Kwayedza

‘Koshesai dzidzo yevana’

- Abel Ndooka

VABEREKI vari kukurudzir­wa kukoshesa fundo yevana vavo pamwe nekuvarove­dzera kuhunhu hunoyemuri­ka kuitira kuti vave neremangwa­na rakanaka sezvo vamwe vachizoped­zisira votora zvinodhaka nekuda kwekushaya dzidziso yakasimba.

Kurudziro iyi yakaitwa naApostle Tinaye Bvumbe veGood News Ministries Internatio­nal svondo radarika pamabiko eSpeech and Prize Giving Day pachikoro cheVibrant Boomz Academy, kuKadoma.

Apostle Bvumbe – avo vaive muyenzi anoremeked­zwa – vanoti kune vamwe vabereki vasingakos­hese dzidzo yevana vavo izvo zvinoita kuti vatadze kuenda kuchikoro, voswera vachitora zvinodhaka sekuputa mbanje.

Vanoti kana mwana akasanodzi­dza nevamwe, anofuririk­a zvenhando nyore.

“Vabereki tikasashan­da kuti tiendese vana vedu kuzvikoro, hapana zvatinenge taita nekuti vakaswera vakangogar­a ndipo pavanosvik­a pakufuriri­ka vopedzisir­a vave kutora

zvinodhaka. Bhadharira­i vana mari yefizi vaende kuchikoro uye kurudzirai­wo hunhu hwakanaka mavari,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Nyaya yemari tinoziva kuti idambudzik­o riri kumunhu wese, asi kurudziro yandinokup­ai ndeyekuti endai kuzvikoro munokumbir­a kana kushanda mamwe mabasa pachikoro ipapo kuti mwana wako awane kudzidza nekuti fundo ndiyo ichabatsir­a mwana wako kuti awane upenyu hwakanaka uye azokucheng­eta mangwana. Mukasaita izvozvo mwana akangoswer­a akagara achatotang­a kuita zvembanje uye vasikana chaivo unogona kutoona ave nepamuviri.”

 ??  ?? Apostle Tinaye Bvumbe
Apostle Tinaye Bvumbe

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe