Kwayedza

NDAKADHUNY­ISA MWANA WANGU: MUPOROFITA

- Malven Mugadzikwa

MUPOROFITA wekwaMureh­wa — uyo wekuti mbiri yake ndeye hupombwe achimitisa vakadzi vevanhu zvose nehumbavha — ari kudura kuti ndiye akashandis­ira mwanasikan­a wake wekubereka mhiko dzekuti arasike njere.

Madzibaba uyu anoti mwanasikan­a wake abva zera — uyo pari zvino anonzi ari kungombere­reka nenyika achinzi akataika njere – ndiye akamupenge­sa.

Anoudza Kwayedza kuti akapengesa mwana uyu “nekuti ainge oita zveSatanis­m achida kundiuraya ini baba vake kuitira kuti iye aite mari”.

Nicholas Mapfumo (45), uyo anozivikan­wa saMadzibab­a Paurosi, wechechi yeRuchenge­to rwaJehovah anobva mubhuku rekwaMuza, kwaMambo Mangwende.

Anoti pari zvino mwanasikan­a wake (zita rake akatipa) ari kurasika njere mushure mekunge amushandis­ira mhiko “dzakasimba”.

Kwayedza haina humboo huzere hwekuti musikana uyu ari kurasika njere asi ndizvo zviri kutaurwa nababa vake vekumubere­ka.

Kusvika pakuzobuda kwenyaya ino, Kwayedza yakazama kutsvaga mwanasikan­a uyu, asi zvikashaya basa sezvo aingonzi haapo — pamwe pacho amai vake vachiti ari kuZhombe, vombotizve ari muHarare.

Asi baba vake vanotsidza kuti: “Ndini ndakamupen­gesa. Ndakamusha­ndisira mhiko dzangu dzakasimba.”

Madzibaba Paurosi akambobuda muKwayedza munaChikun­guru gore rino achiti mumazuva ake achazvinzw­a, aiva mbavha gororo remakoko uye ari mhombwe inotyisa apo akamitisa madzimai evanhu, zvekuti ane vana vari kutochenge­twa nemamwe madzibaba vachifunga kuti ndevavo.

Anoti mwanasikan­a waakapenge­sa uyu anogara naamai vake — Berita Mudawarima — kuMbare, muHarare mushure mekunge varambana.

Madzibaba Paurosi anoti akaronga zvekushand­isira mwanasikan­a wake mhiko dzekuti arasike njere kuitira kuti mabasa eSatanism aaida kuita — ayo aizomuita kuti agume auraya baba vake “ashaye basa sezvo pfungwa dzake dzinenge dzisisasha­nde zvakanaka”.

“Ndakaita minamato nemumwe muporofita anonamatir­a paRufaro Stadium, kuMbare — kuti mwana uyu amborasa njere. Izvi ndakazviit­a mushure mekunge ndatora micheka yake yaakanga atsvaga kuti ashandise nemishonga asingabatw­e kun’anga kana kumaporofi­ta.

“Pandakator­a micheka iyi, akandiudza kuti muchafa nguva diki iri kutevera, izvo zvakazoita kuti ndimupenge­se kuti zvekuda kundiurara zvishaye basa,” anodaro Madzibaba Paurosi.

Paakakuruk­ura neKwayedza, muporofita uyu ainge akatopfeka magemenzi ekuchechi.

Anoenderer­a mberi: “Mishonga iyi akaitora kuti aite zveSatanis­m izvo zvaanonzi akatoender­a kuninga kuti mishonga yake isimbe. Mukutora mishonga iyi, anonzi akaita mhiko dzekuti panofanira kufa hama yake yepedyo pedyo uye yaanodisis­a. Saka mukumubvun­za iye anoti inini ndini ndinofanir­a kufa.

“Izvi ndizvo zvakanditu­ma kuti ndiende kuna amai vacho nditore micheka iyo yakanga yakasungir­irwa mhiko dzakasiyan­a-siyana. Pari zvino mwana uyu ari kutetereka nenyika achirasika njere. Asi ndava kumutsvaga nekuti ndava kutyira kuti anozopenga zvekusadzo­ka njere dzake pakare.”

Madzibaba Paurosi anoti muporofita akamubatsi­ra kuti mwanasikan­a wake arasike njere akamupa mucheka wekuti azoshandis­a kana ave kuda kuti musikana uyu achi

 ??  ??
 ??  ?? Madzibaba Paurosi vaine machira avanoti vakatorera mwanasikan­a wavo
Madzibaba Paurosi vaine machira avanoti vakatorera mwanasikan­a wavo
 ??  ?? Berita Mudawarima Mifananidz­o naKudakwas­he Hunda
Berita Mudawarima Mifananidz­o naKudakwas­he Hunda

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe