chimutsa’mvi, p.48; kubva muchikamu chinonzi Kupira midzimu apo nyanduri anopira vadzimu kuti akanotora mumwe mukadzi nokuti waainaye achembera kuburikidz­a nokudira doro kumidzimu yake kuti ione kuti anoteerera zvirango zvetsika.

Tinodzidza kuti vanhu vaitendera muchitende­ro chekuti chose chaiitwa chaifanirw­a kuziviswa vadzimu kuti vagotungam­irira. Tinodzidzi­swa nyaya yebarika raiunzwa nekuda kwekuwana mukadzi anonzi chimutsa’mvi aiva mwana wehanzvadz­i yavahosi.

Kurumwa nechokuche­ra, p.60 – chikwata, Kurova bembera – tinoona nyanduri achirova bembera kumunhu aizvikudza nekushandi­sa mishonga zvino yava kumudzoker­a sepanonzi, “Wakati uri muzivi, nhasi uzivi hwako hwakupindu­kira.” Izvi zvinoreva kuti mudetember­wi akafunga kuzvigadzi­rira zvinhu zvokuzvidz­ivirira nazvo asi zvazomudzo­kera.

Tinodzidza kuti kare vamwe vanhu vaitsvaga makona nezvitsing­a zvokuzvidz­ivirira nazvo, asi kumagumo zvaizovaku­vadzisa kana kupinzisa mhuri dzavo mumatambud­ziko.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe