NDAKADHUNYISA MWANA WANGU: MUPOROFITA
MUPOROFITA wekwaMurehwa — uyo wekuti mbiri yake ndeye hupombwe achimitisa vakadzi vevanhu zvose nehumbavha — ari kudura kuti ndiye akashandisira mwanasikana wake wekubereka mhiko dzekuti arasike njere.
Madzibaba uyu anoti mwanasikana wake abva zera — uyo pari zvino anonzi ari kungomberereka nenyika achinzi akataika njere – ndiye akamupengesa.
Anoudza Kwayedza kuti akapengesa mwana uyu “nekuti ainge oita zveSatanism achida kundiuraya ini baba vake kuitira kuti iye aite mari”.
Nicholas Mapfumo (45), uyo anozivikanwa saMadzibaba Paurosi, wechechi yeRuchengeto rwaJehovah anobva mubhuku rekwaMuza, kwaMambo Mangwende.
Anoti pari zvino mwanasikana wake (zita rake akatipa) ari kurasika njere mushure mekunge amushandisira mhiko “dzakasimba”.
Kwayedza haina humboo huzere hwekuti musikana uyu ari kurasika njere asi ndizvo zviri kutaurwa nababa vake vekumubereka.
Kusvika pakuzobuda kwenyaya ino, Kwayedza yakazama kutsvaga mwanasikana uyu, asi zvikashaya basa sezvo aingonzi haapo — pamwe pacho amai vake vachiti ari kuZhombe, vombotizve ari muHarare.
Asi baba vake vanotsidza kuti: “Ndini ndakamupengesa. Ndakamushandisira mhiko dzangu dzakasimba.”
Madzibaba Paurosi akambobuda muKwayedza munaChikunguru gore rino achiti mumazuva ake achazvinzwa, aiva mbavha gororo remakoko uye ari mhombwe inotyisa apo akamitisa madzimai evanhu, zvekuti ane vana vari kutochengetwa nemamwe madzibaba vachifunga kuti ndevavo.
Anoti mwanasikana waakapengesa uyu anogara naamai vake — Berita Mudawarima — kuMbare, muHarare mushure mekunge varambana.
Madzibaba Paurosi anoti akaronga zvekushandisira mwanasikana wake mhiko dzekuti arasike njere kuitira kuti mabasa eSatanism aaida kuita — ayo aizomuita kuti agume auraya baba vake “ashaye basa sezvo pfungwa dzake dzinenge dzisisashande zvakanaka”.
“Ndakaita minamato nemumwe muporofita anonamatira paRufaro Stadium, kuMbare — kuti mwana uyu amborasa njere. Izvi ndakazviita mushure mekunge ndatora micheka yake yaakanga atsvaga kuti ashandise nemishonga asingabatwe kun’anga kana kumaporofita.
“Pandakatora micheka iyi, akandiudza kuti muchafa nguva diki iri kutevera, izvo zvakazoita kuti ndimupengese kuti zvekuda kundiurara zvishaye basa,” anodaro Madzibaba Paurosi.
Paakakurukura neKwayedza, muporofita uyu ainge akatopfeka magemenzi ekuchechi.
Anoenderera mberi: “Mishonga iyi akaitora kuti aite zveSatanism izvo zvaanonzi akatoendera kuninga kuti mishonga yake isimbe. Mukutora mishonga iyi, anonzi akaita mhiko dzekuti panofanira kufa hama yake yepedyo pedyo uye yaanodisisa. Saka mukumubvunza iye anoti inini ndini ndinofanira kufa.
“Izvi ndizvo zvakandituma kuti ndiende kuna amai vacho nditore micheka iyo yakanga yakasungirirwa mhiko dzakasiyana-siyana. Pari zvino mwana uyu ari kutetereka nenyika achirasika njere. Asi ndava kumutsvaga nekuti ndava kutyira kuti anozopenga zvekusadzoka njere dzake pakare.”
Madzibaba Paurosi anoti muporofita akamubatsira kuti mwanasikana wake arasike njere akamupa mucheka wekuti azoshandisa kana ave kuda kuti musikana uyu achi
◆