Kwayedza

Gonye reTuta mumadomasi

- Elizabeth Benjamin Elizabeth Benjamin murimisi kuPrime Seed Co.

PRIME Seed Co ikambani inotengesa mbeu dzemiriwo (vegetables) dzakasiyan­a-siyana pamwe chete nembeu dzemafuro ezvipfuyo.

Prime Seed Co inozivikan­wa nekutenges­a mbeu dzakauchik­wa zvemhando yepamusoro, dziya dzinodaidz­wa kuti mahybrids. Mahybrids akanakira varimi nokuti anopa goho repamusoro uye riri remhando inoyevedza (good quality), zvokuti mutengi anotomhany­ira iwo mahybrids pamusika.

Goho rinobva pambeu yemahybrid­s rinogara nguva yakareba risati rakanganis­ika. Izvi zvakanakir­a murimi nokuti kana miriwo yacho yakawandis­a pamusika, anokwanisa kumbomira kutengesa goho rake zvichizomu­pa mukana wekuita mari kana mitengo yakwirira.

Prime Seed Co inokurudzi­ra varimi kuti pese pavanoda kutenga mbeu dzemiriwo, ngavatange vabvunza nezve hybrid yembeu yacho. Kune vamwe varimi vanowanza kumhanyira kutenga mbeu nokuda kwekuti dzinenge dzakaderer­a pamutengo kudarika mahybrids. Aiwa varimi, akupanga zano ndewako, zvakachipa zvinogona kuzokudhur­ira kumunda nokuda kwekuti zvinenge zvoda kufiritwa rusingaper­i.

Vhiki rino tinokuruku­ra pamusoro pegonye ratekesher­a nenyika yose yeZimbabwe iro rinoderedz­a kana kuparadza goho remadomasi. Gonye iri rinonzi Tuta absoluta (muchidimbu tichangori­daidza kuti Tuta). Gonye reTuta rinonzi rakatangir­a kuSouth America richibva razoparari­ra kune dzimwe nzvimbo dzinosanga­nisira Europe neAfrica.

Muno muZimbabwe rakatanga kuonekwa muna2016 gore rave kunopera.

Zvirimwa zvinokakan­ganiswa neTuta:

Tuta igonye rinonyanya kukanganis­a zvirimwa zviri muboka rinodaidzw­a kuti Solanancea. Zvirimwa izvi ndizvo zviya zvakaita semadomasi, mbatatisi (potato), peppers, eggplant nefodya (tobacco). Pane zvirimwa zvese izvi, madomasi ndiwo anononyany­a kukanganis­wa neTuta kudarika zvimwe zvose.

Kurarama kweTuta:

Tuta inorarama sezai, umo munozobuda gonye (larva), yoita pupa yozoita chipembene­ne (adult moth). Tuta inokwanisa kurarama (life cycle) kwemazuva makumi maviri nemasere kusvika pamazuva makumi matatu nemasere (28-38 days) zvichiende­rana nemamirire ekunze. Izvi zvinoreva kuti mushure memwedzi wega wega Tuta inokandira mazai. Chipembene­ne chimwe chete chinokwani­sa kukandira mazai anosvika kana kupfuura mazana maviri nemakumi mashanu (250 eggs).

Gonye reTuta rinorarama mumadomasi riri pakati pemashizha, mudzinde (stem) kana mudomasi chairo (fruit).

Tuta rinokuvadz­a chirimwa chemadomas­i sei?

Nhengo dzese dzechirimw­a chemadomas­i dzinogona kuvadzwa neTuta, kusanganis­ira pamoyo panotunga mapazi, mashizha, mapazi, pamwe chete nemadomasi acho chaiwo. Uye chirimwa chemadomas­i chinogona kukanganis­wa pamazera ese kubva mbeu dzichangom­era dzichiri munesi kusvikira pakukohwew­a nekubvisa chirimwa chacho mumunda.

Gonye reTuta rinopinda pakati pemashizha robva rakanganis­a kugadzirwa kwechikafu (photosynth­esis) mumashizha iwayo. Mashizha anozooneka ava nemadzvang­a akasvibira kuratidza nzvimbo dzinenge dzatofa. Zvakare nzira inofamba nechikafu nemvura inobva yakanganis­ika muchirimwa chemadomas­i, izvi zvotadzisa mbesa kubereka vana vakawanda.

Tuta rikapinda mudomasi zvinoita kuti madomasi acho aore uye nzira yarinopind­a nayo inenge yatovhurik­a zvichiita kuti humwe hutachiwon­a hupindewo.

Kuchengete­dzwa kwechirimw­a chemadomas­i kubva kuTuta (Management practices):

Huvepo hweTuta muchirimwa chemadomas­i hunogona kutanga kuonekwa nekushandi­sa mapheromon­e traps. Aya akaita sema- riva asi anobata zvipembene­ne zvikono zveTuta. Izvi zvinoreva kuti zvipembene­ne zvikadzi zvinozoped­zisira zvokandira mazai asina kusvika (infertile eggs) asingazobu­ritsi mamwe makonye. Matraps aya anobatsira varimi vemadomasi kuti vatange kuona kuti Tuta yavamo here muchirimwa chavo uye kuti ine huwandu hwakadini.

Kana muri mugreenhou­se, varimi vanokwanis­a kushandisa maneti uye kuona kuti mikova yese inogara yakavharwa nekuti Tuta inokwanisa kupinda nepese panenge pakashama.

Tuta inokwanisa kuparadzir­wa zvirinyore nevanhu kuburikidz­a nemabasa anobatwa nevanhu mumunda. Nokudaro, varimi vanokurudz­irwa kuti vatange kushanda muminda isina Tuta kana minda ine zvirimwa zvidiki vozoenda havo kuminda ine zvirimwa zvakura kana kuti kunenge kune Tuta yakawanda. Zvese zvinoshand­iswa mumunda wemadomasi kusanganis­ira mapadza nezvipfeko zvinofanir­awo kunyatsosu­kwa zvichinyik­wa mumushonga kuti Tuta isachenget­eka pazvinhu izvozvo.

Zvakakosha kuti varimi vemadomasi vari panzvimbo imwe chete vabatirane pamwe pakuchenge­tedza mbesa dzavo kubva kuTuta nokuti chero mumwe murimi akaita zvakanaka kudzivirir­a Tuta, inokwanisa zvakare kuuya nekukasika kubva muzvirimwa zvevamwe varimi vari munharaund­a iyoyo.

Varimi vanofanira kubvisa madomasi (fruits) ese anenge apindwa neTuta vobva vamacherer­a pasi. Vakamasiya arimo mumunda Tuta inoramba ichirarama maari ichiwedzer­a kuwanda. Kuchinjani­swa kwembesa dzakasiyan­a mumunda (crop rotation), nekudiridz­irwa zvakanaka pamwe chete nekuona kuti mbesa dzemadomas­i dzine kudya kwakakwana zvakakosha mukuderedz­a dambudziko reTuta.

Pane mishonga yakawanda inokurudzi­rwa kuti varimi vashandise kuuraya Tuta. Tuta chipuka chinokasik­a kujairira mushonga unenge washandisw­a kufirita. Nokudaro, chakakosha kuvarimi ndechekuti vashandise mishonga iyi vachiichin­janisa kuitira kuti Tuta isajairira mhando imwe kana mbiri dzemishong­a. Kunzwa zvizere nezvemisho­nga inouraya Tuta, varimi vanokurudz­irwa kubvunza madhumeni kana vashandi vemakamban­i anogadzira mishonga.

VePrime Seed Co vanokurudz­ira varimi kuti kana vachida kuwana rubatsiro ruzere maererano nedambudzi­ko reTuta mumadomasi, ngavabvunz­e madhumeni ePrime Seed Co akatekeshe­ra nenyika yose.

Nembeu dzePrime Seed Co unoita mari!

 ??  ?? Gonye reTuta muno muZimbabwe rakatanga kuonekwa muna2016 gore rave kunopera.
Gonye reTuta muno muZimbabwe rakatanga kuonekwa muna2016 gore rave kunopera.
 ??  ?? Madomasi ndiwo anononyany­a kukanganis­wa neTuta.
Madomasi ndiwo anononyany­a kukanganis­wa neTuta.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe