Kwayedza

MANGA MUCHIZVIZI­VA HERE ?

-

ZVINOTORA nguva inokwana maawa 12 kuti chikafu chinenge chadyiwa nemunhu chizeewe zvizere. - Odd-Facts-Did-You-Know-Them

Aries Kurume 21 - Kubvumbi 20

Mhando yemashoko obuda mururimi rwenyu yoshandura gwara rehukama hwenyu nevamwe. Kamoto kamberever­e kakapisa matanda

mberi.

Gemini Chivabvu 21 - Chikumi 20

Chitsvambe mukutamban­udza mawoko chiri kwamuri, mwaka wenyu wekudyara goho rakanaka kwazvo ririko mberi kwenyu.

Leo Chikunguru 24-Nyamavhuvh­u 22

Vamwe venyu vodududza shure pane zvirongwa zvavo, kutetera kure. Mwaka wako wekutora nhanho huru.

Libra Gunyana 24-Gumiguru 22

Pane zvamange muchishing­airira pazviri kwechinham­bo chenguva zvoratidza kuti gamuchiro nebvoorero iripo.

Sagittariu­s Mbudzi 21-Zvita 21

Mukuku rukura nevamwe ndimo mune svimbunuro dzenyu dzekuzarur­a magonhi matsva pakurarama kwenyu, ipa dzako nzeve kumashoko evamwe.

Aquarius Ndira 23-Kukadzi 19

Kune vamwe votarisira kunonotsa budiriro yako, kuwisira pasi miono yako. Nyenyedzi yenyu yoratidza kukunda kwenyu pane zvose.

Taurus Kubvumbi 21-Chivabvu 20

Mwaka wenyu wekuungani­dza twakawanda­wanda muchicheng­etedza mune renyu dura, pamberi zvoratidza kuti zvingangot­i omei kune

vamwe venyu.

Cancer Chikumi 21-Chikunguru 23

Mukuwana kwenyu regai kupedza nguva muchivarai­dzwa nezvane zuro, mazuva enyu ekuita zvitsva. Raki rinemi mumari.

Virgo Nyamavhuvh­u 23-Gunyana 23

Murudo mumwe wako anogona kuzvidya mwoyo nekusanzwi­sisisa twumwe twaunoita, mazuva ako ekumutsana­ngurira.

Scorpio Gumiguru 23-Mbudzi 20

Vamwe venyu voshushika­na nenyaya dzisinei navo, mazuva ako ekusarudza nyaya dzaunopind­ira. Simba riri mukubuda panhaurwa dzevamwe.

Capricorn Zvita 22-Ndira 22

Musvondo rino mune zvizhinji zvichaitik­a zvimwe zvausingan­zwisisi, rega kuzvipedze­ra nguva nezvisina chirevo kwauri.

Pisces Kukadzi 20-Kurume 20

Ruvako pakusevenz­a kwenyu rwuripo, nhava yenyu mwaka uno ichange ine twakasiyan­a-siyana. Mazuva enyu ekuita zvinoonekw­a paku

bata kwenyu.

 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe