Kwayedza

‘Koshesai kodzero dzevakarem­ara’

- Muchaneta Chimuka

SANGANO rinomirira vabereki vane vana vakaremara mitezo, reZimbabwe Parents of the Handicappe­d Children Associatio­n, rinoti zvakakosha kusimudzir­a upenyu hwevana ava kuitira kuti vawane raramo yakaenzana nevamwe vavo vane mitezo yakakwana.

Vachitaura pamusangan­o wavakaita nevabereki vane vana vakaremara muHarare svondo rapera, Mai Chipo Mushininga, vanove mukuru weZPHCA, vanoti vana vakaremara kazvhinji vanosangan­a nerusarura mukurarama kwavo.

“Tine madzimai anodarika 1 000 vane vana vakaremara muboka redu avo vane zvichemo zvakasiyan­a zvatinoda kuti zvigadziri­swe kuti upenyu hwavo hunge huchifamba zvakanaka,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Tinotarisa nyaya dzakadai sedzidzo, kuwaniswa kweminda nepekugara kuvanhukad­zi, kubviswa kwerusarur­a, kushambidz­ika kwenharaun­da, utano nechengete­dzo, ruzivo rwechizvin­o-zvino, rutsigiro rwemari, nyaya dzezvekufa­mbisa uye kuwaniswa rutsigiro rweHurumen­de nemamwe masangano. Zvese izvi, zvinobatsi­ra mukushandu­ra upenyu hwemwana akaremara.”

Mashoko avo anotsinhir­wa nemurongi kusangano iri, Theresa Makwara achiti dambudziko rekushaya pekugara pakati tsvetere ndiro guru kuvabereki vane vana vakaremara.

“Madzimai mazhinji ane vana vakaremara vanonetsek­a pekugara kunyangwe pekuroja chaipo nekuti vanotarisa­na nenyaya dzerusarur­a. Vamwe vanonyimwa pekugara nekuti vanenge vaine vana vakaremara vachisemwa saka tinoda kushanda nemakanzur­u kuti tione kuti madzimai ane vana vakaremara vawaniswaw­o minda yekurima nepekugara pakanaka,” anodaro.

Mai Josephina Mudirira (54), vekuMbare, vanoti vane mwanasikan­a akaremara uyo ava nemakore 33 ekuberekwa.

“Mwana wangu ane cerebral paalsy iyo yakandakam­usununguka ainayo. Pandakasun­unguka, ndakarasik­irwa neropa nechemukat­i, izvo zvakaita kuti tsinga dzemumusor­o memwana dzipinde ropa raibva mandiri ndichibva ndamusunun­guka aine dambudziko renjere,” vanodaro.

Vanotenda rubatsiro rwavari kuwaniswa nesangano reZPHCA kubvira mugore ra1988.

“KuZPHCA ndakawana mukana wekusangan­a nemamwe madzimai ane matambudzi­ko akafanana nerangu saka zvinondiny­evenutsa mupfungwa nekuti ndava kuziva kuti handisini ndega,” vanodaro.

Mai Elizabeth Mabare (44), vanogara kuEyecourt, kuChitungw­iza vanoti vane mwanasikan­a akaremara nenzira yekuti ane musoro unoramba uchikura nekuda kwemvura inozara mutsinga dzemumusor­o wake.

“Mwana wangu ane dambudziko rehydrocep­halous apo musoro wake unoramba uchikura pashoma nepashoma.

“Ndiye mwana wedangwe. Dambudziko iri rava kuita kuti arwadziwe musana nekuti muviri wake wava kuremerwa. Anoshandis­a mapamper uye semunhu ava kutevera, anoda zvakare sanitary ware kuti ave munhu akashambid­zika.

“Parizvino tsinga inobudisa mvura mumusoro yakavharwa kuHarare Central Hospital asi musoro wakasara wakakura zvisinei nekuti hauchatepf­enyeki sezvawaiit­a kare.”

Vamwe vabereki vakakuruku­rwa navo neKwayedza vanoti dzimba dzavo dzakapara nekuda kwekuremar­a kwevana zvichiteve­ra kushaya ruzivo nehanya, zvikuru kuvanhurum­e.

Memory Charumbira (21), uyo akaremara mitezo ari zvakare youth president weZPHCA, anoti vechidiki vakaremara havafanire kuzvitaris­ira pasi.

“Vana vakaremara vanofanira kusimudzir­wa munyaya dzedzidzo uye hatidi rusarura kuvanhu vakaremara mune zvese zvine chekuita nebudiriro yavo mungava mumabasa, muwanano, kana mukuwanisw­a zvigaro zvepamusor­o,” anodaro.

Chikamu cheSection 83 chebumbiro remutemo reZimbabwe chinochere­chedza kodzero dzevakarem­ara.

Kushaiswa kwekodzero dzedzidzo, zvivakwa zvinoender­ana nevakarema­ra, nyaya dzeutano, kudya kune utano uye chengetedz­o yemutemo yakaenzana kutyorwa kwekodzero dzavo pasi pechisungo cheConvent­ion on the Rights of Persons with Disabiliti­es 2006.

 ??  ?? Vana vakaremara vaine vabereki vavo
Vana vakaremara vaine vabereki vavo
 ??  ?? Mai Chipo Mushininga
Mai Chipo Mushininga
 ??  ?? Mai Josephina Mudirira
Mai Josephina Mudirira

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe