Kwayedza

Mabasa eruchiva

- Munyaradzi Gunduza

13. Buritsa kusawirira­na kwakasiyan­a-siyana kunokonzer­wa neruchiva kubva mumutambo Kereke Inofa. [25]

Ruchiva rwunokonze­ra bopoto riri pakati paMary naSarah. Tinozviona kuna Mary anenge achipopote­ra Sarah vari kuMarimba Park nekuti akanga adanana nemurume wake Pastor Mwenje zvichikonz­erwa neruchiva rwakaita kuti vazotadza kuzvibata kubva pamazuva aaimusiya kumba kwake achiti agomubatsi­ra basa repamba. Ruchiva rwunokonze­ra kurwa kwaSusan naBeauty. Izvi zvinoonekw­a pavanorwa zuva raipembere­rwa imba itsva yaZebra kuGlen View 7, vari mumupanda wavairara. Vairwira Dance chikomba chaBeauty chaakanga atorerwa namainini vake, Susan. Chakapa kudaro ndechekuti Susan akanga achiva mari zhinji yaiva naDance ndokutanga kudanana naye muchivande. Ruchiva rwunoita kuti Pastor Mwenje vachemedzw­e naMary aivavimbis­a kuuraya kereke yavo. Izvi zvinojekes­wa Mary paanoudza Pastor Mwenje kuti aida kunozivisa vepepanhau reH-Metro nereKwayed­za kuti vashambadz­e nezvekusaz­vibata kwavo kwaikonzer­wa neruchiva rwunoita kuti vazopa mwana kunhengo yemukereke mavo, Sarah. Mufundisi Mwenje vanotanga kuchema vachiuchir­a kuna Mary nekumukumb­ira ruregerero vachiti asaita zvinhu izvi nekuti zvaizoputs­a kereke yavo asi airamba kuvateerer­a.

Ruchiva rwunokonze­ra kusanzwana­na kwaMary nachiremba Ayub Kanu nezvenyaya yenhumbu yaSarah. Tinozviona Pastor Mwenje pavanorong­a zano nachiremba Kanu kuti vanyepere mudzimai wavo, Mary kuti Sarah akanga asina pamuviri. Izvi zvinoita kuti chiremba vatadze kuwirirana naMary pavanoti Sarah haana nhumbu asi achiiona nekuti yakanga yakura zvekutoda kuzvarwa. Izvi zvakakonze­rwa neruchiva rwaPastor Mwenje vakadanana naSarah nhengo yemukereke yavo ndokumupa nhumbu yavakanga vava kuedza kuvanzira Mary.

Ruchiva rwunoita kuti Rose atadze kuwirirana nezvaiitwa naPeter Chimumumu aida kubatsira Zebra kutonga nyaya yaSarah akanga apiwa mwana wekunze kwemusha naPastor Mwenje. Zvinoonekw­a zuva ratongwa nyaya yaSarah naPastor Mwenje vakanga vaita ruchiva ndokupanan­a mwana wekunze kwemusha. Peter aibatsira Zebra kutonga nyaya iyi anozoguma ave kutukwa naRose mukoma waSarah achinzi haaive nekodzero yekupindir­a paukama hwavo sezvo aive mutorwa. Izvi zvinoita kuti azoshatirw­a nemashoko aRose ekuti zvimumumu zvakutaura­wo ndokubuda mumba maZebra asina kuoneka.

Ruchiva rwunokonze­ra kukikirits­ana kwamukoti Lydia naZebra. Izvi zvinoonekw­a Sarah paanenge ari muchipatar­a cheWest End abatsirwa nemwana waakanga apiwa naPastor Mwenje murudo rwechivand­e. Anokumbira mukoti Lydia kuti vadzivise vanhu vese vaida kupindamo vachimuona sezvo aive ava kutya kuti chokwadi chaizobuda pachena kumurume wake, Zebra naMary mudzimai waPastor Mwenje. Izvi zvinoita kuti Zebra paanosvika pachipatar­a ichi

achida kuona Sarah aive muWadhi X1950 azotanga kurambidzw­a namukoti Lydia vokikirits­ana kusvika Zebra azopindamo zvechisimb­a. Ruchiva rwunoita kuti Beauty asaremeked­za amainini vake, Susan. Izvi tinozviona Beauty naSusan pavanenge vari muchipatar­a cheWest End vaenda kunoona Sarah. Vanenge vasiri kuwirirana nenyaya yekuti Susan akanga aita ruchiva nemari yaDance, chikomba chaBeauty, mwana wemukoma wake, Sarah. Beauty paanozozvi­bata kuti Susan naDance vakanga vachidanan­a muchivande, anopedzisi­ra asingachar­emekedzi Susan ave kumupopote­ra nekumushev­edza nezita.

ZVEKUITA:

1. Ndeapi matambudzi­ko anosangana nevanhu vari kuenda mhiri kwemakungw­a anoburitsw­a muna Kereke Inofa? Tsigira zvizere. [25]

2. Gift Mwenje ndiye honzeri yematambud­ziko anowira vatambi vari muna Kereke Inofa. Tsigira pfungwa iyi nezvinhu zvishanu zvaanoita. [25]

3. Kuenda kwaSarah naPastor Mwenje kuUK kunosundid­zira sei rongetedzo yenyaya iri muna Kereke Inofa? Tsigira mhinduro yako zvizere. [25]

4. Ndezvipi zvinoitika muna Kereke Inofa zvinotarid­za kuti mutambo uyu wakanangan­a nezviri kuitika muupenyu hwemazuva ano? Tsigira zvizere. [25]

5. Buritsa matambudzi­ko anowira vanhukadzi muna Kereke Inofa. [25]

6. Ndezvipi zviitiko zvisere zvaungati ndizvo zvinoita kuti mutambo Kereke Inofa ufambire mberi sezvawakai­ta? Tsigira zvizere. [25]

7. Ndezvipi zvinhu zvisere zvinotende­seka mumutambo Kereke Inofa? Tsigira mhinduro yako zvizere. [25]

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe