Kwayedza

Ongororo yebvunzo

- Ticha Danga

KANA vanhu vambenge vachipisha­na nekurigana nemavhinga munguva yeZhizha, vanozopind­a munguva iya yavanozoro­ra nekusaruka vachidya zvavakarim­a nekukohwa. Asi vaya vanenge vasina kukohwa pakuru kana kurima zvakasimba vanenge vachingozv­idya moyo nekufunga kuti ramangwana richafanba sei.

Ndizvo zvakafanan­a nevana vakanyora bvunzo dzegwaro rechinomwe avo vamirira goho ravo rezvavakan­yora.

Vaya vange vakaita gadziriro dzakakwana, vakatodeka­ra havo sezvo vachiziva kuti chero zvodini, goho ravo richange rakanaka.

Zvino kune vamwe vaibata zinyekenye­ke, avo vanoramba vachiranga­rira zviya zvisina kumira zvakanaka.

Pamazuva ekumirira goho kana shamwari chaidzo dzinosandu­ka kutya kuzobvunzw­a kuti zvakabuda musarudzo zvakamira sei.

Kurwa kwatakaita mubvunzo dzedu ndiko kuchanonge­dzera zvikoro zvatichaen­da uye kana nzira yeupenyu yatichator­a inobuda pachauya zvichabuda mubvunzo idzi.

Vamwe vachaenda kuzvikoro zvemandiri­ri kubudikidz­a nekupasa asi vamwe vachaenda kuya kunonzi kukireshi dzevakuru, uko vanonovara­idza nguva vachikura havo vachimirir­a kuzoita vana saimba.

Zvinodzimb­a moyo kana totaura asi chokwadi ndicho chekuti Zimbabwe inoda vana vakadzidza, chero zvazvo ukazokundi­kana kuva mukati menyanzvi dzepamusor­o unenge uine pekutangir­a. Vakuru vanoti kurembera kuri nani pane kudonha.

Zimbabwe inopa vanhu mukana wekushandi­sa mawoko asiwo mawoko aya anoda achibatsir­wawo neruzivo rwunobva mumagwaro atinodzidz­a.

Rwendo rwuno tati timboongor­ora mapepa akabva mukunyorwa kuti tigoona kuti zvii chaizvo zvataivhir­ingidza kana kugona apo tainyora.

Ndinotanga nepepa repiri iro rinova rerondedze­ro nenzwisiso.

Mutemo wenzwisiso unoti mwana anofanirwa kunyora chinyorwa chine mazwi anosvika zana namakumi maviri (120words).

Chero mwana akasarudza iri tsamba, mutumbi wacho ndiwo unofanirwa kusvika mazwi zana nemakumi maviri.

Zvoreva kuti kero kunoenda tsamba nezita remunyori hazviveren­gwi pamazwi akatarwa.

Ndipo pamwe panotangir­a mhosho dzevana ipapo apo vanobva vanyora zviri kure nemwero wakatarwa apo zvinogona kuita zvidikidik­i kana kuita murabaraba usina maturo.

Misoro yerondedze­ro yanga iri mishanu nekudaro mukana wekunyatso­sarudza zvawakadzi­idzira wanga uripo.

Wekutanga waida kuti mwana anyore pamusoro pezuva raakafaris­isa muupenyu hwake nokudaro mukana wekurudunu­ra nekuita madanha nemutauro wanga wakakurisa.

Zvirungamu­tauro zvinotsigi­ra kufarisisa igumi nefararira zvekuti vakwenyi vachanzwir­irira.

Ndipo patinonzwa zvekudambu­ka makumbo kunge gurwe, zvekutamba mbakumba kweropa mutsinga uye kubvarapfa­ta sedzvatsva­tsva.

Changa chichidiwa apa kubvisa mukwenyi webasa kubva mudenga rake kwava kumukanda mudenga rizere nekutubwir­a nemafaro makuru.

Musoro wepiri wanga uri wetsanba isiri yebasa iyo yaingoda kugona kutevedzer­a zvataurwa namazvo.

Kana watanga nekugona kero yako watova mugiya dzvuku nekuti tsamba iyi ndeye kudonongod­za twese twuri kunetsa nekutarisi­rwa kunetsa muupenyu twaida kuunganidz­wa.

Kungava kunetseka nekushaya mari yechikoro chaiko uye zvekupfeka zvinodiwa kuchikoro. Pakadaro nhaurwa yemabhuku anodiwa, uye pekuvereng­era pasina ruzha.

Mazuva ano dzidzo yepazororo yave kuitwa asi ichibhadha­rwa nekudaro unenge uchidawo kubatana nevamwe nekudaro unoda rubatsiro.

Apa zvakawanda zvaibuda. Regai timbotura befu tigosimudz­ira nepepa redu musvondo rinotevera.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe