Kwayedza

‘Kana aripo havadyiwe’

- Given Siakanoka ari kuKARIBA

MUTSIGIRI mukuru wechikwata chenhabvu cheZPC Kariba svondo rapera akakonzere­sa kunhandare yeNyamhung­a Stadium, kuKariba apo paitamba chikwata chake necheDynam­os apo akapfugama kuseri kwegedhi raive nemubati weDeMbare ndokutanga kunamata akabata tsvimbo yake ine mufananidz­o wenyoka yeNyaminya­mi.

Sekuru More Williams vakapfugam­a kuseri kwegedhi raive nemubati weDynamos, Tonderai Mateyaunga, ndokutanga kunamata kana kuti kuteketera, mushure ndokunonge­dzera tsvimbo yake mugedhi.

Izvi zvichingop­era, ZPC Kariba yakabva yanwisa, zvikashami­sa zviuru zvevatsigi­ri veDynamos.

Nyaminyami inozivikan­wa senyoka yairaramis­a madzitateg­uru erudzi rwevaTonga vaigara pedyo nerwizi Zambezi pasichigar­e uye inonzi ndiyo mudzimu wedhamu guru iri.

Mushure mekunge ZPC Kariba yanwisa, vamwe vatsigiri veDeMbare vakadzvamu­ka ndokuenda kwaive naSekuru Williams.

Musharukwa uyu haana kana kumborohwa nehana sezvo angovati, “Vakazvipir­a batai tsvimbo iyi”, achireva tsvimbo yake yenyoka.

Pakashaikw­a kana mumwe chete wevatsigir­i veDynamos akabata tsvimbo iyi uye vamwe vevatsigir­i veDeMbare vakabva vatowana mukana wekutorwa mifananidz­o vaina Sekuru Wil- lliams mushure mekuona kuti haazi muporofita kana kuti n’anga, asi kuti anongori mutsigiri weZPC Kariba.

Sekuru Williams mugore ra2016 akahwina mubairo mukuru weZPC Kariba Supporter of the Year uye veruzhinji vanomuziva nezita remadunhur­irwa rekuti “Leaks” sezvo achinzi kana achinge aripo, chikwata chake che”Kauya Katuruturu” hachikundw­e.

Zvakadai, mumutambo wesvondo rapera, ZPC Kariba neDynamos zvakaita mangange 1-1.

 ??  ?? Mifananidz­o iyi (pamusoro nekurudyi) inoratidza Sekuru More Williams vachinamat­a vari kuseri kwegedhi raive nemubati weDynamos, Tonderai Mateyaunga, neapo pavaive nevatsigir­i veDeMbare svondo rapera.
Mifananidz­o iyi (pamusoro nekurudyi) inoratidza Sekuru More Williams vachinamat­a vari kuseri kwegedhi raive nemubati weDynamos, Tonderai Mateyaunga, neapo pavaive nevatsigir­i veDeMbare svondo rapera.
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe